RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w87 11/15 pp. 2-31
  • Kubva Muuranda Hwokukanya Zvitina Kurusununguko!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubva Muuranda Hwokukanya Zvitina Kurusununguko!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
w87 11/15 pp. 2-31

Kubva Muuranda Hwokukanya Zvitina Kurusununguko!

KO mapiramidhi eGiza (pedyo neCairo yazvino uno) anoyeuchidza here varanda vakabatwa zvisakafanira vaishanda nesimba muzuva rinopisa kudhonzera mabwe mahombe munzvimbo? Uye iwe unofungidzira here varanda vechiHebheru pakati pavo?

Zvomenemene, mapiramidhi eEgipita anooneka papeji inotevera anovambira pamberi penguva apo mhuri yababa vaJosefa Jakobho (kana kuti, Israeri) yakatamira Egipita. Asi kwaizivikanwa navose zvikuru kupfuura kuvaka namabwe mahombe kwaiva kushandiswa kwezvitina, zvaikanywa mumamirioni muzuva rimwe chetero rinopisa.

VaHebheru avo vakagamuchirwa muEgipita mukati menguva yaJosefa vakakomborerwa naMwari newedzero, kuchiunza rutyo kuvaEgipita. Tinorava, kuti: “Naizvozvo vakagadza pamsoro pavo [vaHebheru] vatariri vebasa, kuti vavanetse nemirimo yavo. Vakavakira Farao maguta . . . VaEgipita vakavabatisa zvinorema; vakanetsa upenyu hwavo nebasa rinorema pamapote nezvitina.”—Eksodho 1:7-14.

Kurudyi, unogona kuona kuti zvitina zvichiri kuitwa muEgipita, zvimwe zvichipiswa mumahovhoni zvakadai seinoonwa pano. (Enzanisa naGenesi 11:1-3; 19:28.) Sezviri pachena, zvisinei, zvitina zveEgipita zvekare zvikurusa zvaiomeswa nezuva. Kunopfuurira ndiko kushandiswa kwouswa mukuita zvitina. Uswa hunooneka muzvitina zvinowanwa mumatongo akafukunurwa eBheershebha yekare.

Kuwedzera uswa kwakasimbisa zvitina. Kuzviita, madhaka (kana kuti ivhu), mvura, uye uswa zvaitsikwa zvishoma nezvishoma netsoka, ipapo kuiswa muforoma, uye pakupedzisira kubudiswa kuti zviome. Fungidzira kushanda nesimba pabasa rakadaro pazuva rimwe refu pashure perimwe. Zvirokwazvo, unogona kunzwisisa chikonzero nei vaIsraeri ‘vakagomera nemhaka youranda ndokuchema mukunyunyuta, zvokuti kuchema kwavo nokuda kwebetsero kwakaramba kuchikwira kuna Mwari wechokwadi.’—Eksodho 2:23.

Jehovha akavanzwa ndokutuma Mosesi kuna Farao kundowana rusununguko rwavaIsraeri. Panzvimbo pezvo, Farao anozvitutumadza akawedzera mutoro wavo. Zvino vaizofanira kuunganidza uswa hwavo vamene, vachiri kungochengeta nharidzano yavo yezvitina sakare. Chokwadi, ikoku kwakanga kwakafanana netongero yorufu! Mwari akati: “Zvino muchaona zvandichaitira Farao, nokuti uchavatendera kuenda noruoko rune simba.”—Eksodho 5:1–6:1.

Iwe zvimwe unoziva zvasara. Jehovha akakwanisa kukurira Farao anodzvinyirira. Pashure pedenda rechigumi, Mwari ‘akabudisa vanakomana vaIsraeri munyika yeEgipita.’ (Eksodho 12:37-51) Achisiya shure mapiramidhi, zvitina, uye uranda hwakaoma, Israeri akafamba achienda kuNyika Yakapikirwa. Maidi enhau akadaro anofanira kutinyaradza pamsoro pesimba raJehovha Mwari rokugovera rusununguko rwechokwadi nokuda kwamaKristu munyika itsva iri kuuya, neParadhiso yayo yapasi.—Enzanisa naVaRoma 8:20, 21.

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 31]

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

Mifananidzo, mapeji 30, 31: Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe