RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 2/15 p. 21
  • Nzwisiso Panhau

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzwisiso Panhau
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Baba Vedu . . . ”
  • Chechi Dzine Chikwereti
  • Varaidzo Yakaipa
  • Kufarira Kuita Zvemashiripiti—Kwakaipirei?
    Mukai!—2002
  • Tinofanira Kuenda Kumisangano yechiKristu Here?
    Mukai!—2001
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 2/15 p. 21

Nzwisiso Panhau

“Baba Vedu . . . ”

“Vakadzi kupota nyika vave vachiudza vanamati biyavo kuti kunovanetsa kushandisa chose chose mutauro wechirume (‘Baba Vedu vari Mudenga’) muminamato,” inoshuma kudaro Minneapolis Star and Tribune. “Kunovaita kuti vanzwe vakafanana navagari vemo veboka rechipiri, vakadzi vanodaro, uye ivo havagoni kubatana namwari wechirume.” Uchitsigira nhau yacho, mutumbi unodzora weUnited Methodist Church muMinneapolis, Minnesota, U.S.A., wakavhota uchitsigira ndaza itsva yokutaura kunofanira kushandiswa navagari vomuruwa pakunongedzera kuna Mwari mukati momunyengetero, minamato, uye mimwe mibato yechechi.

Kutaura kusingarevi munhurume kana kuti munhukadzi kwakagadzirirwa nomutumbi wechechi ndokuku “manyuko orugare, manyuko engoni, akatsiga naane rudo, simba roupenyu hwedu, . . . ndangariro yenyika, . . . akakwirira nomutsvene.” Kushandiswa kwouku kutaura kuchakurudzirwa panzvimbo pamashoko anomirira zita echirume pamwe chete namashoko akafanana naIshe, Mambo, uye Baba, uko kunopa kuva munhurume kuna Mwari.

Zvisinei, kuramba kushandisa kweBhaibheri nongedzero dzomunhurume kuna Mwari hakuna muenzaniso. Chinguvana pamberi porufu rwake, Jesu, Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga waMwari, akashandisa zvakananga shoko rechiAramaiki Abba, rinoreva “Baba,” pakunyengetera kuna Jehovha Mwari. (Marko 14:36) Nenzira yakafanana, muapostora Pauro akashandisa iri shoko kupa ukama hwapedyo pakati pamaKristu akaberekwa nomudzimu naBaba wavo wokudenga, Jehovha. (VaRoma 8:15; VaGaratia 4:6) Kana, naizvozvo, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera vachiti, ‘Baba Vedu vari mumatenga,” ko maKristu ose nhasi haafaniri kuita zvimwe chetezvo here?—Mateo 6:9, NW.

Chechi Dzine Chikwereti

Pashure pomusangano wavakuru vakuru vechechi veDutch Reformed Church kuchamhembe kweTransvaal, South Africa, kwakashumwa kuti ungano 134 dzechechi dzaiva nechikwereti chinosvika kuchitsama che R13 890 000 ($6 667 000 U.S.). Chichitsinhira pamusoro pechinetso chacho, chikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau mupepanhau reAfrica Beeld chakabvunza, kuti: “Ko mhosva, zvisinei, pane dzimwe nguva haina mufundisi nedare rechechi here?” Pepanhau racho rinotsanangura, kuti: “Kunowanzoitika kuti mudhikoni anowanzosvika pashanyo yemba yomwedzi nomwedzi kuti atore mari, nepo mufundisi akatanhamara kupfurikidza nokusavapo kwake uye mukuru muenzi munharaunda make. Ko mitezo yechechi, muzvinoitika zvakadaro, inofanira kushorwa nokuda kwokuwana murangariro wokuti chechi inongofarira bedzi mari yavo, kwete garikano yavo yomudzimu here?”

Mukupesana, ushumiri hwaJesu navadzidzi vake hwakaisa simbiso pakupa kwomudzimu. (Mateo 10:8) Nepo vateereri vanoonga vaiwanzovayamura kupfurikidza nokugovera norupo zvinhu zvikuru zvakadai sezvokudya nepokugara, Jesu kana kuti vadzidzi vake havana kutsvaka betsero dzokunyama. (Ruka 10:5-9) Muapostora Pauro akati: “Handina kuchochora sirvheri, kana ndarama, kana nguvo dzomunhu mumwe.” Panzvimbo pezvo, iye akapangira vashumiri vechokwadi vaMwari kuti “musakarira mari pamugarire wenyu.” Shanyo dzake dzapaimba neimba dzaiitwa kuti iye agogona ‘kupupurira pamusoro porupfidzo kuna Mwari nokutenda munaShe wedu Jesu.” (Mabasa 20:20, 21, 33; VaHebheru 13:5) Vakanga vari vatungamiriri vorudzidziso vomuzuvaro avo vakarondedzerwa nomunyori weBhaibheri Ruka savari “vadi vemari.”—Ruka 16:9-15, NW.

Varaidzo Yakaipa

Nokuda kwomufaro chete, vaduku veGermany muLahnstein vakavamba kuozva midzimu yamashiripiti kutaura kupfurikidza negirazi rokunwira rinofamba richibva pabhii kusvikira pabhii, “kunyora” shoko. Chii chaiva muuyo?

“Vane makore gumi namashanu, vachitya kuenda voga kukamuri rokushambira, vanotaura nenzira yokukangaidzika pamusoro pamadhemoni. Usiku, vaduku vanoda kurara navabereki vavo,” rinoshuma kudaro pepanhau reGermany Rhein-Zeitung. Rutyo rwakaitika pakati pavazhinji vaavo “mumisangano yapachivande vakadana midzimu uye pakupedzisira ‘Lucifer.’” Achitsinhira pamusoro pokuita kwavana “apo ‘Lucifer’ sezvinofungidzirwa akaonana navo,” mumwe mudzidzisi akati: “Kunyange vana vane upengo zvikurusa kamwe kamwe vakadzorwa zvikuru. Ivo vakarohwa norutyo.” Pashure pechinoitika chacho, nzvimbo yavechiduku yeguta yakarambidza “mitambo” yakadaro, uye vabereki vakakumbirwa kusarega vana vavo vatyiswa vari voga.

Mukuwirirana nepepa racho, “fungu ramashiripiti riri kupinda mumabhaisikopo, TV, uye marekodhi.” Bva, kupinda mumashiripiti nokuda kwevaraidzo hakuna kugovera vaduku veGermany veLahnstein mufarwa uyo vaikarira. Zvokona nei? Nemhaka yokuti Bhaibheri rinotizivisa kuti Dhiabhorosi ane manomano uye “ari kutsausa pasi rose rinogarwa.” Kunobatanidza kushanda kwaDhiabhorosi pasi pano ne“nhamo.” Satani ne“masimba akaipa omudzimu” ake (madhemoni) vanofanira kurangarirwa zvakakomba sengozi chaiyoiyo yomudzimu, uye kudziviswa.—Zvakazarurwa 12:9, 12; VaEfeso 6:11, 12; enzanisa naMabasa 19:19.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe