RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • th chidzidzo 16 p. 19
  • Taura Zvinokurudzira Uye Zvakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Taura Zvinokurudzira Uye Zvakanaka
  • Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Mashoko Akafanana
  • Kutaura Zvinobaya Mwoyo
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Zvinokurudzira uye Zvakanaka
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kutaura Nechido
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Ratidza Kubatsira Kunoita Mashoko Acho
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
th chidzidzo 16 p. 19

CHIDZIDZO 16

Taura Zvinokurudzira Uye Zvakanaka

Rugwaro

Jobho 16:5

PFUPISO YECHIDZIDZO: Nyanya kutaura nezvezvinhu zvinobatsira pakugadzirisa matambudziko uye zvinokurudzira vateereri vako.

MAITIRWO AZVO:

  • Vimba nevateereri vako. Vimba nehama dzako kuti dzinoda kufadza Jehovha. Kunyange paunenge uchivaruramisa, tanga wavarumbidza nemwoyo wese pese pazvinoita.

    Zano

    Zvaunotaura ngazvibve pakuti unovada, kwete pakuti uri kutsamwiswa nezvavanoita. Nyemwerera kuti vateereri vaone kuti unovanzwisisa uye kuti vanogona kuvimba newe.

  • Usanyanye kutaura zvinhu zvisingafadzi. Ingotaura zvinhu kana zviitiko zvisingafadzi pazvinenge zvichikubatsira kuti ubudise pfungwa inokosha. Zvizhinji zvaunotaura zvinofanira kunge zvichikurudzira.

  • Shandisa Shoko raMwari. Ratidza vateereri vako zvinhu zvakaitirwa vanhu naJehovha, zvaari kuvaitira uye zvaachavaitira. Vakurudzire uye vabatsire kuti vave netariro.

MUUSHUMIRI

Ona munhu mumwe nemumwe seanogona kuzova mushumiri waMwari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe