RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • th chidzidzo 17 p. 20
  • Kutaura Zvinonzwisiswa Nevanhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutaura Zvinonzwisiswa Nevanhu
  • Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinonzwisiswa Nevamwe
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Ita Kuti Vateereri Vadzidze Chimwe Chinhu
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Kutaura Nechido
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Kuita Seuri Kutaurirana Nevateereri
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
th chidzidzo 17 p. 20

CHIDZIDZO 17

Kutaura Zvinonzwisiswa Nevanhu

Rugwaro

1 VaKorinde 14:9

PFUPISO YECHIDZIDZO: Batsira vateereri kuti vanzwisise zvauri kutaura.

MAITIRWO AZVO:

  • Nyatsodzidza nyaya yauchataura. Ziva nyaya yako kuti ukwanise kuitsanangura zvakajeka nemashoko ako.

  • Taura mitsara mipfupi nezvirevo zviri nyore kunzwisisa. Hazvirambidzwi hazvo kutaura mitsara yakareba, asi paunenge uchitaura pfungwa huru shandisa zvirevo zvipfupi nemitsara mipfupi.

    Zano

    Usataura tumwe twunhu tusingakoshi tunovhiringa vateereri uye tunoita kuti vawandirwe nemashoko. Taura mashoko ari nyore pane kushandisa mashoko akaoma.

  • Tsanangura mashoko asingazivikanwi. Edza kusashandisa mashoko asingazivikanwi nevateereri. Kana kuri kuti wataura shoko risingazivikanwi, kana mumwe munhu wemuBhaibheri asingazivikanwi, kana tsika yekare kana kuti mayererwo aiitwa zvinhu kare, tsanangura kuti vanhu vazvinzwisise.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe