Rudzidziso Rwomuzuva Razvino Runoshanda Sei?
“NDAKAKANDIRA Bhaibheri mukamuri rokufundira ndichienda kukamuri rangu rokurara. Ndakafunga kuti handisati ndaizotongorinhonga zvakare kana kuti kupinda muimwe chechi. Ndakanga ndave ndichitsvaka kwaanenge makore matanhatu. Kusvikira panguva iyeyo handina kuwana betsero.”
Ronald, mushandisi wekomupiyuta ane makore 26 okukura, akanga apfuura nomunhamo ndokutya kuti upenyu hwake hungaparara. Rudzidziso rwakaratidzika kuva rusiri rwoukoshi hunoshanda kwaari. “Ndapedza narwo,” iye akadaro.
Vanhu vazhinji, kufanana naRonald, vanoodzwa mwoyo norudzidziso. Zvakadiniko newe? Ko iwe unofunga here kuti rudzidziso rwakapa vanhu betsero inoshanda nenhungamiro kuti vave vashandi biyako vari nani, vavakidzani, varume, vadzimai, vabereki, kana kuti vana? Ko rudzidziso rwave rwuri simba rorugare nechinzwano pakati pavanhu here? Ko irwo rwakavabetsera kunzwisisa donzo roupenyu here? Ko irwo rwakaroverera mundangariro dzavo nomwoyo tariro yechokwadi yenguva yemberi here?
Nhungamiro Inoshanda Inoshaika
Munyika ino yakaoma, vanhu vanoda nhungamiro yokuchenjera, yakajeka. Ko ivo vanogona kukarira iyoyi kuvatungamiriri vomudzimu here? Mutsamba yakatumirwa kumunyori wamagazini, mumwe mukadzi akanyunyuta, achiti:
“Zvose zvatinonzwa nguva dzose zvino muchechi yedu . . . kwenguva yakati zvino rudo, rudo, rudo. . . . Chiiko chakaitika kuna ‘Vanausa’—‘Usauraya. Usaba,’ nezvimwe zvose zvasara? Tinoda kuyeuchidzwa kazhinji kazhinji kuti zvimwe zvinhu ndivana Aiwa-Aiwa. . . . Asi hatimbonzwa shoko rokuti ‘Chivi’ zvakare. Kwakaita sokunge vanoridzivisa sokunge ishoko rakashata rina mabhii mashanu.”
Sezviri pachena, vamwe vanorangarira kuti vapi vezano vavo vorudzidziso vazova vanoregeredza zvikuru, vamadiro zvikuru. Vatungamiriri vomudzimu vakadaro vakaneta. Ivo vakafanana nachiremba anofukidza chinetso chomurwere wake uye anorondedzera mushonga wakaiswa mvura. Ndezvipi zviri zvikonzero zvekundikano yakadaro?
Basa Rava Munjodzi
Munhu akaremerwa nezvinetso zvake amene haasati achizokwanisa kupedza nguva nenhamburiko yakawanda achibetsera vamwe. Mishumo yezvinobudisa nhau inoratidza kuti chiverengero chinowedzera chavakuru vorudzidziso chakaremerwa zvikuru nezvinetso zvavo vamene zvebasa nezvomunhu oga. Heino mienzaniso:
“Nepo funganyo nokuneta zvichizivikanwa navose mumabasa akawanda nhasi, hakuna nzvimbo uko izvo zvakakomba zvikuru kupfuura pakati pavakuru vorudzidziso vechiJudha,” anodaro woruzivo rwokushanda kwendangariro wapakiriniki Dr. Leslie R. Freedman pashure pefundo yeyunivhesiti yamakore mana yavakuru vorudzidziso vechiJudha.
“Kudai ndaiva nomwanakomana, ndaizoda kuti ave muprista here? Nenzira inosuruvarisa, mhinduro yangu inofanira kuva aiwa,” anodaro mumwe muprista, William Wells, mumushumo pamsoro pezvinetso zvavakuru vorudzidziso. Zvokona neiko? Iye anotaura kuti haagoni kukurudzira jaya kurangarira basa rinotambudzwa kwazvo ne“rwisano, nyongano, uye kusava nechokwadi sezvakaita uprista hweRoma Katurike nhasi.”
Vaprista vari muLutheran Church yeSweden inotsigirwa nehurumende variwo munhamo. Pepanhau reSweden rinoti: “Vaprista vane zvinetso zvendangariro, izvo muzvinoitika zvakakomba zvinotungamirira kukuzviuraya. . . . Basa roufundisi riri munjodzi.”
Nyongano Inotsausa
Munyika dziya umo vatungamiriri vorudzidziso vanobatanidzwa muhondo dzinonetesa nedzinokamuranisa, vanobviswa pakupa ngwariro yakafanira kuzvinodikanwa zvomudzimu zvavanhu. Ivo vanofanirawo kugoverana mutoro wokurasikirwa navanhu nemari izvo zvingadai zvakashandiswa nokuda kwegarikano yokunyama yavanhu.
Kune avo vari mumativi ose enyika vakarasikirwa nechivimbo chavo murudzidziso ndokuva vasingaitiri hanya rudzidziso. Kurasikirwa nemitezo nederero mukuenda kuchechi zvinoshumwa munzvimbo dzakadai seSweden, Finland, Germany, Britain, Italy, Canada, uye United States.
Ko iwe uri pakati paavo, kufanana naRonald, vanofunga kuti vakapedza norudzidziso here? Asika, kungagona kuva here norudzidziso rwakabvumikisa kuva rwoukoshi hunoshanda kuvazhinji? Nyaya inotevera ichakurukura ikoku.