‘Rakandibetsera Zvikuru Kwazvo’
Pwere zvirokwazvo dzinoda betsero nhasi, iyoyo neparariro yokuzviuraya kwavechiduku, pamuviri, udhakwa, shandiswo isakafanira yemirimo, uye zvimwe zvinetso. Asi ndokupi kwadzinogona kuigamuchira? Imwe pwere yokuBuffalo, New York, yakanyorera Watch Tower Society, kuti:
“Ndakarava bhuku renyu . . . Upwere Hwako—Kuwana Zvakanakisisa Mahuri. Ndinofanira kutaura kuti makanyora bhuku rakanaka. Rakandibetsera zvikuru kwazvo, uye ndinoziva kuti rinogona kuita zvimwe chetezvo nokuda kwomumwe munhuwo zvake. . . . Ndakapfuudzira bhuku rangu kushamwari, uye iye akaita fambiro mberi. Ndinokuongai, Changamire, kamirioni, nokuda kwokunyora bhuku rakanaka zvikuru rakadaro.”
Iwewo ungagona kugamuchira iri bhuku duku rinokosha ravanhu vaduku nokuzadza bedzi ndokuposita kopani, pamwe nomupiro wako.
Ndapota tumirai, muchiripira mari yokuposita, bhuku rine butiro rakasimba, rine mapeji 192 Upwere Hwako—Kuwana Zvakanakisisa Mahuri. Ndinopfigira $1,60.