Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Jehovha Anokomborera Vachengeti Veperero muCyprus
JESU akati kuvateveri vake: “Kana vakanditambudza ini, vachakutambudzaiwo.” (Johane 15:20) Uye Jehovha, kupfurikidza nomuporofita Isaya, akati: “Hakune nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu.” (Isaya 54:17) Kutaura ikoku kwose kuri kuviri kwakabvumikisa kuva kwechokwadi muCyprus, umo Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta perero zvakabatikana kuparidzira mashoko akanaka.
◻ “Chechi yeGreek Orthodox yave ichishingaira zvikuru kuedza kusekesa basa redu,” unodaro mushumo wakabva kunyika iyoyo. “Vaprista vanoparadzira tumapepa tunotipomera marudzi ose ezvinhu nokuudza vanhu kudzivisa kurukurirano neZvapupu zvaJehovha. Ivo vanotoshanyira vanhu vanofunda Bhaibheri neZvapupu ndokuedza kuvaodza mwoyo. Ivo muPaphos, muprista akaedza kupwisa vanhu vatatu vakasiana kurega kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Panhambo dzakasiana, mumwe nomumwe wavatatu, akakoka hama kuzova nekurukurirano nouyu mufundisi. Nomufaro, vose vatatu zvino vanosonganira nokushingaira nesangano raJehovha.” Ikoku, chokwadika, kwakashatirisa muprista, uyo akatsinhira kuti, “Handisati ndichizotongovazve nekurukurirano neZvapupu zvaJehovha.” Vamwe vaprista vakatosvika pakurova dzimwe dzehama apo idzodzi dzakanga dzakabatikana muushumiri. Kazhinji kazhinji, zvisinei, nhamburiko dzavakuru vorudzidziso dzinokundikana, uye vanhu vakawanda zvino vari kutsigira Jehovha.
◻ Chinoitika chinotevera chakabva Cyprus chinoratidza kuti kuchengeta perero muchishoro kunounza zvikomborero. Murume womumwe mukadzi akaurawa mukati mehondo ya 1974, achimusiya ane musikana muduku wokurera. Mukadzi wacho akaroorwazve. Aodzwa mwoyo nounyengeri hwavakuru vorudzidziso nokusava nechokwadi kwenguva yemberi, iye akabvuma kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Iye akafambira mberi nokukurumidza ndokutanga kuudza hama dzake dzokunyama zvinhu zvakanaka zvaakanga achidzidza. Chishoro chakavamba. Muedzo mukurusa wakauya apo mwanasikana wake ane makore 15 okukura akati: “Ini ndakarasikirwa nababa vangu, uye kana mukasarega kufunda neZvapupu zvaJehovha, ndichakurambai samai vangu. Ndichava nherera.” Kunyanguvezvo, mukadzi wacho akapfuurira kufunda.
Rimwe zuva musikana wacho akashanyira shamwari muchipatara. Pamubhedha unotevera womuchipatara, Chapupu chakanga chichishanyira hama yacho yokunyama apo muprista akauya kuzoona murwere mumwe cheteyo. Kurukurirano yakatanga pakati pehama nomuprista. Hama yakanga yakaterama uye yaingwarira pakutaura, ichishandisa Bhaibheri kutsanangura chimiro chayo. Muprista, pane rumwe rutivi, aidenha. Iye akasimudza inzwi rake, asi iye haana kuvhura Bhaibheri nakamwe hako. Musikana akatarira chiono chacho uye akaororwa nomutsa wehama uye neidi rokuti iye aishandisa Bhaibheri. Madekwana iwayo zvikuru, apo hama nomudzimai wayo vakashanyira mai vake nokuda kwefundo yeBhaibheri musikana akatsanangura chakanga chaitika kuchipatara ndokuvakumbira, kuti: “Mungagona kufunda neniwo here?” Zvino musikana ari kufunda kaviri pavhiki, uye murumewo ari kufunda. Uye amai muparidzi akabhapatidzwa.
Zvirokwazvo, Jehovha ari kukomborera vabatiri vake vanochengeta perero muCyprus!
[Mufananidzo uri papeji 7]
Muapostora Pauro akasanganawo nechishoro muPafosi