RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 24
  • Chii Chinonzi Ngirozi Uye Dzinoita Basa Rei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinonzi Ngirozi Uye Dzinoita Basa Rei?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Bhaibheri Rinotii Nezvengirozi?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Ngirozi Dzinotibatsira Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Zvisikwa Zvomudzimu—Zvazvinoita Kwatiri
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Simba raJesu Pamadhimoni
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 24
Chidzidzo 24. Chifananidzo chengirozi.

CHIDZIDZO 24

Chii Chinonzi Ngirozi Uye Dzinoita Basa Rei?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Jehovha anoda kuti tidzidze nezvemhuri yake yekudenga. Mhuri iyoyo inosanganisira ngirozi, idzo dzinonzi ‘vanakomana vaMwari.’ (Jobho 38:7) Bhaibheri rinotii nezvengirozi? Dzine zvadzinoita muupenyu hwevanhu here? Uye ngirozi dzese dziri mumhuri yaMwari here?

1. Ngirozi chii?

Jehovha akasika ngirozi asati asika nyika. Dzakangofananawo naiye pakuti ndedzemweya uye dzinogara kudenga. (VaHebheru 1:14) Kune zviuru nezviuru zvengirozi uye dzakasiyana-siyana sezvakangoitawo vanhu. (Zvakazarurwa 5:11) ‘Dzinoita zvinotaurwa naJehovha, dzichiteerera inzwi rake.’ (Pisarema 103:20) Kare kare, Jehovha aimbotuma ngirozi kuti dzisvitse mashoko kuvanhu vake, dzivabatsire, kana kuti dzivanunure. Mazuva ano ngirozi dzinotungamirira vaKristu kuvanhu vanoda kudzidza nezvaMwari.

2. Satani nemadhimoni ake ndivanaani?

Dzimwe ngirozi hadzina kuramba dzichiteerera Jehovha. Ngirozi yakatanga kupanduka ndiyo “inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, uyo ari kutsausa nyika yese.” (Zvakazarurwa 12:9) Satani aida kutonga vamwe, saka akafurira vanhu vekutanga kuti vapanduke, ndokuzofurirawo dzimwe ngirozi. Ngirozi dzakapanduka idzodzo ndidzo dzinonzi madhimoni. Jehovha akaita kuti dzidzingwe kudenga dzichikandwa panyika, uye dzichaparadzwa.—Verengai Zvakazarurwa 12:9, 12.

3. Satani nemadhimoni vanoedza kutifurira sei?

Satani nemadhimoni vanoedza kufurira vanhu vakawanda kuti vavatevere. Vanozviita vachishandisa chidhimoni kana kuti kuita zvemidzimu. Vamwe vanobvunza zvichaitika muupenyu hwavo kuvanhu vakadai sevaongorori venyeredzi, n’anga, nemasvikiro. Vamwe vanoenda kuvanhu vakadaro vachida kurapwa kana varwara. Vanhu vanonyengerwawo kuti vafunge kuti vanogona kutaura nevakafa.a Asi Jehovha anotiyambira achiti: “Musaenda kumasvikiro, uye musabvunza vafemberi.” (Revhitiko 19:31) Anotipa yambiro iyi nekuti anoda kutidzivirira. Satani nemadhimoni vavengi vaMwari, uye vanoda kutikuvadza.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza nezvezvinhu zvakanaka zvinoitwa nengirozi, wodzidzawo kuti zvakaipirei kuita zvemidzimu, uye kuti tingazvidzivirira sei kuti tisakuvadzwa naSatani nemadhimoni.

Ngirozi iri kutungamirira Zvapupu zvaJehovha zviviri zviri kuparidza paimba neimba.

4. Ngirozi dzinobatsira vanhu kudzidza nezvaJehovha

Ngirozi pachadzo handidzo dzinoparidzira vanhu. Asi dzinogona kutungamirira vanhu vaMwari dzichivaratidza munhu ari kuda kudzidza nezvake. Verengai Zvakazarurwa 14:6, 7, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Nei tichida kubatsirwa nengirozi pabasa rekuparidza?

