Chii Chatinogona Kudzidza Muchisiko chaMwari?
NJIVA dzinowana nzira dzadzo nokushandisa mapoka enjenjenje dzine magineti dziri mumisoro yadzo nemitsipa. Hove yakati inobudisa magetsi. Mhatsa dzinoverengeka dzeshiri dzinobvisa munyu womuraudzo unobva mumvura yegungwa yadzinonwa. Hove dzina makwati dzine mwena iyo inogona kuzadzwa nemvura kuti dzitupire kana kuti zvimwe nomweya kuti dzibude pamusoro zvakare.
Hungu, kana achikuziva kana kuti kwete, panguva ipi kana ipi apo munhu anoshandisa kambasi, anogadzira magetsi, anoronga ngarava inofamba napasi pegungwa, kana kuti anobvisa munyu mumvura yegungwa, iye chaizvoizvo ari kungotevedzera zvake chisiko chaMwari.
Zvamazvirokwazvo, chisiko chaMwari chine zvifundo zvakawanda kwazvo nokuda kwomunhu zvokuti pane dzimwe nguva chinonzi “bhuku rechisiko.” Somuenzaniso, bionics rutivi rwesayenzi rwakatsaurirwa kukushandiswa kunoshanda kwemiitiro inowanwa muchisiko. Iyoyi inobatanidza mapapiro endege ane zvinhu zvakafanana neizvo zveshiri, ngarava dzinofamba napasi pegungwa dzakaumbwa sedolphin, uye zvivako zvekongiri zvakarongedzerwa samafupa omunhu. Asi zivo yokugadzira zvinhu ndiyo bedzi iyo “bhuku rechisiko” rinopa here?
Aiwa, iyo pane dzimwe nguva inogovera zvifundo zvinoshanda zvetsikawo. Richinongedzera kukuziva kwomusikirwo kwomujuru kwokushingaira, somuenzaniso, bhuku reBhaibheri raZvirevo rinoraira, richiti: “Enda kumujuru, iwe simbe, cherekedza nzira dzawo, ugova wakachenjera. Kunyange iwo usino mutongi, kana mutariri kana mubati, unogadzira zvokudya zvawo muzhezha, nokuunganidza zvokudya zvawo mukukohwa.”—Zvirevo 6:6-8.
Zvisinei, ethology, sayenzi inoti inowana zvifundo mumuitiro wemhuka, ine miganhu yayo. Muitiro wavanhu haugoni kuiswa muboka rimwe chetero chaizvoizvo neiro remhuka. Misiano yakatanhamara, zvakadai somutauro nomuitiro wokufunga wakaoma kunzwisisa zvikuru kwazvo uri mumunhu, unofanira kurangarirwa. Mumwe musayendisiti akati: “Isu hatisati tichingova zvedu maape akachenjera zvikuru.” Ndangariro dzedu “dzinotiita vakasiana murunako nezvimwe zvimiro zvose zvoupenyu.”
Uyezve, kune mibvunzo iyo kusanofundwa kwechisiko kwoga kusingatongogoni kupindura. Iyoyi inobatanidza: Ko upenyu hune donzo here? Ko Mwari aripo here, uye kana zvakadaro, anotiitira hanya here? Ngatichionei zvino kana mibvunzo yakadaro ichigona kupindurwa.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 3]
Chisiko Chakatanga Kuva Nawo: Mutoo Wokuziva Nawo
Zvimuremwaremwa zvakashongedzerwa mutoo wakati fananei nomutoo wokuziva nawo, unozvigonesa kuwana ndokutevera kufamba kwanyajambwa wazvo kupfurikidza nokuendesa manzwi nokukamuranisa maungira. Asi betebesu rakati (dogbane tiger) rine chiratidzo chinodzivisa icho chinoendesa mafungu akafanana naayo omuvengi waro. Pakugamuchira chiratidzo, chimuremwaremwa, chisina nguva yakakwana yokukamuranisa kana iri mhinganidzo kana kuti kwete, chinodzivisa betebesu nenzira ine nhevedzano.
Purofesa James Fullard, weUniversity of Toronto, Canada, akataura kuyemura kwake, achiti: “Chinhu chinoshamisa hukuru hwokugadzira maidi nezvisarudzo zvikuru zvamanerve zvinoitwa nezvose zviri zviviri zvimuremwaremwa namabetebesu, zvichishandisa chiverengero chakaganhurirwa zvikuru chamasero amanerve. Izvo zvinoratidzira mwero wakati woungwaru nouchenjeri izvo zvingagona kuva chinochochorwa nounyanzvi hwehondo dzomudenga dzavanhu.”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 4]
Chisiko Chakatanga Kuva Nacho: Chokutupira Nacho
Panenge pamavambo ezana ramakore rechi 16, Leonardo da Vinci anotaurwa kuva akagadzira chokutupira nacho. Asi buve rakati rinonzi Argyroneta aquatica rakanga ratoita kare mutoo wokufema nawo pasi pemvura. Sokutsanangura kunoita Andrée Tétry mubhuku rake Les outils chez les êtres vivants (Tools Used by Living Beings), iri buve “rinogara munzizi dzinoyerera zvishoma nezvishoma pakati pemiti yakafukidzwa nemvura uye rinoruka pakati payo chirukwa chakaisvonaka chakati sandara, chakabatwa zvisina kusimba munzvimbo netambo dzakawanda. Richidzokera pamusoro, . . . buve, nokuzvikanda kwakamwe kamwe, rinobata dhudhumira remweya mumakushe aro omudumbu anodzinga mvura. . . . Buve rinodzika zvakare uye rinosunungura dhudhumira remweya pasi pechirukwa chetambo dzesirika. Dhudhumira ipapo rinosimuka kuumba kuudyuka kuduku mumumbure.” Kupfurikidza nenzendo dzinodzokororwa, buve rinounganidza mweya wakakwana wokupedza zuva riri pasi pechokufemesa chacho, umo rinodya nyajambwa anobatwa mukati mousiku. Nezvaikoku, Tétry anowedzera, kuti: “Zvokutupirisa zvomunhu, naizvozvo, zvinowirirana namarudzi chaiwo zvikurusa anocherechedzwa muchisiko.”