CHIDZIDZO 18
Ita Kuti Vateereri Vadzidze Chimwe Chinhu
1 VaKorinde 9:19-23
PFUPISO YECHIDZIDZO: Ita kuti vateereri vafunge, kuti vasare vachiona kuti pane chimwe chinhu chinokosha chavadzidza.
MAITIRWO AZVO:
Funga zvinotozivikanwa nevateereri vako. Pane kungotaura zvinhu zvavanotoziva, vabatsire kuti vave nemamwe maonero panyaya yavagara vachiziva.
Tsvaga mashoko uye fungisisa. Pazvinenge zvichiita, taura zvinhu zvisinganyanyi kuzivikanwa nevateereri kana zvinhu zvichangobva kuitika kuti utsanangure pfungwa huru. Nyatsofunga kuti zvinhu izvozvo zvinobatana sei nenyaya yauchataura nezvayo.
Ratidza kuti mashoko acho anoshanda sei. Tsanangura kuti pfungwa dziri muMagwaro dzinogona kubatsira sei vateereri vako muupenyu hwavo. Taura mamiriro ezvinhu, mafungiro, kana maitiro anonyatsobatwa nepfungwa dzauri kudzidzisa.