  • Zvinokukurudzira here kuziva kuti ngirozi dzinogona kukubatsira kuwana vanhu vanoda kunzwa zviri muBhaibheri? Nei uchidaro?

Zvinhu zvakasiyana-siyana zvine chekuita nemidzimu kusanganisira mazango nezvimwewo.

5. Ramba kuita zvemidzimu

Satani nemadhimoni vavengi vaJehovha. Vavengi veduwo. Verengai Ruka 9:38-42, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Madhimoni anotambudza sei vanhu?

Hatidi kuita zvinhu zvinotidaidzira madhimoni muupenyu hwedu. Verengai Dheuteronomi 18:10-12, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Madhimoni anoshandisa nzira dzipi kuti atifurire uye kuti titaure nawo? Kwaunogara vanhu vanowanzoita tsika dzipi dzechidhimoni?

  • Ko iwe unoona sei kurambidzwa kwatinoitwa naJehovha kuita zvemidzimu? Nei uchidaro?

Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura tichishandisa mibvunzo inotevera:

VHIDHIYO: “Rwisa Dhiyabhorosi” (5:02)

  • Unofunga kuti zango raisungirirwa mwana naPalesa rine zvaraimubatsira here? Nei uchidaro?

  • Palesa aifanira kuita sei kuti azvidzivirire kumadhimoni?

VaKristu vechokwadi vagara vachiramba kuita zvechidhimoni. Verengai Mabasa 19:19 uye 1 VaKorinde 10:21, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Nei zvichikosha kuti uparadze chinhu chese chauinacho chine chekuita nemadhimoni?

Mukadzi ari kupisa zvinhu zvine chekuita nechidhimoni.

6. Unogona kukunda pahondo yekurwisana naSatani nemadhimoni

Madhimoni anotongwa naSatani. Asi ngirozi dzakanaka dzinotungamirirwa nemukuru wengirozi anonzi Mikaeri. Iri rimwe zita raJesu. Mikaeri ane simba zvakadini? Verengai Zvakazarurwa 12:7-9, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Ndeupi ane simba pakati paMikaeri nengirozi dzake, naSatani nemadhimoni ake?

  • Unofunga kuti vateveri vaJesu vanofanira kutya Satani nemadhimoni ake here?

Unogona kukunda pahondo yekurwisana naSatani nemadhimoni. Verengai Jakobho 4:7, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Ungazvidzivirira sei kuti usakuvadzwa naSatani nemadhimoni?

VAMWE VANOTI: “Hapana chakaipa nekutamba magemhu kana kuona mafirimu echidhimoni. Kungonakidzwa.”

  • Nei mafungiro akadaro aine ngozi?

PFUPISO

Ngirozi dzakanaka dzinotibatsira. Satani nemadhimoni ake vavengi vaJehovha uye vanoda kuti tiite zvemidzimu kuti tivewo vavengi vaMwari.

Kudzokorora

  • Ngirozi dzaJehovha dziri kubatsira sei vanhu kuti vadzidze nezvake?

  • Satani nemadhimoni ake ndivanaani?

  • Nei uchifanira kutambira kure nezvinhu zvechidhimoni?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Verenga unzwe kuti sei Jesu achinzi ndiye ngirozi huru, Mikaeri.

“Ngirozi Huru Inonzi Mikaeri Ndiani?” (Nyaya iri paIndaneti)

Vamwe vanoti Satani zvinongoreva pfungwa dzakaipa kana kuti uipi huri muvanhu. Verenga unzwe kuti ichocho hachisi chokwadi.

“Dhiyabhorosi Munhu Chaiye Here?” (Nyaya iri paIndaneti)

Verenga kuti mumwe mukadzi akasununguka sei pamadhimoni.

“Iye Akawana Donzo Muupenyu” (Nharireyomurindi, July 1, 1993)

Dzidza kuti Satani anonyengera sei vanhu kuti vaite zvechidhimoni.

“Chokwadi Pamusoro Pemashiripiti Nouroyi” (Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi, chikamu 5)

a Vakafa havana kana chavanoziva. Nyaya iyi ichakurukurwa muchidzidzo 29.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe