RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 25
  • Mwari Akatisika Aine Chinangwa Chei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Akatisika Aine Chinangwa Chei?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Donzo Chairoiro Roupenyu
    Mukai!—1992
  • Upenyu Hune Donzo Rakaisvonaka
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Mwari Ndiani?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Upenyu Hwakatanga Sei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 25
Chidzidzo 25. Zvakaita nyika, kana uchiitarisa uri muchadenga.

CHIDZIDZO 25

Mwari Akatisika Aine Chinangwa Chei?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Bhaibheri rinotaura kuti munhu “anorarama kwenguva pfupi uye akamomoterwa nenhamo.” (Jobho 14:1) Mwari anoda kuti tirarame upenyu hwakadaro here? Kana zvisiri izvo, ane chinangwa chei nesu? Chinangwa ichocho chichazombozadziswa here? Mhinduro dzinopiwa neBhaibheri kumibvunzo iyi dzinonyaradza.

1. Jehovha anoda kuti tirarame upenyu hwakaita sei?

Jehovha anoda kuti tirarame upenyu hwakanakisisa. Paakasika vanhu vekutanga, Adhamu naEvha, akavaisa muparadhiso yakanga yakanaka chaizvo, munda weEdheni. Zvadaro “Mwari akavakomborera, akati kwavari: ‘Berekai muwande, muzadze nyika, muitonge.’” (Genesisi 1:28) Jehovha aida kuti vave nevana, vaite kuti nyika yese ive paradhiso uye kuti vachengete mhuka. Chinangwa chake chaiva chekuti vanhu vave neutano hwakanaka uye vararame nekusingaperi.

Kunyange zvazvo zvinhu zvisina kufamba sezvaainge aronga,a chinangwa chake hachina kuchinja. (Isaya 46:10, 11) Mwari achiri kuda kuti vanhu vanomuteerera vararame nekusingaperi pasina matambudziko.—Verengai Zvakazarurwa 21:3, 4.

2. Tingaitei kuti tirarame upenyu hune chinangwa iye zvino?

Jehovha akatisika tichifanira ‘kutungamirirwa naye,’ uye tiine chido chekumuziva nekumunamata. (Verengai Mateu 5:3-6.) Anoda kuti uve neushamwari hwepedyo naye, “ufambe munzira dzake dzese, umude” uye kuti umushumire “nemwoyo wako wese.” (Dheuteronomi 10:12; Pisarema 25:14) Kana tikadaro, tinogona kurarama tichifara pasinei nematambudziko atinosangana nawo. Kunamata Jehovha kunoita kuti upenyu hwedu huve nechinangwa.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza nezverudo rukuru rwakaratidzwa naJehovha paakatisikira nyika uye zvinodzidziswa neShoko rake nezvechinangwa cheupenyu.

Adhamu naEvha vachitarisa musha wavo wakanaka wakasvibirira uye mhuka.

3. Jehovha anoda kuti tirarame upenyu hwakanakisisa

Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:

VHIDHIYO: Mwari Akasikirei Nyika?—Chidimbu (1:41)

  • Mwari akasika nyika yatinogara yakanaka kudai nechinangwa chei?

Verengai Muparidzi 3:11, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Vhesi iyi inokudzidzisei nezvaJehovha?

4. Chinangwa chaJehovha hachina kuchinja

Verengai Pisarema 37:11, 29 uye Isaya 55:11, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Tinoziva sei kuti chinangwa chatakasikirwa naJehovha hachina kuchinja?

A. Imba isiri kubatwa zvakanaka. Denga rayo rava kudonha, mahwindo akaputsika, uye chivanze chine marara. B. Imba iya yagadziriswa uye ine chivanze chakanaka.

Imba inenge isina kubatwa zvakanaka inogona kuzogadziriswa. Ndizvo zvichaitwawo nyika, iyo isina kubatwa zvakanaka nevanhu. Mwari achaigadzirisa kuti vanhu vaanoda vagarepo vachifara

5. Kunamata Jehovha kunoita kuti upenyu hwedu huve nechinangwa

Kuziva chinangwa cheupenyu kunoita kuti tirarame tichifara. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:

VHIDHIYO: Ndakazodzidza Chinangwa Cheupenyu (5:03)

  • Kudzidza nezvechinangwa cheupenyu kwakabatsira sei Terumi?

Verengai Muparidzi 12:13, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Sezvo Jehovha ari iye akatisika, tingaratidza sei kuti tinotenda zvaakatiitira?

MUMWE MUNHU ANOGONA KUBVUNZA KUTI: “Mwari akatisikirei?”

  • Ungamupindura sei?

PFUPISO

Jehovha anoda kuti tirarame tichifara panyika pano nekusingaperi tisina matambudziko. Kana tikamunamata nemwoyo wese, tichava neupenyu hune chinangwa iye zvino.

Kudzokorora

  • Chinangwa chaJehovha paakasika Adhamu naEvha chaiva chei?

  • Tinoziva sei kuti chinangwa chaMwari chaakasikira vanhu hachina kuchinja?

  • Ungaitei kuti urarame upenyu hune chinangwa?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Verenga nezveuchapupu hunoratidza kuti munda weEdheni waivako zvechokwadi.

“Munda weEdheni—Waivako Kana Kuti Ingano?” (Nharireyomurindi, January 1, 2011)

Verenga unzwe kuti nei tiine chokwadi chekuti nyika icharamba iripo nekusingaperi.

“Nyika Ichaparadzwa Here?” (Nyaya iri paIndaneti)

Ongorora zvinotaurwa neBhaibheri nezvemawaniro aungaita chinangwa cheupenyu.

“Tinoraramirei?” (Nyaya iri paIndaneti)

Ona kuti mumwe murume aifunga kuti ane zvese zvaanoda muupenyu akazoona kuti chii chaaishayiwa.

Iye Zvino Upenyu Hwangu Hwava Nechinangwa (3:55)

a Muchidzidzo chinotevera, uchadzidza kuti chii chakazokanganisika.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe