Iye Akapotsa Bhazi
RIMWE zuva James akaona mwanasikana wake Rebecca achifamba nokunonoka kwechienzi kundosangana nebhazi rechikoro. Kunyange zvazvo Rebecca aigona kuona bhazi richiuya, iye akatononoka zvikuru kufamba ndokupotsa namaune bhazi racho.
Madekwana mamwe chete iwayo James nomudzimai wake, Veronica, vakakurukura nhau yacho kupfurikidza nokuhwirudzura nhau ya“Jona Nehove Huru” muBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Yaiva imwe yedzinodiwa zvikurusa yaRebecca. Pashure pokupedza nhau yacho, vabereki vakaibatanidza nechinetso chomwanasikana wavo. Iye akawana pfundo racho chaizvoizvo ndokuti: “Kunyange zvazvo Jona akatiza ndokupinda munhamo mugungwa, uye akamedzwa nehove ndokurutswa—basa rake nokuda kwaJehovha rakanga richakamumirira kuti aite.”
Zuva rakatevera racho Rebecca akaenda kuchikoro nechimiro chitsva neBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri muhapwa make.
Iwe ungagamuchira kopi yeichi chinyorwa chine mifananidzo yakaisvonaka, china mabhii makuru, china mapeji 256 kupfurikidza nokuzadza ndokuposita kopani inotevera.
Ndapota tumirai, muchiripira mari yokuposita, bhuku rine butiro rakasimba Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, randinopfigirira $4,00.