Chembere Inoonga
Mumwe mukadzi ane makore 79 okukura wokuJapan akasundwa kunyora tsamba inotevera pashure pokurava chinyorwa chaJune 1, 1987 cheNharireyomurindi pamsoro pomusoro unoti “Ndiani Achatarisira Vakweguru?”
Kuhama Dzandinoremekedza,
Pakufunda chinyorwa chaJune 1, 1987 pamsoro pavakweguru, ndinowana mashoko acho ari okunzwisisa noomutsa zvikurusa. Pandakasvika ndima 11, ndaitofanira kutora hengechepfu yangu nemhaka yokuti ndakangochema zvangu uye ndaisagona kurega. Iyoyo yakanga iri misodzi yokuonga kukuru. Rudo nomutsa zvakadini! Ndaingogona bedzi kuita izvo Pisarema 150 rinotaura—kurumbidza Jah! Ndinopa nokuzvininipisa kuonga kwangu kukurusa kwamuri hama nokuda kwokubudisa idzi nyaya dzokurangarira pamsoro pokuratidzira mutsa kuvanhu vakwegura, kusvikira kuudzame hwakaisvonakisisa. Chokwadika, ndinotenda nyaya dzakaisvonaka dzamunobudisa mwedzi mumwe nomumwe, uye hakuna mashoko okuratidzira kuonga kwangu zvakakwana. Zvakare, ndinokutendai.
Nomufaro, munhu ari wose ari muungano yedu ane rudo nomutsa kwazvo. Ivo vanondiendesa nokundidzosa kundima yokuparidzira mumotokari dzavo, uye nemhaka yebasa ravo romutsa, ndiri piona webetsero. Ndinoonga zvikuru nokuda kwezuva riri rose randinogona kurarama musangano rinoshamisa nerinodzivirira rakadaro.
Munyika nhasi, umo vanhu vakura vari kuva vakawanda zvikuru asi vanofarirwa zvishoma, hamuna chinhu chinokosha zvikuru kupfuura zvikomborero zvatinogamuchira kuna Mwari ane rudo akadaro. Munyengetero wangu kuti ndinogona kubetsera vazhinjisa savanobvira kudzidza zvokwadi kuti vagogona kufara pamwe chete nesu.
Rumbidzo ngaiende kuna Jehovha uye kutenda kwamuri, hama dzangu dzinodiwa. Ndapota regererai runyoro rwangu rwakaipa, rwunondinyadzisa. Jehovha ngaakukomborerei ndokukupai utano hwakanaka.
Chembere isakafanira,
[yakasainwa] Nogami
Mashoko nemirangariro zvakafanana neizvi zvinosimbisa idi rokuti rudo rwechokwadi rwechiKristu haruzivi muganhu kana kuti zera. Zvapupu zvaJehovha, vaduku navakuru, zvinoratidzira kuva kwazvo vadzidzi kupfurikidza nokurarama mukuwirirana nokutaura kwaJesu, kunoti: “Kupfurikidza naikoku vose vachaziva kuti imi muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu mumene.”—Johane 13:35, NW.