RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lvs chits. 14 pp. 187-199
  • Iva Akatendeseka Pazvinhu Zvese

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Akatendeseka Pazvinhu Zvese
  • Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Verenga mu“Rudo rwaMwari”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUVA AKATENDESEKA PATINOZVIONGORORA
  • KUVA AKATENDESEKA MUMHURI
  • KUVA AKATENDESEKA MUUNGANO
  • KUTENDESEKA KUVANHU VASIRI ZVAPUPU
  • KUVA AKATENDESEKA KUNOITA KUTI UKOMBORERWE
  • Iva Munhu Akatendeseka Pazvinhu Zvese
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Zvinobatsira Kuva Akatendeseka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Kutendeseka Kwakanakirei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Kutendeseka Kunorevei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Ramba Uri Murudo rwaMwari
lvs chits. 14 pp. 187-199
Hama inoramba kutarisa mifananidzo isina kukodzera kumuKristu iri kubuda pakombiyuta

CHITSAUKO 14

Iva Akatendeseka Pazvinhu Zvese

‘Tinoda kuva vakatendeseka pazvinhu zvese zvatinoita.’—VAHEBHERU 13:18.

1, 2. Jehovha anonzwa sei paanoona tichishanda nesimba kuti tive vakatendeseka?

RIMWE zuva, mumwe mukomana anofamba achibva kuchikoro uye anonhonga chikwama chakazara nemari. Achaita sei nacho? Anogona kuchitora chotoita chake. Asi panzvimbo pekudaro, anotsvaga muridzi wacho omupa. Amai vemwana uyu pavanonzwa zvaaita, vanodada naye.

2 Vabereki vakawanda vanofara vana vavo pavanoratidza kuti vakatendeseka. Baba vedu vekudenga, Jehovha, “Mwari anotaura chokwadi,” vanofara pavanoona kuti takatendeseka. (Pisarema 31:5) Tinoda kuvafadza nekuva vanhu “vakatendeseka pazvinhu zvese zvatinoita.” (VaHebheru 13:18) Ngationei kuti tingava sei vakatendeseka patinozviongorora isu pachedu, mumhuri, muungano, uye pakurarama kwatinoita. Uye tichazoona zvakanaka zvinoitika kana tikava vakatendeseka.

KUVA AKATENDESEKA PATINOZVIONGORORA

3-5. (a) Munhu angazvinyepera sei? (b) Ndezvipi zvichatibatsira kuti tizviongorore tisingazvinyeperi?

3 Kuti tisanyengedza vamwe, hatifaniri kuzvinyengedza isu pachedu. Hapasi pese pazviri nyore. Johani paakanyora bhuku raZvakazarurwa, hama dzemuungano yeRaodhikiya dzaizvinyepera kuti dzaifadza Mwari. (Zvakazarurwa 3:17) Isuwo tinogona kuzvinyepera nezvekuti tiri vanhu vakaita sei.

4 Mudzidzi ainzi Jakobho akati: “Kana munhu achifunga kuti ari kunamata Mwari asi asingadzori rurimi rwake zvakasimba, ari kunyengera mwoyo wake, uye kunamata kwake hakuna zvakunobatsira.” (Jakobho 1:26) Kunenge kuri kuzvinyengedza chaiko kufunga kuti kana tikaita zvimwe zvinhu zvakanaka uku isu tichitaura nhema uye tichirutsa mashoko, Mwari achangotifarira zvakadaro. Ndezvipi zvingatibatsira kuti tisazvinyengedza?

5 Patinozvitarisa pagirazi, tinoona zvatiri nechekunze. Patinoverenga Bhaibheri, tinoona zvatakaita nechemukati. Bhaibheri rinotibatsira kuziva patakasimba nepatisina kusimba. Tinobva taona zvatinofanira kuchinja pamafungiro edu, maitiro, nematauriro edu. (Verenga Jakobho 1:23-25.) Asi kana tikazviudza kuti tiri kugona zvese, hatizooni patinofanira kugadzirisa. Saka tinofanira kushandisa Bhaibheri kuti tinyatsozviongorora tisingazvinyengeri. (Mariro 3:40; Hagai 1:5) Kunyengetera kunotibatsirawo kuti tinyatsoona zvatiri chaizvo. Tinogona kukumbira Jehovha kuti atibatsire kuzviongorora uye atibatsire kuona patiri kukanganisa tobva tagadzirisa. (Pisarema 139:23, 24) Tinoyeuka kuti “Jehovha anosema munhu anonyengera, asi ishamwari yepedyo yevakarurama.”—Zvirevo 3:32.

KUVA AKATENDESEKA MUMHURI

6. Nei murume nemudzimai vachifanira kuva vakatendeseka kune mumwe nemumwe?

6 Zvinokosha chaizvo kuti vanhu vave vakatendese– ka mumhuri. Kana murume nemudzimai vachinyatsotaurirana zviri mumwoyo, mumwe nemumwe anovimba nemumwe wake uye havafungirane zvisizvo. Pane nzira dzakati wandei dzinoratidza kusatendeseka muwanano. Dzimwe dzacho kutamba nenyaya dzerudo nevanhu vasiri mudzimai wako kana murume wako, kuona zvinonyadzisira kana kutanga kudanana nemumwe munhu pachivande. Cherechedza zvakataurwa nemumwe munyori wepisarema: “Handishamwaridzane nevanhu vanonyengera, uye ndinotambira kure nevaya vanovanza zvavari.” (Pisarema 26:4). Kana usina kuvimbika kune mumwe wako, kunyange mupfungwa dzako, zvichakanganisa wanano yako.

Hama inoramba kutarisa mifananidzo isina kukodzera kumuKristu iri kubuda pakombiyuta

Kurumidza kuramba chero chii zvacho chinogona kukanganisa wanano yako

7, 8. Ungashandisa sei Bhaibheri kuti udzidzise vana kukosha kwekuva vanhu vakatendeseka?

7 Vana vanofanirawo kudzidza kuti kutendeseka kwakakosha. Vabereki vanogona kushandisa Bhaibheri pakudzidzisa vana vavo izvi. Rine mienzaniso yevanhu vainge vasina kutendeseka vakadai saAkani, uyo akaba, Gehazi, uyo akanyepa kuti awane mari; uye Judhasi uyo aiba mari uye akazotengesa Jesu nemasirivha 30.—Joshua 6:17-19; 7:11-25; 2 Madzimambo 5:14-16, 20-27; Mateu 26:14, 15; Johani 12:6.

8 Bhaibheri rinewo mienzaniso yakanaka yevanhu vainge vakatendeseka vakadai saJakobho, uyo akaudza vana vake kuti vadzorere mari yavainge vawana; Jefta nemwanasikana wake, avo vakaita zvavainge vavimbisa Mwari; uye Jesu uyo akaratidza kutendeseka kunyange paakanga akaomerwa. (Genesisi 43:12; Vatongi 11:30-40; Johani 18:3-11) Mienzaniso iyi inogona kubatsira vana kuti vaone kuti zvakakosha kuva vanhu vakatendeseka.

9. Kana vabereki vakava vakatendeseka zvichabatsira sei vana vavo?

9 Vabereki vanogona kudzidza chimwe chinhu chinokosha kubva pamashoko aya emuBhaibheri: “Hauzvidzidzisi here, sezvo uri iwe unodzidzisa vamwe? Iwe unoparidza kuti ‘Usaba,’ haubi here?” (VaRoma 2:21) Vana vanozvicherechedza kana vabereki vavo vachitaura zvavasingaiti. Kana tikaudza vana vedu kuti vave vakatendeseka asi isu tisina kutendeseka, zvinovavhiringidza. Kana vana vakaona kuti vabereki vavo vanonyepa kunyange pazvinhu zvidiki, vanogona kuvatevedzerawo. (Verenga Ruka 16:10.) Asiwo kana vachiona vabereki vavo vakatendeseka, zvinogona kuzovabatsirawo kuti vave vabereki vakatendeseka kana vava nevana vavowo.—Zvirevo 22:6; VaEfeso 6:4.

