Kufuratira Nyevero Nokuedza Mwari
“Ivo havana kuda kupona kunyange apo mvura yakasvika muzviziso zvamakumbo avo.”—El Pais, Colombia.
MUSORO mukuru iwoyo womupepanhau rezuva nezuva reColombia wakasimbisa chimwe chezvikonzero zvokurasikirwa kunotyisa noupenyu mungwavaira yamafashamo yeArmero yaNovember 1985. Dora Elisa Rada Esguerra, mutekenyi worunhare muArmero, angwadzwa namarota anodonha uye rwizi runopfachukira, akasarudza kutiza. Ipapo iye akanyevera vashandi biyake vapaekisichenji yorunhare nezvengwavaira iri kuuya. Iye gare gare akatsanangura, kuti: “Ivo vakaona mvura, iyo yakanga . . . ichiyerera zvakasimba, nesimba zvikuru, asi kunyange ipapo ivo havana kusimuka.” Dora akapona muguta rakashurikidzwa.
Vamwe vatekenyi vorunhare vakafa pamwe chete navamwe vanyajambwa 21 000 mukuyerera nesimba kwamadhaka, aizi, uye mabwe zvegomo rinoputika izvo zvakarira zvichibva mugomo rinoputika reNevado del Ruiz. Pakati paavo vakaparadzanywa pakanga pana meya wetaundi navazhinjisa vamapurisa omunzvimbomo, uko kunoratidzira kuti hapana kutongova nomunhu upi noupi akarangarira zvakakomba tyisidziro yacho—kutozosvikira kwatova kunyanyononoka.
Neiko Vasina Kutiza?
Kwakanga kune zviratidzo nenyevero zvengwavaira inoswedera pedyo. Neiko vanhu vazhinji kwazvo muArmero vakazvifuratira? Kutanga, nyevero dzehurumende dzakanonoka kuuya, apo ngwavaira yakanga yava kutorova guta. Pamberi paikoku, vanhu vakanga vaudzwa kuti vaterame, kuti kungava nokufashamira asi kuti kwaisazova kwakakomba. Panzvimbo pezvo, guta rakatsvairwa pamapu norusvingo rukuru rworufu urwo rwakadzika norwizi Lagunilla.
Sezvingabvira, vamwe havana kuda kusiya misha yavo nepfuma dzavo, vachiziva kuti vapambi vaizokurumidza kuverevedza vachipinda ndokuba. Ikoku kwakava tyisidziro chaiyoiyo. Vabibitiri vashomanene vakapfurwa namauto. Vamwe vakapukunyuka ngwavaira yacho vakadzokera kumisha yavo yakafashamirwa ndokuwana kuti makiyi akanga abviswa pamasuo uye zvinhu zvinokosha zvakanga zvabiwa. Asi voruzhinji vavanhu vomutaundi havana kutongorarama kwenguva refu zvakakwana kudzokera kumisha yavo. Uye muzvinoitika zvizhinjisa, kwakanga kusina misha yokudzokera kwairi.
Zvichida vamwe vakarangarira kuti Mwari kana kuti Mhandara Maria vaizopindira nokuda kwavo. Bva, kune mufungo here kukarira Mwari kupindira nhasi nokuda kwavanhu vakati apo ngwavaira dzomusikirwo dzinoitika? Neiko vamwe vachifanira kuponeswa nokupindira kwoumwari uye vamwe, vari mumigariro yakafanana, vachibvumirwa kuparara?
Pane hwaro hwakasimba here hwokuti munhu adavire kuti iye anogona kurarama upenyu hwakapingwa nedziviriro chaiyo inobva kuna Mwari? Somuenzaniso, ko muchairi wemotokari anogona here kuvimba ne“ngirozi [yake] inorindira” kana kuti “musande” anodikanwa? VaKaturike vazhinji vakatendeka vane mifananidzo ya“Musande” Christopher vakafira mutsaona dzemotokari zvokusagona kuti ikoko kudavirike. Kana kuti muKristu anofanira kudavira here kuti ane dziviriro chaiyo yaMwari pakufamba ari mundege? Zvakadini nezvedziviriro chaiyo pakugoverana mumutambo wakati une ngozi? Kune mufungo here kuedza Mwari mumigariro yakadaro?
Ruoko rwaJehovha Haruna Kupfupika
Magwaro anotibetsera kuona kuti kune migariro iyo mairi Jehovha Mwari angapindira nokuda kwavanhu vake apo kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo kunotapurwa kana kuti apo ungano yake inotyisidzirwa. Muporofita Isaya anotipikira, kuti: “Tarirai, ruoko rwaJehovha haruna kupfupiswa, kuti rukoniwe kuponesa, nzeve yake haina kuremerwa, kuti ikoniwe kunzwa.”—Isaya 59:1.
Bhaibheri rinopa mienzaniso yakajeka yoruoko runodzivirira rwaJehovha pamsoro pavaapostora. Mambo Herodhe, achida kuwana nyasha navaJudha, akaita kuti Petro aiswe mutorongo achirindwa zvikuru. Ungano yomuJerusarema yakanyengetera zvikuru nokuda kwake. Chii chakaitika? Ngirozi yaJehovha yakauya ndokusunungura Petro mutorongo. Kunyange Petro akakatyamadzwa nezvakanga zvichiitika. Pakupedzisira iye akaziva zvakanga zvichiitika ndokuti: “Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti [Jehovha (NW)] wakatuma mutumwa wake, akandirwira paruoko rwaHerodhe.”—Mabasa 12:1-11.
Nhauro imwe cheteyo inotiudza kuti Herodhe akanga atouraya muapostora Jakobho, munun’una waJohane. Jehovha akabvumira kuti kufira kutendeka ikoko kuitike. Naizvozvo, kuri pachena kuti nepo Jehovha achigona kupa dziviriro nesununguko, iye angabvumidza zvinoitika kuti zviitike, naizvozvo ndokubvumira vamwe vavabatiri vake vakazvipira kubvumikisa perero yavo kunyange kusvikira kurufu. Mashoko aJakobho, munun’una kuna mai waJesu, akakodzera, anoti: “Imi musingazivi zvamangwana. Upenyu hwenyu chinyiko? Nokuti muri mhute, inooneka nguva duku, ndokunyangarika. Mungadai muchiti: ‘Kana [Jehovha (NW)] achida, tichararama tiite zvokuti nezvokuti.’”—Jakobho 4:14, 15; enzanisa naJobho 2:3-5.
Chinhu chimwe ndechechokwadi, munguva dzengwavaira netsaona zvomusikirwo, nheyo yeBhaibheri inoshanda zvakaenzana kuvanhu vose: “Nguva nechinoitika chisingadeyi kuoneka zvinovawira vose.” (Muparidzi 9:11, NW) Uye nepo kwakafanira kunyengeterera betsero nedziviriro munguva dzechitambudzo, tinofanira kuziva kuti “chitambudzo hachidzivisiki nokuda kwaavo vakatsunga kurarama chaizvoizvo upenyu hwechiKristu.”—2 Timotio 3:12, Phillips.
Mudzimu Wendangariro Yakanaka
Nepo kuri chokwadi kuti munguva dzakapfuura Jehovha akaita chiito kudzivirira vanhu vake, saapo akaponesa Israeri muEgipita nomuhondo dzaFarao, kwaizova kuzvitutumadza kufunga kuti Mwari anofanira kudzivirira muKristu mumwe nomumwe pamiuyo ye‘nguva nomugariro usingadeyi kuonekwa’ kana kuti mumiuyo yokusachenjera kwake amene. Tsamba yaPauro kumaKristu aiva muRoma, mamwe awo zvichida akafa gare gare munhandare savafiri kutendeka, ine chokuita naikoku: “Ndinoudza mumwe nomumwe uri pakati penyu, kuti arege kuzvifunga mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari.” (VaRoma 12:3) Shanduro yaJ. B. Phillips inoti: “Edzai kuva nokuyerwa kune mufungo kwamano enyu.”
Zano rinotaurwa pano rine kushanda kwakaenzana nhasi, kunyange zvazvo mumugariro wakasiana. Kana muKristu achifungidzira kuti anogona kuchaira nokusangwarira kana kuti akadhakwa ndokusakuvara nemhaka yokuti iye ane dziviriro yaMwari, ikoko kunoratidzira “ndangariro yakanaka” here? Ko muKristu wacho ane ‘kuyerwa kuno mufungo kwamano ake’ here? Uyewo, kana iye akaisa munhu biyake mungozi, ko iye ‘anoda [chaizvoizvo] muvakidzani wake saiye amene here’?—Mateo 22:39.
Zvino ngatishandisei chimiro chendangariro yakanaka kumugariro umo munhu akaita misha munharaunda dzinodengenyeka kana kuti umo makomo anoputika anopa tyisidziro inobvira asi chaiyoiyo. Muenzaniso wakanaka inharaunda yatodudzwa kare yakapoteredza gomo rinoputika reNevado del Ruiz muColombia. Mukuwirirana nepepanhau rezuva nezuva reColombia El País, munhu anoita mapurani ezvivako César Zárate akagadzirira fundo muna 1982 iyo yakaratidzira kuti Rwizi rwaLagunilla rwakanga rwafashamira Armero munguva yakapfuura uye kuti guta racho rakanga richiri risina dziviriro dzakakwana. Kwakazivikanwawo kuti gomo rinoputika reNevado del Ruiz rakanga raputika katanhatu chibviro cha 1570. Mukuwirirana namanyuko enhau, gomo rinoputika rine kuitika kwenguva dzose uko kunochinja pakati pamakore 140 nemwedzi 9 namakore 110 nemwedzi 2.
Aya mashoko akatumirwa kuchinyorwa cheSvondo chepepanhau reColombia El Tiempo mavhiki akati pamberi pengwavaira yeArmero. Iwo akataura chaizvoizvo, kuti: “Mafashamo anotevera . . . achaitika panenge pakati paNovember wegore rino. Zviratidzo zvemiitiro zvakatocherechedzwa: utsi hunobva mumwena we‘Arenas.’ Mvura yamarota noutsi. Kushatiswa kwemvura nezvirimwa. Kunhuwa kunosembura. . . . Kurira kukuru kunobva mugomo rinoputika pana September 11. Kunyunguruka kunofambira mberi kwesinou . . . Somuuyo, yava nguva yokuita chimwe chinhu.”
Zvisinei, nyaya yacho haina kubudiswa. Zvichida yakarangarirwa kuva kuzivisa ngwavaira kusiri madikanwa. Vapepeti venhau veEl Tiempo gare gare vakati kwakaparirwa no“kushaikwa kwenzwisiso, kushaikwa kwouchenjeri, kana kuti rudaviro rwokuti hapana chinhu chaizoitika.”
Panguva chaipo, kunyanguvezvo, Nevado del Ruiz rakaputika pamsoro paro pausiku hwaNovember 13, 1985. Vanhu vanopfuura 20 000 vakarasikirwa noupenyu hwavo muArmero, uye kwakanga kune zviuru zvavanyajambwa vokuChinchiná namamwe mataundi apedyopo. Pakati paavo vakafira muArmero paiva ne 41 veZvapupu zvaJehovha navasonganiri vavo. Vamwe nokusachenjera vakanga vatizira kuHoro yoUmambo, iyo yakanga iri pakaderera. Ivo vakaparadzanywa ndokuvigwa nayo. Nomufaro, zvimwe Zvapupu zvakakwanisa kutizira kunzvimbo yakakwirira ndizvo zvakaponeswa.
Sezvinooneka, uchenjeri pashure peidi huri nyore. Asi zvidzidzo zvinogona kudzidzwa muzvinoitika izvozvo zvinotyisa.
Nyevero Dzakare Dzakafuratirwa
Bhaibheri rinopa mienzaniso yavamwe vakafuratira nyevero dzakakodzera nguva kana kuti vakafunga kuti ‘Kwaisagona kuitika munguva yavo’ kana kuti munharaunda yavo yapasi. Chinoitika chimwe chakajeka ndeapo Roti akanyeverwa kutiza achibva muSodhoma neGomora. Iye akangwadza vakuwasha vake, achiti: “Simukai, ibvai muno; nokuti Jehovha uchaparadza guta rino!” Ivo vakaita sei? “Asi vakuwasha vake vakati: “Unoita [Roti] hake musere.” “Musere” wakagara nguva pfupi. Jehovha akaita kuti surferi nomwoto zvinaire pamaguta akashurikidzwa, akaipa. Vakuwasha vakafa pamwe chete navagari vemo vane utere venharaunda iyeyo. Mudzimai waRoti sezviri pachena akatiza muSodhoma nepanikiro norutyo. Iye “wakacheuka ari shure kwake [Roti], akaitwa shongwe yomunyu.”—Genesi 19:12-26.
Anopfuura makore 1 900 apfuura, Jesu akaporofita kuti Jerusarema rekare raizotambura ruparadziko runotyisa. Iye akapa udzame hwakananga hwezvinoitika zvaizoitika pamberi pokuitwa dongo kweguta racho, achiti: “Zvino kana muchiona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti rodokuparadzwa.” Iye akawedzera nyevero inoti: “Vari muJudhea ngavatizire kumakomo; navari pakati paro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo.”—Ruka 21:20-24.
Apo hondo dzeRoma dzakakomberedza Jerusarema mugore ra 66 N.V., maKristu aiva muguta iroro akaziva chiratidzo icho Jesu akanga apa. Ipapo, norukundo rwakakwana muruoko rwake, Mutungamiriri wehondo Cestius Gallus nenzira isingatsananguriki akabvisa mauto ake. Iroro ndiro banza iro maKristu akanga achimirira, uye akatizira kurumwe rutivi rwaJoridhani. Muna 70 N.V. vaRoma vakahwirira vachitungamirirwa noMutungamiriri wehondo Titus ndokuparadza Jerusarema. Mazana ezviuru avaJudha akapfuurira kugara muguta rakashurikidzwa akafa mukati mekomberedzo nokurwa.
Chokwadi, muizvi zvinoitika nyevero youmwari yakapiwa. Asi pfundo nderokuti vashomanene bedzi vakateerera shoko ndokupona. Voruzhinji havana kucherechedza. Ivo vakaramba kurangarira zvakakomba nyevero yaMwari.
Tinogona Kuedza Mwari Zvakarurama Munzirai?
Kunyange nengwavaira, dzomusikirwo kunowanzova nenyevero—nhau yekare yenharaunda, zviratidzo zvazvino uno, kana kuti mashoko esayenzi—izvo zvinoratidzira kubvira kwakasimba kwengozi mukati menhambo yakati yenguva. Zvichida nharaunda yacho inowanzofashamirwa. Ipapo munhu ane mufungo anofanira kuyera zvinhu zvose kuti asarudze kana kutamira kurumwe ruwa kuri madikanwa uye kwakafanira. Chokwadika, hakubviri kudeya kuziva nguva nenzvimbo zvengwavaira yomusikirwo iri yose. Zvisinei, pfungwa yokuti haubudiriri nguva yose kana kuti kurasikirwa nguva yose inogona kurangarirwa uyewo kotsekano kana chakaipisisa chikaitika. Asi hakuna mufungo kukarira dziviriro chaiyo inobva kuna Mwari. Kuita saizvozvo kwaizova kuedza Mwari munzira isingabvumirwi kana kuti isina kudzikama.
Zvisinei, mupfungwa yakasiana, Jehovha anotikumbira kumuedza. Shure munguva yomuporofita Maraki, Israeri akanga achiedza Mwari zvakaipa kupfurikidza nokubaira zvibairo zvakashata paatari. Kupfurikidza nechingwa chavo chakashatiswa nezvipiriso zvemhuka dzakaremara, ivo vakaratidza kuti vakazvidza tafura yaJehovha. Kupfurikidza naMaraki, Jehovha akavakumbira kutendeuka ndokururamisa nzira yavo yechiito. “‘Uyai nezvegumi zvose muimba yokuvigira, kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvo zvino,’—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo,—muone kana ndisingakuzaruririyi mawindi okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa.’”—Maraki 3:10.
Hungu, pamsoro pezvikomborero zvomudzimu, tinogona “kuedza,” kana kuti kubvumikisa, kutendeka kwaJehovha. Kana tichitanga kutsvaka Umambo hwake nokururama kwake, ipapo, sezvakataura Jesu, ‘zvimwe zvinhu [zvose] zviri madikanwa zvichawedzerwa kwamuri.’ Jesu akatiwo: “Kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchiwana; gogodzai, muchazarurirwa.” Kana vanhu vasina kukwana vachipa zvipo zvomutsa kuvana vavo, “Baba venyu vari kudenga vachapfuurisa sei kupa zvinhu zvakanaka ivo vanokumbira kwaari?”—Mateo 6:33; 7:7-11; 1 Johane 5:14.
Panguva ino imene, nyevero iri kupiwa kumarudzi yokuti nokukurumidza Jehovha achaita chiito chake chamatsive pamativi ose etsika yezvinhu yaSatani. (Zvakazarurwa 16:14, 16; 18:20) Mamirioni avanhu vakachenjera ari kuteerera iri shoko rinoparidzirwa neZvapupu zvaJehovha uye ari kuzviparadzanisa amene achienda kurutivi rwokutonga kwoUmambo hwaMwari. Iwo ari kubuda mumubatanidzwa wakashata wezvamatongerwe enyika nowerudzidziso kusati kwava kunyanyononoka. (Zvakazarurwa 18:4) Kupfurikidza nokuita saizvozvo, ari kugadzirira nokuda kwoupenyu husingaperi muutongi hwaKristu hwapasi redu, iro richashandurwa kuva paradhiso yokururama nokunaka. Iwe uri kuteerera iyi nyevero here?—2 Petro 3:13; Tito 1:2.
[Mufananidzo uri papeji 21]
Rugwaro rwakawanwa mumatongo eArmero chiyeuchidzo chinotyisa chokuti zviuru hazvina kuteerera nyevero
[Mufananidzo uri papeji 22]
Ko tsika dzako dzokuchaira dzinoratidzira kunaka kwendangariro kwechiKristu here?
[Mifananidzo iri papeji 23]
Nzvimbo zvino yava dongo paichimbova neArmero. Vanhu vanopfuura 20 000 vakaparara muno
Iyi motokari yakaparadzwa inoratidzira ngwavaira yakarova Armero