RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 2/15 pp. 22-23
  • Chitsuwa cheThursday Chinonzwa Mashoko Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chitsuwa cheThursday Chinonzwa Mashoko Akanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akanaka Anosvika Izvi Zvitsuwa
  • Ungano Inoumbwa
  • Kusvika Zvimwe Zvitsuwa
  • Nzvimbo Yokusonganira Yakaisvonaka
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 2/15 pp. 22-23

Chitsuwa cheThursday Chinonzwa Mashoko Akanaka

SEZVO ndege inotenderera, zvose zvatinogona kuona iboka rezvitsuwa zvezvimiro noukuru zvakasiana-siana pakati pegungwa rebhuruu. Tava pedyo nokumhara, tinoona panomhara ndege—paduku sei—asi inyaradzo yakadini!

Tamhara paHorn Island. Pashure porwendo rwebhazi kuenda kunokwidzirwa nokuburutsirwa zvinhu mungarava, chokuyambutsa chiduku chinotiendesa kuChitsuwa cheThursday, pakati peTorres Strait Islands. Izvi zvitsuwa zvakapararira samadanho kubva kumuromo wokumusoro kweQueensland, Australia, kuyambuka kuPapua New Guinea.

Mukati momwaka unopisa, wakatota, (January kusvikira kuna May) chinhu chiri chose chakasvibira uye chinokura zvakanaka. Madutu ane masimba masimba pane dzimwe nguva anoitika, kuchiita kuti kufamba pakati pezvitsuwa kuve kune ngozi. Rutivi rwasara rwegore, kuoma neguruva ndokwenguva dzose.

Mashoko Akanaka Anosvika Izvi Zvitsuwa

Makanga muri muna 1938 apo ngavara duku ine mafiti 52 (16 m) yeWatch Tower Society Lightbearer yakamira zvishoma paizvi zvitsuwa ichienda kuDutch East Indies (zvino Indonesia). Mairi makanga mune vanomwe veZvapupu zvaJehovha, vaidisa kugoverana shoko reBhaibheri retariro.

Kusingazivikanwi kuidzi hama, zvisinei, mumwe wavafundisi vechiKristudhomu akasvika panenge panguva imwe cheteyo. Iye akaudza vagari vapazvitsuwa kusateerera Zvapupu zvaJehovha kana kuti kugamuchira api naapi amabhuku azvo. Asi apo hama dzakasvika musha wake ndokutaura kwaari, iye akagamuchira mabhuku mana. Vamwe vavagari vapachitsuwa vakaona ikoku, naizvozvo vakafunga kuti: ‘Kana iye achigona kuva nawo, isu tinoregerereiko?’ Madekwana iwayo, apo zvimwe Zvapupu zvakanga zvichiratidza masiraidhi, imwe hama yakagara kunze namakatoni amabhuku. Kazhinji kazhinji, murima, ruoko rune mari marwuri rwaioneka, uye inzwi raikumbira bhuku. Muawa imwe chete, mabhuku 200 akagoverwa saizvozvo! Gare gare, mufundisi akaedza pasina budiriro kushandisa mabhuku ayo akawana sohufakazi mukupomera Zvapupu.

Ungano Inoumbwa

Mbeu dzokutanga idzodzo dzezvokwadi hadzina kudiridzwa kwenhambo refu. Betsero yokuwedzera haina kusvika muizvi zvitsuwa zviri zvoga kutozosvikira mukupera kwama 1950. Vashandi vaviri venguva yakazara vakatumwamo neWatch Tower Society. Vakateverwa navanaRudd, mhuri yavatatu avo vakauya kuzobatira uko kwaiva nokushaiwa kukuru. Nokukurumidza, ungano duku yakaumbwa paChitsuwa cheThursday.

Idzi dzakanga dziri nguva dzakaoma, napokugara papi napapi paisawanika nechishoro chakati chakabva kuhurumende namarudzidziso makuru. Pakutanga ungano yaisangana mukamuri duku pamusoro chaipo peovhoni dzebheka romunzvimbomo. Imbofungidzira zvako kuti yaipisa sei munzvimbo dzinopisa dzapasi!

Zvichiziva kudikanwa kwokuramba zvakasimba mumudzimu, Zvapupu zvakatsunga kupinda kokorodzano pamhenderekedzo yenyika yeAustralia, anenge mamaira 800 (1 300 km). Zvavakanga vasina mari yendege, ivo vakatsvaka nokunyengetera imwe nzira yokuenda kukokorodzano.

