RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 3/1 pp. 8-9
  • Chifundo Mukukanganwira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chifundo Mukukanganwira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Kukanganwira Kwakakosha
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Chikonzero Nei Tichifanira Kukanganwira
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • “Chokwadi Ndiani Muranda Akatendeka, Akangwara?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • “Vanoramba Vachitevera Gwayana”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 3/1 pp. 8-9

Upenyu hwaJesu Noushumiri

Chifundo Mukukanganwira

JESU sezviri pachena achiri muimba muKapernaume navadzidzi vake. Iye ave achikurukura navo nzira yokubata nayo zvitambudzo pakati pehama, naizvozvo Petro anobvunza, kuti: “Ishe, hama yangu ichanditadzira kanganiko, ndikaikanganwira?” Sezvo vadzidzisi vorudzidziso vechiJudha vachikarakadza kukanganwira kusvikira kukatatu, Petro zvimwe anokurangarira kuva kworupo zvikuru kukarakadza, kuti: “Kusvikira kanomwe here?”

Asi pfungwa yose yokuchengeta chinyorwa chakadaro haina kururama. Jesu anoruramisa Petro, achiti: “Handiti kwauri, kusvikira kanomwe; asi kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe.” Iye ari kuratidza kuti hakuna muganhu unofanira kuiswa pachiverengero chenguva Petro anokanganwira hama yake.

Kuti aroverere pavadzidzi musengwa wavo wokuva vanokanganwira, Jesu anovaudza muenzanisiro. Iwo une chokuita namambo anoda kugadzikisa zvinhu navaranda vake. Muranda mumwe anounzwa kwaari uyo ane mungava mukuru wamadhenari 60 000 000 ($50 000 000). Hakuna nzira yaanogona kuubhadhara nayo. Naizvozvo, sezvinotsanangura Jesu, mambo anomuraira nomudzimai wake navana vake kutengeswa uye kuti muripo uitwe.

Pana ikoko muranda anowira pasi patsoka dzatenzi wake uye anokumbira, achiti: “Ishe, ivai nomwoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.”

Asundwa nengoni, tenzi anobvisa netsitsi chikwereti chikuru chomuranda. Asi nokukurumidza pashure pokunge aita saizvozvo, Jesu anopfuurira, uyu muranda anoenda uye anowana muranda biyake ane mungava naye wamadhenari 100 bedzi (inenge $90). Murume wacho anobata muranda biyake pahuro uye anovamba kumudzipa, achiti: “Ripa chikwereti chako.”

Asi muranda biyake haana mari. Naizvozvo iye anowira patsoka dzomuranda waane chikwereti naye, achikumbira, kuti: “Uve nomwoyo murefu neni, ndichazokuripira.” Kusafanana natenzi wake, muranda haana ngoni, uye anoita kuti muranda biyake akandirwe mutorongo.

Eya, Jesu anopfuurira, vamwe varanda vakaona zvakanga zvaitika vanoenda ndokuudza tenzi. Iyewo, anoshevedza nehasha muranda wacho. “Iwe muranda wakaipa,” iye anodaro, “ndakakukanganwira chikwereti icho chose, nokuti iwe wakakumbira zvikuru kwandiri. Ko iwe hauzaifanira kunzwira tsitsi mumwe muranda unobata pamwe chete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here?” Anyandurirwa kuhasha, tenzi anopa muranda asina ngoni kuvachengeti vetorongo kutozosvikira afanira kudzorera yose yaaiva nomungava nayo.

Ipapo Jesu anogumisa, achiti: “Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana musingakanganwiriyi mumwe nomumwe hama yake nomwoyo wenyu wose.”

Chifundo chakaisvonaka zvakadini mukukanganwira! Kuchienzaniswa nomungava mukuru wechivi uyo Mwari akatikanganwira, kudarika kupi kana kupi kungatiitirwa nehama yedu yechiKristu kuduku zvamazvirokwazvo. Kupfuurirazve, Jehovha Mwari akatikanganwira kane zviuru. Kazhinji kazhinji, hatimboziva nezvezvivi zvedu zvatinomuitira. Naizvozvo, hatigoni here kukanganwira hama yedu nguva shomanene, kunyange kana tine chisakiso chakarurama chokunyunyuta? Yeuka, seizvo Jesu akadzidzisa muMharidzo yapaGomo, Mwari acha“tikanganwira mhosva dzedu, sezvo isu takakanganwirawo vane mhosva nesu.” Mateo 18:21-35; 6:12; VaKorose 3:13.

◆ Chii chinosunda mubvunzo waPetro pamusoro pokukanganwira hama yake, uye neiko iye angarangarira chikarakadzo chake chakanomwe kuva chorupo?

◆ Mhinduro yamambo kuchichemo chomuranda wake inosiana sei nemhinduro yomuranda kuchichemo chomuranda biyake?

◆ Chii chatinodzidza mumuenzanisiro waJesu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe