Kudzidza Mumadandemutande
UNOTYA kuona dandemutande here? Kunyange avo vedu vanodaro zvimwe vakashamisika, kunyange zvazvo panzvimbo pezvo tingasadaro, padenderedzwa guru routande hwedandemutande. Vazhinjisa vedu vakanzwawo kuti utande chiitwa chinoshamisa. Asi zvakadiniko nezvinhu zvinogadziriswa utande—sirika?
Maseyendisiti namainjiniya kwenguva refu vave vachifadzwa nesirika inoitwa namadandemutande, honye, uye nhunzi. Christopher Viney, mutevedzeri wapurofesa wokushandiswa kwounyanzvi kwedzidzo yezvesayenzi youpenyu nechimiro chezvinhu zvipenyu uye nyanzvi yedzidzo yechimiro chomukati chesimbi paUniversity of Washington, U.S.A., akaita fundo chaiyo yedandemutande rinogadzira zvakatenderera. Mukuwirirana nepepanhau reToronto, Canada, rinonzi The Globe and Mail, iye akawana kuti imwe yamarudzi mashanu esirika iyo inogadzirwa nedandemutande yakasimba zvikuru kupfuura simbi—kutaura idi, yakasimba zvikuru nakane gumi kupfuura Kevlar, shinda yakagadzirwa navanhu inoshandiswa muchipfeko chinodzivirira bara, mitumbi yengarava, uye motokari dzakagadzirwa namarata!
Masayendisiti eU.S. Army akakwanisa kudzokorora chimiro chefibroin, protein umo iyi sirika inogadzirwa. Masayendisiti akawana, kunyanguvezvo, kuti hakusati kuri bedzi kuumbwa kwezvinhu zvesirika uko kunogovera zvinhu zvakwo zvinooneka; inzirawo iyo dandemutande rinotenderedza nayo ichi chinhu. Mukutenderera kwedandemutande, sirika inoisa mvura yakaita sekristaro. Mamolecule aro anoita mitsetse mirefu inonzi mapolymer, ayo ane simba zvikuru. Zvakare, Viney anonzwa ane chivimbo chokuti nomudziyo chaiwo wokugadzirisa shinda, masayendisiti pakupedzisira achadzidza kutevedzerawo ichi chiito chinooneka.
“Madandemutande zvakare ane betsero patiri,” Viney akaudza kudaro The Globe and Mail, asi iye akawedzera kuti, “Ndiani anoziva? Zvichida tinogona kuvandudzika paari.” Zvichida; zvichida kwete. Muchinoitika chipi nechipi, rumbidzo yechiitwa chapakuvamba nguva dzose ichaenda kuManyuko mamwe bedzi—Uyo akasika zvinhu zvose, Jehovha.—Zvakazarurwa 4:11.