RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • th chidzidzo 19 p. 22
  • Kutaura Zvinobaya Mwoyo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutaura Zvinobaya Mwoyo
  • Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Mashoko Akafanana
  • Kutaura Nechido
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Kushingairira Kusvika Pamwoyo
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Ratidza Kubatsira Kunoita Mashoko Acho
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Taura Zvinokurudzira Uye Zvakanaka
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
th chidzidzo 19 p. 22

CHIDZIDZO 19

Kutaura Zvinobaya Mwoyo

Rugwaro

Zvirevo 3:1

PFUPISO YECHIDZIDZO: Batsira vateereri kuti vaone kukosha kwezvavanenge vadzidza uye kuti vazvishandise.

MAITIRWO AZVO:

  • Batsira vateereri kuti vazviongorore. Bvunza mibvunzo isingadi mhinduro kuti ubatsire vateereri kuti vazviongorore.

  • Batsira vateereri kuti vaite zvinhu nechinangwa chakanaka. Kurudzira vateereri kuti vaongorore kuti nei vachiita mabasa akanaka. Vabatsire kuti vave nechinangwa chakanakisisa chekuita zvinhu; ngavaite zvinhu nekuti vanoda Jehovha, nevanhu, nezvinodzidziswa neBhaibheri. Vabatsire kuti vafunge, pane kungovaudza zvekuita. Usavanyadzise, asi ita kuti vasare vakurudzirwa, vava kuda kuita zvese zvavanogona.

  • Ita kuti vafunge nezvaJehovha. Varatidze kuti mirayiro yaMwari nezvimwe zvinodzidziswa neBhaibheri, zvinotiratidza sei zvakaita Mwari uye kutida kwaanoita. Batsira vateereri vako kuti vafunge kuti Jehovha anonzwa sei nezvavanoita uye kuti vade kumufadza.

    Zano

    Yeuka kuti Jehovha ndiye anoita kuti vanhu vauye kwaari. Kurudzira vanhu neShoko rake.

MUUSHUMIRI

Kana zvichiita, bvunza mibvunzo kuti uzive zvinonyatsotendwa nemunhu waunenge uchitaura naye. Tarisa chiso chake uye teerera inzwi rake kuti uzive kuti ari kunzwa sei. Asi iva nemwoyo murefu. Pamwe ungatofanira kutanga waita kuti muteereri wako avimbe newe kuti azokuudza zviri pamwoyo pake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe