Rudzidziso Nokutenda Mashura—Ishamwari Kana Kuti Vavengi Here?
CHAKANGA CHIRI Chitanhatu, June 11, 1983, vagari vomumisha vapachitsuwa cheIndonesia cheJava vaigona kuonekwa vachimhanyira kudzimba dzavo, vachinama noupengo ndutwe dzose dzaiva mumatenga, mawindo, uye masuo. Neiko paiva norutyo rwakadaro? Kuora kwezuva kwakanga kwavamba, uye vagari vomumisha vakatya kuti mumvuri wokuora ungapinda mudzimba dzavo ndokuparira ngwavaira.
Vagari vomunyika dzinonzi dzinobudirira kazhinji kazhinji vanotevera zvitendero zvakadaro neshingairo yorudzidziso. Nokudaro, mumamwe mativi eAfrica, vanhu vanodzivisa kufamba muzuva pamasikati makuru nemhaka yokuti “vangapenga.” Vana vanorambidzwa kudya mazai kutyira kuti “vachava mbavha.” Vabereki havasati vachizotaura chiverengero chaichoicho chavana vavo, nokuti “varoyi vangakunzwa uchivhaira ndokutora mumwe wavo.”—African Primal Religions.
VokuMadokero vanokombamira kuseka miitiro yakadaro sokuratidzirwa kworutyo rwokutenda mashura, chibereko cho‘kusaziva kwechihedheni.’ Bva, zvitendero zvakadaro hazvina kuganhurirwa kuvasiri maKristu. Izvo “zvinowanwa pakati pavanhu munyika yose,” anodaro Dr. Wayland Hand, purofesa wenhau, zvitendero netsika zvekare nemitauro yeGermany. Iye nomubiyake Dr. Tally vakatounganidza mienzaniso inodokusvika mirioni yokutenda mashura muUnited States moga.
Vachishuva kuziva nguva yavo yemberi, vazhinji vanonzi maKristu vanotarira kuruzivo rwemitumbi yomudenga—chimwe chezvimiro zvekaresa zvokutenda mashura. Uye nenzira yechienzi, zvitendero zvokutenda mashura pane dzimwe nguva zvinogamuchira tsigiro yapachena nokuyama zvavatungamiriri vorudzidziso. Somuenzaniso, pazuva rinotonhora muNew York, January 10, 1982, tateguru weEastern Greek Orthodox Vasilios akatungamirira Misa yapamhene kuchengeta Madyo okuyeuka kuuya kwaVachenjeri kumwana Jesu. Pashure paikoko, inoshuma kudaro New York Post, iye akakandira chipiyaniso chendarama muEast River ndokuudza vakamira kuti munhu wokutanga kuwana chipiyaniso chacho aizova nemhanza yakanaka kworutivi rwose rwasara rwoupenyu hwake.
Asi zvitendero zvechiKristu nokutenda mashura zvinotsinhirana here? Mumwe munyori akamboti, “Paguva rokutenda panokura ruva rokutenda mashura.” Naizvozvo, iwe haungakariri here rudzidziso rwechiKristu kudzivisa nokutanda rutyo rwokutenda mashura?
Rudzidziso—Runotanda Rutyo Rwokutenda Mashura Here?
Rudzidziso rwechokwadi runofanira, uye muzana rokutanga ramakore rwakadaro. Kunyange zvazvo maKristu apakuvamba airarama pakati penyika yeRoma inotenda mashura, akaramba kutenda mashura. Asi pashure porufu rwavaapostora vaKristu, dzidziso dzorudzidziso rwenhema, kubatanidza kutenda mashura, zvakavamba kupinda muungano. (1 Timotio 4:1, 7; Mabasa 20:30) Boka ravakuru vakuru vorudzidziso rakavamba kuoneka zvokuti, mukuwirirana nebhuku rinonzi A History of the Christian Church, rakawirirana nomuitiro wokushandisa horosikopu nokutevera kumwe kutenda mashura. Pashure penguva yakati miitiro yakadaro yakakurumbira yakanzi “yechiKristu.”
Uye nhasi? Rudzidziso rwuchiri kushivirira tsika dzokutenda mashura. Rangarira Suriname, umo anonzi maKristu orudzi rweAfrica anogona kazhinji kazhinji kuonwa akapfeka madumwa nokuda kweinonzi dziviriro pamidzimu yakaipa. Mumwe mucherechedzi anoti: “Zuva nezuva ava vanhu vanorarama, vanodya, vanoshanda uye vanorara murutyo.” Mamirioni munyika yose ane rutyo rwakafanana rwe“midzimu” yavakafa. Nenzira inosetsa, rudzidziso kazhinji kazhinji rwakasimudzira zvitendero zvakadaro zvokutenda mashura.
Rangarira somuenzaniso chakaitika pachitsuwa cheAfrica cheMadagascar. Apo vafundisi vechiKristudhomu vakavamba kuparadzira zvitendero zvavo, vanhu veMadagascar vakagamuchira asi vasingadisi kurega zvitendero zvamagamuchidzanwa. Kuita kwechechi? Inoti Daily Nation, pepanhau reKenya: “Vafundisi vapakuvamba vaishivirira uye vairegererwa uye vakasvika pakugamuchira uyu mugariro.” Muuyo wacho? Nhasi, hafu yavanhu veMadagascar vakarongwa sevechiKristu. Bva, ivo vanotyawo “midzimu” yavakare vakafa! Nokudaro, ivo vanowanzokoka muprista kana kuti mufudzi kuzokomborera mafupa omukare asati adzorerwa muguva remhuri. Hungu, vatungamiriri vorudzidziso vakapfuuridzira nhema dzokuti Mwari, Dhiabhorosi, uye vakare vakafa vanogona kunyengedzwa, kutsveterwa, uye kufumbwa muromo kupfurikidza nokuchengeta tsika dzokutenda mashura.
Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi muSouth Africa, umo 77 muzana yavagari vemo inotaura kuva yechiKristu uye kupinda muchechi kwakakwirira. Bva, rudzidziso rweAfrica rwamagamuchidzanwa, norutyo rwarwo rwokutenda mashura rwavakare vakafa, runopfuurira pakati pamamirioni avaendi kuchechi ivavo. Nokudaro, mudzakawanda dzedzinonzi nyika dzechiKristu, rudzidziso ndorwapamusoro chete. Paranga pamusoro, uye kutenda mashura kwekare kunogona kuonwa kuva kwakapukunyuka ndokubudirira.
Rudzidziso rwechokwadi, zvisinei, runotanda rutyo rwokutenda mashura. Seiko? Chinhu chikuru izivo. Zivo yechiiko? Uye unogona sei kuiwana?