RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 28
  • Ratidza Kuti Unotenda Zvawakaitirwa naJehovha naJesu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ratidza Kuti Unotenda Zvawakaitirwa naJehovha naJesu
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Nei Tichikoshesa Kudya kwaShe Kwemanheru?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Nei Tichichengeta Kudya kwaShe Kwemanheru?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Chiitiko Chinotidzidzisa nezvaMambo Wekudenga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Nei Tichipinda Chirangaridzo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 28
Chidzidzo 28. Vanhu vari kutambidzana ndiro ine chingwa chisina mbiriso paKudya kwaShe Kwemanheru.

CHIDZIDZO 28

Ratidza Kuti Unotenda Zvawakaitirwa naJehovha naJesu

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Unonzwa sei kana ukapiwa chipo chakanaka neshamwari yako? Chokwadi ndechekuti unofara uye unoda kuti shamwari yako izvione kuti uri kutenda chipo chayakupa. Jehovha naJesu vakatipa chipo chikuru, chisina mumwe munhu aigona kutipa. Chii chavakatipa, uye tingaratidza sei kuti tinotenda chipo ichocho?

1. Ndeipi imwe nzira yatingaratidza nayo kuti tinokoshesa zvatakaitirwa naMwari naKristu?

Bhaibheri rinotivimbisa kuti “munhu wese anotenda” muna Jesu anogona kurarama nekusingaperi. (Johani 3:16) Zvinonyatsorevei kuva nekutenda? Hazvipereri pakungotenda muna Jesu chete. Tinoda kuratidzawo kutenda kwedu nezvatinosarudza muupenyu uye zvatinoita. (Jakobho 2:17) Patinoratidza kutenda kwedu nezvatinoita uye zvatinotaura, tinosimbisa ushamwari hwedu naJehovha naJesu.—Verengai Johani 14:21.

2. Chiitiko chipi chinokosha chinotibatsira kuratidza Jehovha naJesu kuti tinotenda zvavakatiitira?

Manheru aakapedzisira kuva nevadzidzi vake, Jesu akaudza vateveri vake imwe nzira yavaizoratidza nayo kuti vanotenda chibayiro chake. Akatanga kunonzi neBhaibheri “Kudya kwaShe Kwemanheru,” uko kunozivikanwawo seChirangaridzo cherufu rwaKristu. (1 VaKorinde 11:20) Izvi akazviitira kuti vaapostora vake nevamwe vese vaizovawo vaKristu vayeuke kuti akatifira. Jesu akati: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Ruka 22:19) Kuva paChirangaridzo kunoratidza kuti unotenda rudo rukuru rwatakaratidzwa naJehovha naJesu.

WEDZERA KUONGORORA

Ona dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo kuti tinotenda rudo rukuru rwatakaratidzwa naJehovha naJesu. Onawo kuti nei zvichikosha kuti tivepo paChirangaridzo cherufu rwaKristu.

3. Kana tichitenda zvatakaitirwa tinoratidza nezvatinoita

Ngatitii mumwe munhu akununura wava kunyura mumvura. Ungabva wakanganwa here zvaunenge waitirwa nemunhu iyeye? Handiti ungatotsvaga nzira dzekuti uratidze kuti unotenda zvaakakuitira here?

Jehovha ndiye akatipa upenyu hwatiinahwo. Verengai 1 Johani 4:8-10, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Nei chibayiro chaJesu chiri chipo chinokosha zvikuru?

  • Unonzwa sei nezvawakaitirwa naJehovha naJesu?

Tingaratidza sei kuti tinotenda zvatakaitirwa naJehovha naJesu? Verengai 2 VaKorinde 5:15 uye 1 Johani 4:11; 5:3. Verengai rugwaro rumwe chete panguva, mokurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Tichishandisa zvataurwa nerugwaro urwu tingaratidza sei kuti tinotenda zvatakaitirwa?

4. Tevedzera Jesu

Imwe nzira yatinoratidza nayo kuti tinotenda zvatakaitirwa naJesu kumutevedzera. Verengai 1 Petro 2:21, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Ungaratidza sei kuti uri kutsika nemakatsika Jesu?

Jesu ari kuverenga Shoko raMwari. Jesu ari kutaura nemukadzi wekuSamariya patsime. Jesu ari kuporesa murume anorwara.

Jesu aida Shoko raMwari, aiparidza mashoko akanaka uye aibatsira vamwe

5. Pinda Chirangaridzo cherufu rwaJesu

Kuti uone kuti zvakafamba sei paKudya kwaShe Kwemanheru kwekutanga, verengai Ruka 22:14, 19, 20 mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Chii chakaitika paKudya kwaShe Kwemanheru?

  • Chingwa newaini zvinomiririrei?—Ona vhesi 19, ne20.

Jesu aida kuti vadzidzi vake vazoita Kudya kwaShe Kwemanheru kamwe chete pagore vachirangarira musi waakafa. Saka Zvapupu zvaJehovha zvinoungana gore negore zvichiyeuka rufu rwaKristu, vachitevedzera zvaakavaudza. Kuti udzidze nezvemusangano uyu unokosha, ngationei VHIDHIYO tobva takurukura mubvunzo unotevera:

VHIDHIYO: Kuyeuka Rufu rwaJesu (1:41)

Pikicha yakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Kuyeuka Rufu rwaJesu.’ Zvapupu zvaJehovha zvakaungana paKudya kwaShe Kwemanheru.
  • Chii chinenge chichiitwa paChirangaridzo?

Vanhu vari kutambidzana ndiro ine chingwa chisina mbiriso paKudya kwaShe Kwemanheru.

Chingwa newaini zvine zvazvinofananidzira. Chingwa chinomiririra muviri waJesu usina chivi wakapiwa sechibayiro chekutidzikinura. Waini inomiririra ropa rake

Vanhu vari kutambidzana waini paKudya kwaShe Kwemanheru.

VAMWE VANOTI: “Chinongodiwa kuti uponeswe kungotenda kuti Jesu akatifira chete.”

  • Ungashandisa sei Johani 3:16 uye Jakobho 2:17 kuratidza munhu kuti haisi nyaya yekungotenda kuti Jesu akafa chete?

PFUPISO

Tinoratidza kuti tinokoshesa zvatakaitirwa naJesu nekuva nekutenda maari uye kupinda Chirangaridzo cherufu rwake.

Kudzokorora

  • Zvinorevei kuva nekutenda muna Jesu?

  • Ungada kuratidza sei kuti unotenda zvawakaitirwa naJehovha naJesu?

  • Nei zvichikosha chaizvo kuti upinde Chirangaridzo cherufu rwaJesu?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Kufirwa kwawakaitwa naJesu kunoita kuti ude kuita sei?

Akashandisa Muviri Wake Kurumbidza Jehovha (9:28)

Wedzera kudzidza nezvekutenda uye zvaungaita kuti ukuratidze.

“Ratidza Kutenda Kwako Mune Zvakavimbiswa naJehovha” (Nharireyomurindi, October 2016)

Verenga nyaya inoti “Ndava Kunzwawo Kuti Ndava Munhu Uye Hana Yangu Haichanditongesi,” kuti uone kuti kudzidza nezvechibayiro chaJesu kwakabatsira sei mumwe mukadzi.

“Bhaibheri Rinochinja Upenyu” (Nharireyomurindi, August 1, 2011)

Verenga unzwe kuti nei vanhu vanodya chingwa nekunwa waini paChirangaridzo vasina kuwanda.

“Nei Maitiro Anoita Zvapupu zvaJehovha Chirayiro chaShe Achisiyana Nezvinoitwa Nemamwe Machechi?” (Nyaya iri paIndaneti)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe