RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w87 12/15 pp. 3-4
  • Ngirozi—Kare Uye Zvino

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngirozi—Kare Uye Zvino
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ngirozi Mumamwe Marudzidziso
  • Iwe Unodavira Mungirozi Here?
  • Chii Chinonzi Ngirozi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Ngirozi—“Midzimu Yebasa Rinoitirwa Vanhu Vose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Ngirozi—Ko Dzinotapura Upenyu Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Kubetserwa Kwaunogona Kuitwa Nengirozi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
w87 12/15 pp. 3-4

Ngirozi—Kare Uye Zvino

“Idzo dzinoratidzirwa paKrisimisi muzvishongedzo zvatinoturika pamuti, kana kuti tinodziona pamakadhi eKrisimisi—zvidhori zvendarama zvine zviso zvakaisvonaka, zvichiridza mbira kana kuti chiridzwa chechechi kana kuti kutakura makenduru. Idzo dzine mapapiro mapfupi akafanana naayo eshiri duku. Mukupfupikisa, idzo dzakaisvonaka.”—The Sunday Denver Post.

“NGIROZI dzinowanzofuratirwa muzvikoro zvavafundisi, kuzvidzwa musandisikuru, uye hadzimbodudzwa muindekisi yeNational Catechetical Directory, bhuku rinotungamirira redzidzo yorudzidziso yeKaturike muAmerica.”

Akazivisa kudaro Charles W. Bell, mupepeti wenhau dzorudzidziso. Iye akataura kuti vamwe vafundisi, zvikurukuru vanobva muchechi huru dzePurotesitendi, vanonzwa “vachitambudzika uye vasina chokwadi pamsoro pengirozi.” New Catholic Encyclopedia inotaura kuti vamwe vafungi vazvino uno vanotaura kuti “rudaviro rwose mukuvapo kwengirozi runofanira kurambwa.”

Ikoku nguva dzose kwave kusati kwakadaro. Somuenzaniso, muzana ramakore rechi 13, vadzidzi avo vakafunda pamsoro pokuvapo kwengirozi, rutivi rwoufundisi rwunobata nezvengirozi, vakataurwa kuva vakakatyamadzwa nemifungo pamsoro pe“chimiro, ungwaru, uye chido” zvengirozi. Kwamazana amakore anoverengeka, minyengetero yaitoitwa ku“ngirozi dzinorinda.” Asi, sezvataurwa pamusoro apa, zvimiro zvakachinja chibviro chenguva iyeyo.

Mukuwirirana neNew Catholic Encyclopedia, “mundangariro yazvino uno ngirozi . . . dziri kuderedzerwa zvikuru kwazvo kunzvimbo yengano, rungano, uye pfungwa yomwana.” Zvamazvirokwazvo, pakasvika pakati pezana ramakore rechi 19, mundangariro dzavanhu vazhinji ngirozi dzakanga dzava dzinobatanidzwa zvishoma norudzidziso uye dzinobatanidzwa zvikuru nemirangariro yenyika yorudo. Nhasi, kunyange vanhu vazhinji vanodzirangarira kuva zvinhu zvefungidziro, nokudaro vanhu vakadaro vanoramba kuvapo kwengirozi.

Ngirozi Mumamwe Marudzidziso

Zvisinei, ngirozi dzichine nzvimbo mumamwe marudzidziso. Somuenzaniso, Chechi yeRoma Katurike “inokurudzira vakatendeka kuda, kuremekedza, uye kukumbira ngirozi.” Kutaura idi, chiKaturike chakasimudzira vatatu avo chinorangarira kuva ngirozi—Mikaeri, Gabrieri, uye Rafaeri—kuutsvene. Rafaeri anooneka bedzi mumabhuku eApocrypha ndizvo kwete muBhaibheri rinogamuchirwa navose.

Muchechi dzeEastern Orthodox, ngirozi dzinokosha mumunyengetero, chimiro chomunyengetero umo zvikumbiro kana kuti zvichemo zvinoitwa, nemhinduro dzinoitwa neungano. Ngirozi dzinewo nzvimbo muIslam, rudaviro mungirozi ruchiva chimwe chezvinhu zvokutenda muzvoumwari zveMuslim.

Zvisinei, hapana panikiro kuti muzuva redu rudaviro mukuvapo kwengirozi rwuri kuderera.

Iwe Unodavira Mungirozi Here?

Pamsoro porudaviro mungirozi, New Catholic Encyclopedia inoti: “Pashoma napashoma . . . mukufambira mberi kwokukura kurefu nokunaka . . . kupfurikidza nevandudziko yokufungidzira yemirangariro iri muRugwaro Rutsvene, kwakavapo nedzidziso yokuvapo kwengirozi iyo, nemwero inosiana youchokwadi, yaizova dzidziso yeChechi.” [Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.] Iwe waizova norudaviro rwakasimba sei mungirozi kudai waiziva kuti kutenda kwako kwakanga kwakavakirwa pa“vandudziko yokufungidzira”?

Nenzira inofadza, misiano yomufungo paiyi nhau iripo kunyange mukati meChechi yeKaturike. Pamsoro paapo ngirozi dzakasikwa, Enciclopedia de la Religión Católica inoti: “Mumurangariro wamadzibaba echiGiriki, ngirozi dzakasikwa pamberi penyika inooneka, asi murangariro wavose wamadzibaba eLatin ndowokuti idzo dzakasikwa pashure. Kunyanguvezvo, murangariro una vatsigiri vazhinjisa ndowokuti idzo dzakasikwa panguva imwe cheteyo nenyika.” Kusava nechokwadi kwakadaro kunoparira nyongano mundangariro dzavanhu uye kunobetsera kupesvedzera kombamiro yakananga kukusadavira nhasi.

Mumwe muzivi wechiJudha, Philo, akataura kuti ngirozi dzaingova hadzo “ratidziro namasimba echisiko chapose pose.” Mumakore ose apfuura, vafundisi vakataura nhau dzisina maturo pamsoro porudzi namavara zvengirozi, zvakadai somubvunzo woupenzi wokuti, Ingirozi ngani dzaizomira pamuromo petsono? Kunomboshamisa here kuti vanhu vazhinji muzera redu razvino uno vakada zvavo kusadavira mungirozi?

Nemhaka yeiyi mirangariro yose inopesana, kuregerereiko kunzvera icho Bhaibheri rimene rinotaura pamsoro pengirozi? Ikoku kuchatibetsera kuwana mhinduro dzakasimba pamsoro pemibvunzo yakadai seiyi: Ngirozi chaidzoidzo here? Kana zvakadaro, dzakambopindira here muzvinhu zvomunhu? Uye, zvinokosha zvikuru, ko ngirozi dzinogona kutapura upenyu hwako here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe