Bhaibheri Rinozvipokanidza Rimene Here?
“HAKUBVIRIRI Mwari kureva nhema,” rinozivisa kudaro Bhaibheri. (VaHebheru 6:18, NW) Naizvozvo bhuku rake ringagona sei kuzadzwa nokusawirirana kuri pachena nemisiano inokosha ndokungonzi Shoko raMwari? Haringagoni. ‘Neiko, kunyanguvezvo, pane misiano?’ unobvunza kudaro.
Sezvingakarirwa, mubhuku iro kwamazana amakore rakanyorwa nenhamburiko huru noruoko uye iro raidikanirwa kushandurirwa mumitauro yakakurumbira yezuvaro, misiano yakati yokunyora yakapinda. Asi hakuna nemimwe youkuru hwakadaro noukoshi zvokupanikirisa kufuridzirwa nouchokwadi hweBhaibheri rose zvaro. Kupfurikidza nokusanonzvera, dzinoratidzika kuva pokanidzano dzinogona kuratidzwa kuva dzine mhinduro yokutendeseka. Kazhinji kazhinji zvikuru, vanhu vanotaura kuti Bhaibheri rinozvipokanidza rimene ivo vamene havana kuita nzvero yakakwana, asi vanongogamuchira zvavo uyu murangariro uyo unoiswa pavari naavo vasingadi kudavira Bhaibheri kana kuti kudzorwa naro. “Unopindura asati anzwa, zvichava kwaari upenzi nokunyadziswa,” rinonyevera kudaro Bhaibheri pana Zvirevo 18:13.
Padzimwe nguva, vamwe vanoramba idi rokuti vanyori veBhaibheri nguva dzose havasati vachiratidzika kuva vanobvumirana pazvinhu zvine chokuita nenhamba, nhevedzano yezvinoitika, kunyorwa kwokunokorwa mashoko, uye zvichingodaro. Asi rangarira: Kudai iwe waizokumbira zvapupu zvakaona zvinoverengeka zvechinoitika chakati kuti vanyore zvavakaona, ko nhauro dzose dzaizobvumirana chose chose mumashoko noudzame here? Kudai dzikadaro, hausati waizonyumwira bvumirano yapachivande pakati pavanyori here? Naizvozvowo, vanyori veBhaibheri vakabvumirwa naMwari kuchengeta mutoo wavo vamene wakati nomutauro, nepo iye akava nechokwadi chokuti pfungwa dzake namaidi akakodzera zvaipiwa nenzira yakarurama.
Kunokora mashoko mumanyoro apakuvamba kungachinjwa zvishomanene kuchibva mukutaura kwapakuvamba kuti kukwanirise zvinodikanwa nedonzo romunyori mutsva, nepo kuchiri kunochengeta pfungwa huru nomufungo. Zvimwe chetezvo zvingagona kutaurwa pamusoro pokuiswa mumapoka kwezvinoitika. Mumwe munyori angatevera nhevedzano chaiyoiyo yemisi yenhau, nepo mumwe angaronga zvinoitika mukuwirirana nebatano yazvo nepfungwa. Kusiya nenzira yakafanana kwaizova mukuwirirana nomurangariro womunyori nokuronga kwake nhauro yacho. Nokudaro, Mateo akataura nezvamapofu maviri akaporeswa naJesu, nepo Marko naRuka vachidudza rimwe bedzi. (Mateo 20:29-34; Marko 10:46; Ruka 18:35) Nhauro yaMateo haipokanidzi. Iye ari kungova zvake akananga zvikuru pamusoro pechiverengero, nepo Marko naRuka vachinangidzira ngwariro pamunhu mumwe uko Jesu akanangidzira kurukurirano yake.
Kwaivawo nemitoo yakasiana yokuverenga nayo nguva. Rudzi rwechiJudha rwaishandisa karenda mbiri—karenda inoyera nekarenda yenyika, kana kuti yokurima—imwe neimwe ichitanga panguva yakasiana yegore. Vanyori vanosiana mumwedzi nezuva pakunongedzera kuchinoitika chimwe chetecho vangave vachingoshandisa zvavo karenda dzakasiana. Sezvo vanyori vokuMabvazuva vaisawanzoshandisa zvikamu, mativi egore aiverengwa samakore akazara. Iwo aisvitswa kunhamba yakazara iri pedyosa. Cherechedza ikoku, somuenzaniso, muzvinyorwa zvedzinza zvinowanwa muna Genesi ganhuro 5.
Kutsinhiranisa “Pokanidzano”
Asi hakuna here magwaro ari muBhaibheri anotaura zvakapesana chaizvo namamwe magwaro? Ngatirangarirei mashomanene ayo akadudzwa navamwe vatsoropodzi veBhaibheri.
Pana Johane 3:22, NW, tinorava kuti Jesu “akabhapatidza,” nepo pamberi zvishomanene, pana Johane 4:2, chinyorwa chacho chichitaura kuti “Jesu wakanga asingabhapatidzi amene.” Asi seizvo rutivi rwasara rworugwaro rwacho runoratidzira, vakanga vari vadzidzi vaJesu vakabhapatidza chaizvoizvo muzita rake uye munhungamiro yake. Uku kwakafanana nechinoitika umo munhu webhizimisi nomunyori wake vose vari vaviri vanogona kutaura kuti vakanyora tsamba yakati.
Ipapo kune rugwaro rwuri pana Genesi 2:2 runotaura kuti Mwari akazorora “pabasa rake rose.” Kunopesana naikoku kutaura kwaJesu kuri pana Johane 5:17 apo iye anotaura kuti Mwari “vachabata kusvikira zvino.” Asi sezvinoratidza mashoko akapoteredza, chinyorwa chiri muna Genesi chiri kutaura zvakananga nezvamabasa aMwari echisiko chinooneka, nepo Jesu akanga achinongedzera kumabasa aMwari ane chokuita nenhungamiro yake youmwari netarisiro nokuda kworudzi rwomunhu.
Imwe inoratidzika kuva pokanidzano inowanwa kupfurikidza nokuenzanisa Eksodho 34:7 naEzekieri 18:20. Rugwaro rwokutanga runotaura kuti Mwari aizo“rova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, navana vavana vavo,” nepo rwapashure rwuchitaura kuti mwanakomana haangavi nemhosva yezvakaipa zvababa vake.” Neiko aya magwaro achiratidzika kuva anopikisana? Nemhaka yokuti anobviswa mumashoko akapoteredza. Nzvera mashoko akapoteredza nomugariro. Ipapo kunova pachena kuti apo Mwari akadudza chirango sechinouya kuasati achingova madzibaba bedzi asiwo vanakomana navazukuru, iye akanga achitaura nezvaizoitika kuvaIsraeri sorudzi kana vakamutadzira uye vakapinzwa muutapwa. Pane rumwe rutivi, pakududza kuti mwanakomana haasati aizova nemhaka yechikanganiso chababa vake, iye akanga achitaura nezvokuzvidavirira kwomunhu oga.
Misiano inogona kuwanwa, zvakadai somunhauro dzokuberekwa kwaJesu sedzakanyorwa pana Mateo 1:18-25 naRuka 1:26-38. Asi iyo inoratidzira pokanidzano here?
Ko iwe wati wamborava nhauro mbiri dzoupenyu pamusoro pomunhu mumwe cheteyo akakurumbira here? Kana zvakadaro, wakacherechedza kuti idzi nhauro dzoupenyu dzichasiana pasina kuva hadzo dzinopokanidzana here? Kazhinji kazhinji, imhaka yemirangariro yomunhu oga yomunyori kana kuti manyuko ayo iye akashandisa. Kunotsamirawo paicho munyori anorangarira kuva chinokosha kurondedzera mukupa kwake, rutivi rwaari kusimudzira, uye kurangarira vateereri vanoitirwa basa racho. Nokudaro, nhauro dzakanyorwa kuchirangarirwa varavi vaVamarudzi dzaizosiana neidzo dzavaravi vechiJudha, avo vaitonzwisisa nokugamuchira maidi akati.
Iyi inongova zvayo chete mienzaniso mishomanene yezvikamu zviri muBhaibheri izvo, pasina kuongorora kwokungwarira, zvinoratidzika kuva zvinopokanidzana. Asi pazvinosanonzverwa, kuchirangarirwa murangariro womunyori namashoko akapoteredza, idzo hadzisi pokanidzano chose asi zvinongova hazvo zvikamu zvinoda nzvero yokuwedzera. Vanhu vazhinjisa vanokundikana kushandisa iyi nhamburiko iri madikanwa, zvisinei, vachikuwana kuri nyore zvikuru kwazvo kungoti: “Bhaibheri rinozvipokanidza rimene.”
Rakafanirwa Nechivimbo Chedu
Mudzimu mutsvene waMwari wakabvumira vanyori veBhaibheri rusununguko rukuru mukunyora mishumo yavo. (Mabasa 3:21) Nokudaro, ivo vakakwanisa kuita chiono chakaisvonaka nechakajeka cheizvo vakaona. Kusafanana kwavo, zvisinei, kunosimbisa zvomenemene kuvimbika kwavo nouzvokwadi, kusingabvumiri pomero yenyengedzo nebvumirano pachivande. (2 Petro 1:16-21) Nepo vanyori vakasiana mumutoo wavo wokupa, vose vakanongedzera kunzira imwe cheteyo uye vaiva nedonzo rimwe chetero: kuratidza vanhu izvo Jehovha Mwari achaita kuita kuti rudzi rwomunhu rufare uye izvo vanhu vanofanira kuita kuti vagamuchire tendero yaMwari.—Zvirevo 2:3-6, 9.
Bhaibheri ibhuku rinofadza simba redu rerangariro. Iro rose rinotsinhirana. Harisati richizvipokanidza rimene. Mabhuku 66 ose (ganhuro 1 189 kana kuti ndima 31 173 mukuwirirana neKing James Version) zvakafanirwa nechivimbo chedu chakakwana. Hungu, unogona kuvimba neBhaibheri!
[Bhokisi riri papeji 6]
Kana Iwe Ukawana “Pokanidzano” yeBhaibheri, Kungagona Kuva Kuti Here
◆Hauzivi maidi akati enhau kana kuti tsika dzakare?
◆Wakakundikana kurangarira mashoko akapoteredza?
◆Wakafuratira murangariro womunyori?
◆Uri kuedza kuwiriranisa pfungwa dzorudzidziso dzakashata neizvo Bhaibheri rinotaura chaizvoizvo?
◆Uri kushandisa shanduro yeBhaibheri isakarurama kana kuti isingawirirani nomusi?
[Mifananidzo iri papeji 7]
Mateo akataura kuti mapofu maviri akaporeswa naJesu. Marko naRuka vakadudza mumwe bedzi. Iyi ipokanidzano here?