RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 29
  • Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Vakafa Vari Kupi?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Unofanira Kutya Vakafa Here?
    Mukai!—2009
  • Tichazomboona Vakafa Here?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Pane Kwatinoenda Here Kana Tafa?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 29
Chidzidzo 29. Murume nemukadzi vari kunamata vari kumakuva.

CHIDZIDZO 29

Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Wakambofirwa here? Paunenge uchirwadziwa unogona kuzvibvunza kuti: ‘Chii chinoitika kwatiri patinofa? Pane tariro here yekuti tichazomboona hama neshamwari dzedu dzakafa?’ Muchidzidzo chino tichaona mhinduro dzinonyaradza dziri muBhaibheri dzemibvunzo iyi.

1. Chii chinoitika kwatiri patinofa?

Jesu akafananidza rufu nekurara. Munhu anenge akafa nehope anenge asingambozivi zvinenge zvichiitika. Rufu rwakafanana papi nekurara? Kana munhu afa anenge asisarwadziwe. Kunyange kana aida hama dzake neshamwari zvakadii, haatombonzwi kusurukirwa. “Vakafa havana kana chavanoziva,” rinodaro Bhaibheri.—Verengai Muparidzi 9:5.

2. Kuziva chokwadi nezverufu kunotibatsira sei?

Vanhu vakawanda vanotya rufu, uye vamwe vanototyawo kunyange vanhu vakafa! Asi zvinotaurwa neBhaibheri nezverufu zvinogona kukunyaradza. Jesu akati: “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” (Johani 8:32) Bhaibheri haridzidzisi kuti munhu ane mweya unosara uri mupenyu kana afa, sezvinodzidziswa nezvimwe zvitendero. Kureva kuti hakuna munhu anotambura kana afa. Saka kana vakafa vasina chavanoziva, hapana zvavanokwanisa kutiita. Hapana chikonzero chekuedza kuvafadza, kuvanamata kana kuvanyengeterera.

Vamwe vanhu vanoti vanogona kutaura nevakafa. Asi izvozvo hazviiti. Sezvatatodzidza, “vakafa havana kana chavanoziva.” Vaya vanofunga kuti vari kutaura nehama dzavo dzakafa vanogona kunge vachitotaura nemadhimoni ayo anonyepedzera kuva vanhu vakafa. Saka kuziva chokwadi nezverufu kunotidzivirira kumadhimoni. Jehovha anotiyambira kuti tisaedza kutaura nevakafa nekuti anoziva kuti madhimoni anogona kutikuvadza.—Verengai Dheuteronomi 18:10-12.

WEDZERA KUONGORORA

Ona zvimwe zvinodzidziswa neBhaibheri nezverufu, uye simbisa kutenda kwako muna Mwari ane rudo uye asingatambudze vakafa.

Murume akagara pabhenji nevana vake vaviri vari parufu rwemudzimai wake. Hama neshamwari dzavo dziri kuvanyaradza.

3. Dzidza zvinonyatsoitika kana munhu afa

Pasi rese, vanhu vanotaura zvakasiyana-siyana nezvezvinoitika kana munhu afa. Asi hazviiti kuti titi zvese zvavanotaura ichokwadi.

  • Kwaunogara vanhu vanowanzoti chii chinoitika kana munhu afa?

Kuti tione zvinodzidziswa neBhaibheri, ngationei VHIDHIYO.

VHIDHIYO: Chii Chinoitika Kumunhu Paanofa?—Chidimbu (1:19)

Mifananidzo: Mapikicha akatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?—Chidimbu.’ 1. Chitunha chakaradzikwa pamubhedha muchipatara. 2. Murume akarara muchitima.

Verengai Muparidzi 3:20, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Maererano nevhesi iyi, chii chinoitika kumunhu paanofa?

  • Pane chinosara chichirarama here kana munhu afa?

Bhaibheri rinotiudza nezvekufa kwaRazaro, shamwari yepedyo yaJesu. Verengai Johani 11:11-14 muone kuti Jesu akafananidza kufa kwaRazaro nechii, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Jesu akafananidza rufu nechii?

  • Fananidzo yakashandiswa naJesu inoratidzei nezvemunhu kana afa?

  • Unobvumirana here netsanangudzo yeBhaibheri yezvinoitika kumunhu paanofa?

4. Kuziva chokwadi nezverufu kunotibatsira

Kuziva chokwadi nezverufu kunotisunungura pakutya vakafa. Verengai Muparidzi 9:10, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Vakafa vane zvavanokwanisa kutiita here?

Chokwadi chiri muBhaibheri chinotidzivirira panhema dzekuti tinofanira kufadza vakafa kana kuvanamata. Verengai Isaya 8:19 uye Zvakazarurwa 4:11, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Unofunga kuti Jehovha anonzwa sei paanoona mumwe munhu achinamata kana kuti achiedza kutsvaga rubatsiro kuvanhu vakafa?

Mifananidzo: Tsika dzinoitwa nevanhu vachiremekedza vakafa. 1. Murume ari kupira midzimu yake paguva. 2. Varume vari kutamba zvigure. 3. Vanhu vane zvimufananidzo zvemadehenya nemarangwanda vari kupemberera Zuva Revakafa.

Kuziva chokwadi nezverufu kunotisunungura patsika dzisingafadzi Jehovha

5. Kuziva chokwadi pamusoro perufu kunonyaradza

Vanhu vakawanda vakadzidziswa kuti kana vafa, vachanotambudzwa nekuda kwezvitadzo zvavakaita. Asi zvinonyaradza kuziva kuti hapana munhu anotambura kana afa, kunyange vaya vakaita zvinhu zvakaipisisa. Verengai VaRoma 6:7, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Kana rufu ruchisunungura munhu pachivi sezvataverenga muBhaibheri, unofunga kuti pane munhu akafa ari kutambudzwa nekuda kwezvitadzo zvaakaita here?

Patinowedzera kuziva kuti Jehovha ndiMwari werudzii, zvinobva zvatiitira nyore kuziva kuti haambotambudzi vanhu vakafa. Verengai Dheuteronomi 32:4 uye 1 Johani 4:8, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Mwari ari kutsanangurwa mumavhesi aya angatambudza vakafa here?

  • Kuziva kwawaita chokwadi nezverufu kwakunyaradza here? Nei uchidaro?

VAMWE VANOTI: “Ndiri kutya kuzotambudzwa kana ndafa.”

  • Mavhesi api emuBhaibheri aungashandisa kunyaradza munhu akadaro?

PFUPISO

Kana munhu afa, upenyu hwake hunenge hwaguma. Vakafa havatambure, uye havana zvavanokwanisa kutiita.

Kudzokorora

  • Chii chinoitika kwatiri patinofa?

  • Kuziva chokwadi nezverufu kunotibatsira sei?

  • Kuziva chokwadi nezverufu kunotinyaradza sei?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ona zvinorehwa neshoko rekuti “mweya” muBhaibheri.

“Chii Chinonzi Mweya?” (Nyaya iri paIndaneti)

Ona kuti Mwari anopisa vanhu vakaipa achivaranga here.

Mwari Anopisa Vanhu Vakaipa Mumoto Here? (3:07)

Tinofanira kutya vakafa here?

Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here? (kabhuku)

Verenga unzwe kuti mumwe murume akanyaradzwa zvakadii paakaziva chokwadi nezvezvinoitika kumunhu paanofa.

“Ndakafarira Chaizvo Mhinduro Dzakajeka Uye Dzine Musoro dzeBhaibheri” (Nharireyomurindi, February 1, 2015)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe