Ndiani Akanyora Bhaibheri?
“BHAIBHERI rakazara nepokanidzano,” vanodaro vapanikiri. “Kunze kwezvo, iro rine uzivi hwavanhu. Naizvozvo, munhu upi noupi anogona sei kugamuchira Bhaibheri senhungamiro yakavimbika youpenyu?”
Ko iwe unogoverana murangariro wavapanikiri wokuti Bhaibheri harisi chinhu kunze kwebhuku rinotaura kufunga kwakaipa kwavanhu here? Vakuru vakuru vorudzidziso vanodaro. Mufundisi wePurotesitendi weSwitzerland mushakabvu Karl Barth akanyora murake Kirchliche Dogmatik (Church Dogmatics), kuti: “Vaporofita navaapostora savakadaro vakanga vachikwanisa kuita zvikanganiso mukutaura nomukunyora.” Chokwadi, misiano mumashoko inogona kuwanwa munhauro dzechinoitika chakafukidzwa navanopfuura munyori mumwe weBhaibheri. Uye kutaura kunogona kuwanikwa uko, nechapamusoro, kunoratidzika kuva kunosiana chose chose nokutaura kunowanwa pane imwe nzvimbo muBhaibheri. Asi ikoku ipokanidzano chaizvoizvo here? Ko Bhaibheri rinongova zvaro muuyo wavanhu here? Zvamazvirokwazvo, ndiani akanyora Bhaibheri?
Mhinduro yacho yakapfava: “Vanhu vakataura huchibva kuna Mwari.” Asi ivo vakaziva sei chokutaura nechokunyora? Murume achangobva kunokorwa mashoko, muapostora Simoni Petro, anopfuurira kutsanangura kuti ivo vakataura “sezvo ivo vakanga vachitsigirwa nomudzimu mutsvene.”—2 Petro 1:21, NW.
Kutaura idi, nguva nenguva Bhaibheri rinosimbisa kuti i“Shoko raMwari.” Mundima 176 dzePisarema 119 roga iri pfundo rinonongedzerwa kwariri ka 176! Chinoita kuti ikoku kuve kunokosha ndechokuti vanyori kazhinji kazhinji vanofarira kuzivisa kuti ivo vakanyora bhuku rakati. Asi vanhu vakanyora Bhaibheri vakanga vasati. Rukudzo rwose rwaifanira kuenda kuna Mwari. Rakanga riri bhuku rake, kwete ravo.—1 VaTesaronika 2:13; 2 Samueri 23:2.
“Vachitsigirwa Nomudzimu Mutsvene”—Seiko?
Ava vanhu vaka“tsigirwa [sei] nomudzimu mutsvene”? Tsamba yakatumirwa kumuKristu womuzana rokutanga ramakore Timotio inogovera mhinduro: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” “Kufuridzirwa naMwari” kunoshandura shoko rapakuvamba reBhaibheri rorugwaro rwechiGiriki rokuti the·oʹpneu·stos, iro rinoreva, chaizvoizvo, “vakafemerwa naMwari.” Mwari akashandisa simba rake risingaoneki rinobate basa—mudzimu mutsvene wake—ku“femera” pfungwa dzake mundangariro dzavanyori. Nokudaro, Jehovha Mwari ndiye Manyuko noMuiti weBhaibheri. Mifungo yake yakatungamirira kunyora kwacho zvikuru sezvo munhu webhizimisi achishandisa munyori kumunyorera tsamba.—2 Timotio 3:16, NW.
Uyewo, uyu murangariro wokuti “vakafemerwa naMwari” unowana wirirano mukutaura kweBhaibheri kwokuti “vachitsigirwa nomudzimu mutsvene.” Seiko? “Kutsigirwa” kunoshandiswa muchiGiriki nenongedzero kungarava idzo dzinofambiswa munzira yakati nemhepo. (Enzanisa naMabasa 27:15, 17.) Nokudaro, sezvo mhepo ichivhuvhuta uye ichifambisa ngarava inofamba, naizvozvo vanyori veBhaibheri vakafunga, vakataura, uye vakanyora vachipesvedzerwa naMwari, vachitsigirwa nomudzimu mutsvene wake sezvo iye “akafemera” pavari.
Vanhu Vakashandiswa naMwari Kunyora
Tinongova chete noudzame hushomanene hwenhau dzoupenyu hwomunhu dzakanyorwa naye amene pamusoro pavanyori veBhaibheri. Kure nokuzvirangarira vamene kuva voukoshi hukuru, ivo nguva dzose vaivavarira kukudza Mwari kupfurikidza nokusazviratidzira vamene. Isu tinoziva, zvisinei, kuti ivo vakabatanidza vakuru vakuru vehurumende, vatongi, vaporofita, madzimambo, vafudzi, varimi, uye varedzi—vanhu 40 pamwe chete. Nokudaro, Bhaibheri, kunyange zvazvo riri shoko rakabva kuna Mwari, rine ushamwari, mhatsa, uye kufadza kwohunhu.
Vazhinji vavanyori veBhaibheri vakanga vasingazivani. Ivo vakatorarama vakaparadzana namazana amakore uye vakanga vakasiana zvikuru muchimiro chendangariro noruzivo rwokuzviwanira, pamwe chete nomumigariro yenzanga neyedzidzo. Bva, kana vaiva vaduku kana kuti vakuru, kunyora kwavo kunoratidza chinzwano chakakwana. Munhambo yamakore 1 600, ivo vakanyora kutozosvikira bhuku racho rapedzwa pakupedzisira. Pashure pokusanonzvera, iwe uchawana kuti kutaura kweBhaibheri kunoratidzira tsinhirano inoshamisa. Bhaibheri nokudaro rinoratidzira ndangariro yoMuvambi mumwe, kunyange zvazvo vanyori vazhinji vakashandiswa.
Ikoku hakusati kuchifanira kutisunda here “kupa ngwariro inopfuura yenguva dzose” kuiri bhuku rinoshamisa, Bhaibheri? Hatifaniri here kuva vanokwanisa kusvika mhedziso imwe cheteyo sezvakaita Petro, uyo akanyora, kuti: “Kwose ikoku kunongotisimbisira bedzi shoko ravaporofita, ramuchaita zvakanaka kuteerera, nemhaka yokuti rakafanana nomwenje unopenya munzvimbo ine rima”?—VaHebheru 2:1, NW; 2 Petro 1:19, The New English Bible.
Asi zvino, zvakadiniko nezvokutaura kwokuti Bhaibheri rinozvipokanidza rimene? Rinodaro here? Unopindura sei?
[Bhokisi riri papeji 4]
“Ibhuku rakaisvonaka zvakadini! Kwechienzi zvikuru kupfuura zviri mukati maro nokuda kwangu ndiwo mutoo waro wokutaura, umo shoko rinodokuva chinhu chomusikirwo chakafanana nomuti, chakafanana neruva, chakafanana negungwa, chakafanana nenyeredzi, chakafanana nomunhu amene. Iro rinomera, iro rinoyerera, iro rinopenya, iro rinoseka, munhu haazivi kuti sei, munhu haazivi kuti chikonzero nei, munhu anowana chinhu chiri chose chiri chomusikirwo chose chose kwazvo. Iro zvirokwazvo iShoko raMwari, mukupesana namamwe mabhuku anopupurira uchenjeri hwavanhu bedzi.”—Tsinhiro dzomudetembedzi nomunyori wenhau weGermany wezana ramakore rechi 19 Heinrich Heine pamusoro peBhaibheri.
[Mufananidzo uri papeji 4]
Sezvo mhepo ichifambisa ngarava dzinofamba, naizvozvo vanyori veBhaibheri vaka‘tsigirwa nomudzimu mutsvene waMwari’