Kutanga, hama dzakatenga igwa rekare rakanga risina injini, chikwasvo, machira, nechibatiso. Dzichitsvaka pakati pamagwa akasiiwa, idzo pakupedzisira dzakawana rimwe raiva neinjini yedhiziri huru ine masirinda mashanu negiyabhokisi. Dzichitenga irori, hama dzakafara kuwana machira, zvibatiso, uye mamwe mapati akawanda. Bva, kwakanga kuchiri kusina shafuti kana kuti chikwasvo.

Hama Rudd akakumbira mwene wapamateru panoburutsirwa nokukwidzirwa zvinhu mungarava kana iye aigona kutsvaka. Mwene nejee akataura kuti kana akagona kuwana shafuti panzvimbo ipi neipi panzvimbo yacho, Zvapupu zvaigona kuva nayo. Kushamisiko yomwene, shafuti yakawanwa. Achienda paimba neimba mangwanani mashomanene gare gare, Hama Rudd akabanha chimwe chinhu muuswa hurefu. Chakanga chiri chikwasvo icho chaizokodzera chaizvo igwa ravo!

Pashure pokugadzira igwa racho, ungano yavane 25 yakanga yagadzirira nokuda kwerwendo rwamazuva manomwe. Sezvavakaenda, muroyi womunzvimbomo akaisa “chituko” pavari. Usiku humwe igwa rakajomba pabwe. Hama dzakashandisa nguva yacho zvine betsero kubata mugove wehove. Apo fungu ramangwanani rakapinda, igwa rakabuda, kunyange zvazvo vaifanira kubudisa mvura kurwasara rwerwendo rwacho.

Sezvo vakasvika kuTownsville, Australia, mwene akapfuma wapamateru panoburutsirwa nokukwidzirwa zvinhu mungarava akasangana navo. Sezviri pachena iye akanga arava nyaya yepepanhau pamusoro penhamburiko dzavo dzokupinda kokorodzano, uye iye akasundwa kubetsera. Iye akaomerera pakugadzira kufa kwegwa kunyange zvazvo ivo vaisagona kubhadhara kana kuti kubetsera nokugadzira nemhaka yokuti ivo vakanga vava pakokorodzano. Gare gare, ivo vakangochajwa pondo 40 chete ($80, U.S.) panzvimbo pepondo 500 ($1 000 U.S.) iyo ingave yakava ine mufungo.

Kusvika Zvimwe Zvitsuwa

Kupfurikidza nenhungamiro yaJehovha, shoko roUmambo rakasvikawo zvitsuwa zvokure. Somuenzaniso, Hama Rod Anderson naAllan Webster, avo vakatamira kuchitsuwa cheThursday makore mashomanene apfuura, vakashandisa igwa ravo mukupupurira pazvimwe zvitsuwa. Kusvikira zvino, kuparidzira kwakaitwa pa 12 zvezvitsuwa 17 zvinogarwa.

Nzvimbo Yokusonganira Yakaisvonaka

Hama dzakashamisika kwenguva refu, kunyanguvezvo, kana dzaizombova neHoro yoUmambo yadzo dzimene paChitsuwa cheThursday. Ipapo mudzimu waJehovha unoshanda wakava pachena. Muna September 1983, Hama Graham Keen, muvaki nyanzvi, akatamiramo kuzobetsera kuvaka horo. Chiverengero chakati cheungano dzeAustralia chakanga chagovera norupo zvivakiso zvaidikanwa nokuda kwokuvaka. Izvozvi zvakaiswa mumabhokisi ndokutumirwa zvichibva Cairns, Queensland. Vagari vapazvitsuwa vakashamiswa kuona iri gomo rezvivakiso panzvimbo yaichimbova isina chinhu. Kwakatora mazuva okushanda 140 bedzi kupedza Horo, pamwe chete nomusha kuseri. Paiva navanhu 120 vaivapo nomufaro pazuva horo itsva yakatsaurirwa.

Zvapupu zvose zvakafara sei kuva neiyi Horo yoUmambo itsva yokubatira senzvimbo yapakati yebasa rokuparadzira mashoko akanaka muTorres Strait Islands. Nebetsero yomudzimu waJehovha, ivo vanofara kutaura rumbidzo kuna Jehovha Mwari.—Isaya 42:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe