RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w87 10/1 pp. 4-5
  • Unogona Here Kuwana Rudzidziso Rwakarurama?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Here Kuwana Rudzidziso Rwakarurama?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Pfungwa Yokuuraya” Inoparadzwa
  • Kusashuva “Dhora Iroro Romuraudzo”
  • Murangariro Wakafanira Webasa
  • Upenyu Hunofadza Zvikuru Hwemhuri
  • “Nei?” Mukuru Anopindurwa
  • Rudzidziso Rwomuzuva Razvino Runoshanda Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Ndakasarudza Kushumira Jehovha Kwoupenyu Hwangu Hwose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Fundo Yemhuri Inounza Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
w87 10/1 pp. 4-5

Unogona Here Kuwana Rudzidziso Rwakarurama?

RONALD—adudzwa munyaya yapfuura—akafunga kuti anofanira kurega kutsvaka kwake rudzidziso rungagona kumupa betsero inoshanda nenhungamiro. Asi iye akasarudza kuzvipa amene banza rokupedzisira. “Kudai chaizvoizvo kwaiva naMwari, ndaida kuti azive kuti ndakanga ndichimutsvaka nokutendeseka,” iye akadaro. Naizvozvo humwe usiku Ronald akanyengetera, kuti: “Kana imi muri chaizvoizvo Mwari ane rudo, ndiwanei nemhaka yokuti kwamakore ndakakutsvakai ndokusawana chinhu.”

Mazuva mashomanene gare gare pabasa pake, Ronald akagoverwa kushanda mujana nomumwe weZvapupu zvaJehovha. Iye akavamba kumubvunza mibvunzo pamsoro peBhaibheri. Mhinduro dzacho dzakatanga chishuvo chake chokuda kuziva. Nokukurumidza iye akavamba kufunda Bhaibheri nguva dzose. Iye akaendawo kumisangano yeungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha.

Mwedzi mitanhatu gare gare Ronald akapwiswa kuti iye akanga awana rudzidziso rwakamupa simba rokugadziridza upenyu hwake nenzira inoshanda zvikurusa. Pashure pamakore matatu esonganirano neZvapupu zvaJehovha, iye akatsanangura mutsamba yakatumirwa kumagazini yeNharireyomurindi betsero dzaakanga awana muiyi songaniro.

“Pfungwa Yokuuraya” Inoparadzwa

Ronald anonyora, kuti: “Betsero yokutanga yakabva mukudzidza zvokwadi [dzidziso yeBhaibheri] yakanga iri kukwanisa zviri nani kudzora hasha dzangu. Kwenguva refu ndakanga ndakabatanidzwa mumatsimba. . . . Ndaisirovedza kuvambira pamaawa matanhatu kusvikira kumasere pazuva, uye nguva dzose kwairovererwa mandiri kukudziridza pfungwa yokuuraya.”

Kurwa nokuuraya hazvisati zviri nzira dzinobudirira dzokupedza nadzo rwisano nomunhu biyako. Naizvozvo, rudzidziso runobetsera isimba rorugare. Bhaibheri rinotaura pana VaRoma 12:18, kuti: “Ivai norugare navanhu vose.” Zvapupu zvaJehovha hazvirovedzi miviri yazvo nokuda kwokurwa, uyewo hazvitsvaki kuzvidzivirira zvimene kupfurikidza nokudzidza kushandisa pfuti. Izvo zvinozivikanwa kupota pasi rose nokuda kwechimiro chazvo chine rugare, chokusatora rutivi munguva yehondo.

Achiona simba rinoshanda kana kuti kukwanisa kworudzidziso rwakadaro, mumwe munani weRoma Katurike akanyora mumagazini yechechi yeItaly, kuti: “Nyika yaizova yakasiana sei kudai isu tose tikamuka mamwe mangwanani tasarudza zvakasimba kusarwa zvakare, . . . kufanana chaizvo neZvapupu zvaJehovha!”

Ichi chimiro chorugare chiri pakati peZvapupu chakagovera kukuumbwa kwouhama hwenyika yose hwavanhu vanopfuura mamirioni matatu munyika 208. Ivo vanobatana seshamwari dzechokwadi, rupi kana rupi rungava rudzi rwavo, dzinza, kana kuti nzvimbo yenzanga. Ikoku kunoshanda zvikurusa munyika ine utsinye, zvikurukuru apo betsero inodikanwa. Eva, mumwe mukadzi muduku weSweden uyo ari mumwe weZvapupu zvaJehovha, akawana ikoku.

Achishanyira Girisi, Eva akabata meningitis. Asingazivi chinhu, uye nechepfu yeropa nokubuda ropa mukati, iye akamhanyiswa kuchipatara muAthens, umo aisaziva munhu. Baba vake muSweden vakaziviswa norunhare. Ivo vakaridzira runhare mumwe mukuru womuungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha. Uyu mukuru akaridzira runhare Zvapupu zvaaiziva zvaiva muAthens. Eva akakurumidza kuonekwa navatendi biyake veGirisi vaakanga asina kumbosangana navo kare.

Ikoku kunoyeuchidza muenzanisiro uyo muapostora Pauro akashandisa, unoratidza kuti humwe netsitsi ndizvimwe chete sei. Iye akati pana 1 VaKorinte 12:25, 26: “Pamuviri parege kuva nokupesana; asi . . . mitezo ichengetane zvakaenzana. Kana mutezo mumwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo.”

Ikoku ndiko uko Eva akawana muGirisi. Kwaanodokusvika mavhiki matatu shamwari dzake itsva hadzina kumusiya asingatarisirwi. Iye akanaya ndokudzokera kumusha kwake. Iye anoti: “Ndakawana chaizvoizvo betsero dzouhama huno rudo.”

Kusashuva “Dhora Iroro Romuraudzo”

Ngatidzokerei kutsamba yaRonald. Pashure pokutaura kuti rudaviro rwake rutsva rwakamubetsera sei kudzora hasha dzake, kuparadza “pfungwa yokuuraya” iya, uye kuva ano rugare zvikuru, iye anotaura kuti dzidziso yeBhaibheri yakamupa murangariro wakadzikama webasa nemari. “Ini ndakanga ndiri mushandisi wekomupiyuta wokutanga womushandirwi wangu,” Ronald anodaro, “uye ndaisipotsa kuva nemhuri yangu neshamwari kuti chete ndishande nguva yomuraudzo. Ndaishanda usiku kwamakore anopfuura manomwe. Nguva dzose ndaida dhora iroro romuraudzo.”

Chishuvo chakadaro che“dhora iroro romuraudzo” chinogona, pakupedzisira, kuva chinokuvadza, chinokuvadza zvinouraya. “Kuvamwe, mari inoreva chengeteko. Kuvamwe inoreva simba. Kuvamwe inoreva kuti vachakwanisa kutenga rudo, uye kuboka rechina inoreva makwikwi nokuhwina mutambo,” inodaro nyanzvi yezvirwere zvendangariro Jay Rohrlich, ane varwere vari zvikurukuru vatungamiriri vezvemari vanobva muruwa rweWall Street rweNew York.

Uchitsinhira pauku kutaura, mumwe mushumo womumagazini yeScience Digest unoti: “Rudaviro rwokuti mari inogona kuita zvinhu izvozvi . . . kazhinji kazhinji runotungamirira kuutera, kusavata, hosha dzomwoyo nezvinetso nomukwanyina kana kuti navana.” Zano reBhaibheri ndeiri: “Musakarira mari pamugarire wenyu.” Ronald akadzidza ikoko ndokukushandisa. Akakuwana kuchibetsera zvikurusa.—VaHebheru 13:5.

Murangariro Wakafanira Webasa

Kutsvakwa kwemari kazhinji kazhinji kunokurudzira vanhu kuzvimanikidza vamene kusimudzirwa pabasa. Ikoku kunogona kuparira vanhu vane utano hwakanaka zvikurusa funganyo yakakomba nerwisano yendangariro—kunyange kusvikira papfundo rokuzviuraya. “Mumwe murume, akapinda kuti ashande mamwe mangwanani akawana kuti chibhariro chake chakanga chabviswa, akakwira pamusoro pechivako ndokusvetuka.” Dr. Douglas LaBier akarondedzera ikoko mubvunzurudzo yeU.S.News & World Report iyo yaibata nechikochekedzo chiri pakati pamabasa nezvinetso zvendangariro.

“Chinodikanwa,” anodaro Dr. LaBier, “upenyu hwakavandudzika zvikuru, husina kunangidzirwa kwazvo pabasa. Mukuwedzera kuzvinhu zvakadai sezvokudya zvakakwana, zororo nokurovedza, vanhu vanoda upenyu hwakadzikama zvikuru vanofanira kufunga pamsoro pokuita zvakawanda nemhuri dzavo nokukudziridza unyanzvi husina chokuita nebasa uhwo hunovapa mufarwa.”

Zvapupu zvaJehovha zvinodzidza muBhaibheri kuva zvakadzikama kana toreva nezvebasa nemari. Muparidzi 4:4, 6 inotaura pamsoro pebasa rakaoma iro rinobatanidza “kuti munhu unovengwa nowokwake pamsoro pazvo” ndokuti: “Tsama imwe yorugare inopfuura nokunaka tsama mbiri dzokutambudzika nokudzingana nemhepo.” Ronald akawana ikoku kuva uchenjeri hunoshanda. Iye akaderedza basa rake rokunyika kuti agova nenguva yakawanda yefariro dzake dzomudzimu uye yemhuri yake neshamwari.

Upenyu Hunofadza Zvikuru Hwemhuri

Ronald ipapo anotaura mutsamba yake kuti zano reBhaibheri pamsoro peroorano noupenyu hwemhuri rakamubetsera kubata nouchenjeri zvikuru nemigariro yemhuri. Ikoku kunokosha zvino apo upenyu hwemhuri hunoratidzika kuva hwava kuparadzika munzvimbo dzakawanda. Nyika dzakabudirira dzinoshuma roorano shoma, chatanuro dzakawanda, uye mwero wokubereka unoderera.

Iyi kombamiro inokatyamadza nemhaka yokuti boka remhuri ndimo umo zvakati kuti zvezvinodikanwa zvikurusa zvavanhu zvinogutswa. Munzvero, Sydney Morning Herald yeAustralia yakabvunza vanhu 2 000 kuti ndechipi chezvinotevera chakavapa gutsikano hurusa: basa, mhuri, shamwari, mibato yokusharanganya, pfuma, kana kuti rudzidziso. Voruzhinji zvikuru vakapa “mhuri” nzvimbo yokutanga.

Zvapupu zvaJehovha zvinofarira kuchengeta mhuri dzazvo dzakasimba. Somuenzaniso, anopfuura makore mashanu chete apfuura, magazini azvo maviri Nharireyomurindi naMukai! (paradzirwo yakabatanidzwa yamakopi ane mamirioni 22 mumitauro inopfuura 100) akava nenyaya dzinoshanda 60 pamsoro pokubata migariro yakasiana-siana muupenyu hwemhuri. Pasina panikiro, rudzidziso rwakavakirwa paBhaibheri runobetsera vanhu kutarisira mhuri dzavo nenzira yokuchenjera neyorudo runoshanda.

“Nei?” Mukuru Anopindurwa

Ronald anogumisa tsamba yake nokutaura, kuti: “Kune chinhu chimwe chinowanzouya kundangariro pandinorava pepanhau, ndinotarira nhau, ndinokurukura navashandi biyangu, kana kuti ndinoudza vamwe pamsoro pokutenda kwangu. Ndechokuti kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha kunondipa mhinduro kumumwe wemibvunzo inobvunzwa zvikurusa munyika—‘Nei?’ Nei kune utsotsi hwose, masimba masimba, hondo, utere, hosha, nyongano, kunze kwezvinetso zvose zvezuva riri rose? Kuziva kuti tsika ino nezvinetso zvayo ndezvechinguvana bedzi kwakabvisa mutoro unorema pamapfudzi angu.”

Bhaibheri rinozivisa chiri seri kwomugariro wanhasi wenyika unovhiringidza. Iro rinotsanangura chikonzero nei donzo rapakuvamba roMusiki rokuita pasi rino musha weparadhiso nokuda kworudzi rwomunhu richigere kuzadzikwa. Iro rinotsanangura kuti Mwari achabvisa sei pesvedzero dzose dzinovhiringidza mupasi ndokutanga paradhiso yechigarire yokuti vanhu vafarikanye nokusingaperi.—2 Petro 3:9-13.

Kuti rudzidziso ruve rwoukoshi hunoshanda, runofanira kubereka chibereko chakanaka. Runofanira kuita vanhu vari nani. Runofanira kukwanisa kutsanangura chikonzero nei zvinhu zvakaita sezvazvakaita pasi pano nhasi. Uye runofanira kuroverera tariro yechokwadi nokuda kwenguva yemberi mundangariro nomwoyo zvavanhu. Ronald akatsvaka rudzidziso rwakadaro, uye akaruwana. Banza rimwe chetero richiri rakakuzarukira.—Mateo 7:17-20.

[Mufananidzo uri papeji 5]

MaKristu chaiwoiwo anobatana seshamwari dzechokwadi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe