47 MARIYA, HANZVADZI YARAZARO
“Aita Zvaagona”
MARIYA aibayiwa mwoyo nerudo rwaiva naJesu Kristu. Akanga amuitira zvinhu zvakawanda; kwete iye chete asiwo mukoma wake Marita nehanzvadzi yake Razaro. Jesu akanga agara navo kumba kwavo kuBhetani kakawanda, achivadzidzisa zvinhu zvakawanda pamusoro paJehovha uye pamusoro pake. Uye akasvika pakuda mhuri iyi chaizvo. Razaro paakazofa, Jesu akamumutsa!
Mariya ane zvaaida kuitira Jesu kuti anyatsoratidza kuti aimutenda sei. Akafunga kumupa chipo chaikosha chaizvo. Chipo chacho chaiva mafuta aidhura kwazvo uye ainhuwirira, enadhi chaiyo, angasvika hafu yerita uye ainge ari muchinu chearabhasta. Panguva iyoyo, zvaigona kutorera mushandiwo zvake rinenge gore rese kuti aunganidze mari inokwana kutenga kabhodhoro kadiki kemafuta iwayo. Bhaibheri haritiudzi kuti Mariya akawana sei mafuta iwayo kana kuti akaawana riini, asi anogona kunge ari iwo chinhu chinodhura chaizvo chaaiva nacho.
Aida kupa Jesu chipo chinokosha, asi kuita izvozvo kwaitoda ushingi
Rimwe zuva Jesu paakanga akagara achidya ari kuBhetani, Mariya akaona kuti ndiyo yakanga iri nguva yakakodzera yekuti ape Jesu chipo chaaida kumupa. Akabva aenda paiva naJesu akavhura mafuta acho, ndokubva aadurura mumusoro make nepatsoka dzake. Mafuta acho paaiyerera, Mariya akabva abvisa jira rainge rakafukidza musoro wake ndokubva apukuta tsoka dzaJesu achishandisa bvudzi rake. Patsika dzavo, vanhukadzi vaitariswa kuti vagare vakafukidza musoro nejira, saka vanhu vanogona kunge vakashamisika nezvakaitwa naMariya, asi iye haana kuita basa nazvo, nekuti aingofunga nezvekukudza Ishe wake. Akasarudza kuzvininipisa kuti ape ruremekedzo rukuru kuna Jesu.
Kunhuwirira kwemafuta acho kwakabva kwazadza imba yese. Asi pavanhu vaiva mumba umu havasi vese vakafara nazvo. Judhasi uyo aiva mumwe wevaapostora vaJesu, akatsamwa zvakanyanya uye akaita kuti vamwe vaapostora vatangewo kufunga kuti Mariya akanga akanganisa. Judhasi akabva abvunza kuti: “Nei mafuta aya anonhuhwirira asina kutengeswa madhinari 300, mari yacho yapiwa varombo?” Fungidzira kuti Mariya akanzwa sei. Ainge apa chipo chake nemwoyo wese. Asi varume ava, vadzidzi vaJesu chaivo, vakanga vachimupopotera nekumushora pane kuti vamurumbidze! Mariya anofanira kunge akashaya pekupinda nekunyara. Asi Jesu akabva apindira achitsigira Mariya.
Jesu akati: “Siyanai naye.” Paakadaro, vese vanofanira kunge vakabva vangoti zii. Akaenderera mberi achiti, “Andiitira zvakanaka.” Jesu akatsanangura kuti zvakanga zvaitwa naMariya zvairatidza kuti aida Tenzi wake. Mariya akanga asiri kuzviziva kuti Jesu akanga atova pedyo nekufa, asi kudira kwaakaita mafuta iwayo ainhuwirira kwaitova kugadzirira chiitiko ichocho chinosuwisa. Achitaura nezvezvakanga zvichangobva kuitwa naMariya, Jesu akati: “Aita zvaagona.” Akazopedzisa nekuti: “Chokwadi ndinoti kwamuri, kwese kuchaparidzwa mashoko akanaka munyika yese, zvaitwa nemukadzi uyu zvichataurwawo achiyeukwa.” Jesu akaona kuti Mariya akanga aratidza ushingi uye kuti aiva nerudo. Zvaakaita izvi zvaifanira kutorumbidzwa kwete kushorwa.
Pashure paizvozvo, hapana akazoda kuenderera mberi nenyaya yacho. Judhasi akabva abuda, uye akanga atoshinga kutengesa Jesu. Asi Mariya anofanira kunge akafara chaizvo paakanzwa Jesu achimutsigira. Pangopera mazuva mashomanana, Mariya anofanira kunge akazonyatsonzwisisa zvakanga zvataurwa naJesu nezvekufa kwake. Tenzi wake waaida chaizvo, Jesu, akapomerwa zvenhema, akaurayiwa, achibva avigwa sezvaakanga ambotaura. Hatikwanisi kufungidzira kuti mukadzi uyu aiva netsitsi nemutsa akarwadziwa zvakadii. Panguva iyoyo yakanga yakaoma kudaro, anofanira kunge akanyaradzwa nemashoko aakanga audzwa naJesu.
Pazuva rechitatu kubva pakafa Jesu, pane chimwe chinhu chinofadza chaizvo chakaitika. Jesu akamutswa! Nguva pfupi kubva paakamutswa, Jesu akazviratidza kuvateveri vake vakanga vakaungana vaidarika 500. Zvinoita sekuti musi uyu ndiwo waakavapa basa rekuti vaparidze mashoko akanaka ‘kuvanhu vemarudzi ese.’ (Mat. 28:19, 20) Akanga ambotaura kuti paizoparidzwa “mashoko akanaka,” paizotaurwawo nezvechipo chakanga chapiwa naMariya, chaakapa achiratidza kuti aida Tenzi wake uye aizvininipisa. Mariya haana kumbozvidemba kuti akanga aratidza ushingi hwekupa Jesu chipo chaikosha chaizvo. Kweupenyu hwake hwese panyika, Mariya anofanira kunge akaramba achiyeuka kurumbidzwa kwaakaitwa naJesu paakati: “Aita zvaagona.”
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Mariya hanzvadzi yaRazaro akaratidza sei ushingi?
Wedzera Kuongorora
1. Bhaibheri rinoratidzei nezvekusiyana kwakanga kwakaita unhu hwaMariya nehwemukoma wake Marita? (Ruka 10:39, 40; Joh. 11:20; ia 173 ¶5-6; 176 ¶17-wcgr) Ona mufananidzo A
Mufananidzo A
2. Nei zvichishamisa kuti Jesu aida kudzidzisa Mariya nevamwe vakadzi? (w99 9/1 30 ¶1-4-wcgr)
3. Nei mafuta akadirwa naMariya mumusoro maJesu aikosha chaizvo? (nwtsty “mafuta anonhuwirira anodhura” Mat. 26:7-wcgr) Ona mufananidzo B
Indian nard: © Haijie Lu, licensed under CC BY-NC 4.0. Source; dried jatamansi: wasanajai/stock.adobe.com; alabaster jar: © The Trustees of the British Museum. Licensed under CC BY-NC-SA 4.0. Source
Mufananidzo B: Maruva nemidzi yegwenzi rinonzi Nardostachys jatamansi, rinofanira kunge riri iro rakashandiswa pakugadzira mafuta akadururwa naMariya pana Jesu, uye chinu chearabasta chekuisira mafuta anonhuhwirira
4. Kudira kwakaita Mariya mafuta mumusoro nepatsoka dzaJesu kwairevei? (w10 11/1 6 ¶4, mashoko emuzasi-wcgr)
Zvidzidzo Zvatinowana
Jesu akati, “Mariya asarudza mugove wakanaka,” akasarudza kuisa zvinhu zvine chekuita nekunamata pekutanga. (Ruka 10:42) Mazuva ano tingamutevedzerawo sei? Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
Jesu akarumbidza Mariya nekuti ‘akaita zvaaigona.’ Izvi zvinotidzidzisei nezvezvinokosheswa naJehovha patiri? (Mako 12:29, 30; 14:8)
Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naMariya?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Nei zvichikufadza kuti Mariya, hanzvadzi yaRazaro anogona kunge akasarudzwa kuti anotongawo naKristu kudenga?
Dzidza Zvimwe
Vechidiki vanodzidzei kuna Jesu, Mariya naMarita panyaya yekutsvaga shamwari?
Ona kuti Jesu akaratidza sei kuti aikoshesa chipo chinodhura chaakapiwa naMariya uye chipo chidiki chakaita setumari tudiki twakabviswa nechirikadzi yaiva murombo.