KUVA AKATENDESEKA MUUNGANO

10. Tingaratidza sei kuti takatendeseka patinenge tichikurukura nevamwe vaKristu?

10 Tinodawo kuva vanhu vakatendeseka kuhama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu. Zviri nyore kuti patinenge tichiita nyaya tipedzisire tava kuita makuhwa kana kutaura zvinosvibisa mazita evamwe. Kana tikapfuudza nyaya tisina kubata kuti ndeyechokwadi here, tinogona kunge tichitoparadzira nhema. Tinofanira ‘kubata muromo wedu.’ (Zvirevo 10:19) Kuva vanhu vakatendeseka hakurevi kuti tinofanira kutaura zvese zvatinofunga, zvatinoziva kana kuti zvatakanzwa. Kunyange kana zvatiri kuda kutaura zviri zvechokwadi, zvinogona kunge zvisinei nesu, kana kuti zvisina zvazvinobatsira vatiri kuudza uye zvichikanganisa watiri kutaura nezvake. (1 VaTesaronika 4:11) Vamwe vanotaura zvinorwadza vamwe vachiti: “Chokwadi hachiputsi ukama.” Asi sevanhu vaJehovha, nguva dzese tinoda kutaura mashoko akanaka anoratidza mutsa.—Verenga VaKorose 4:6.

11, 12. (a) Kusataura chokwadi kana munhu aita chivi kwakaipirei? (b) Kana shamwari yedu ikaita chivi chakakura, mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza? (c) Tingava sei vakatendeseka kusangano raJehovha?

11 Jehovha akapa vakuru basa rekubatsira ungano. Zvinovaitira nyore kutibatsira kana isu vacho tichivataurira chokwadi. Nei tichidaro? Kana uchirwara, woenda kwachiremba, ungamuvanzira zvimwe zvinhu zvauri kunzwa mumuviri wako here? Kana ukamuvanzira, angakubatsira sei? Zvakangofanana nepatinoita chivi chakakura. Hatifaniri kunyepa nezvenyaya yacho. Tinofanira kuenda kuvakuru tovaudza chokwadi chese. (Pisarema 12:2; Mabasa 5:1-11) Iye zvino chimbofunga nezvenyaya yakati siyanei neiyi: Ko kana ukaziva kuti shamwari yako yakaita chivi chakakura? (Revhitiko 5:1) Ungati here: “Sezvo ndiri shamwari yake yechokwadi, handisi kuzoudza mumwe munhu”? Kana kuti uchayeuka here kuti vakuru varipo kuti vamubatsire kuti agadzirise uye asimbise ushamwari hwake naJehovha?—VaHebheru 13:17; Jakobho 5:14, 15.

12 Tinodawo kuva vakatendeseka musangano raJehovha patinonyora zvinhu zvakadai sebasa ratinenge takaita muushumiri. Uyewo tinoda kuva vakatendeseka patinonyora fomu rekukumbira kuva piyona kana rekuita rimwewo basa musangano raMwari.—Verenga Zvirevo 6:16-19.

13. Tingaratidza sei kuti takatendeseka patinoita zvebhizinesi nevamwe vaKristu?

13 Hama nehanzvadzi dzechiKristu hadzifaniri kusanganisa nyaya dzebhizinesi nekunamata. Hatiite zvebhizinesi paImba yeUmambo kana kuti muushumiri. Uye hatidi kubatirira hama dzedu kana hanzvadzi panyaya dzebhizinesi. Kana uchishandirwa neZvapupu, bhadhara vashandi panguva, vape mari yamakawirirana, uye vaitire zvinonzi nemutemo vashandi vanofanira kuitirwa. Izvi zvingasanganisira inishuwarenzi yekurapwa uye mazuva ekuzorora. (1 Timoti 5:18; Jakobho 5:1-4) Uye kana uchishandira Chapupu, usatarisire kuti ubatwe zvakasiyana nevamwe. (VaEfeso 6:5-8) Iva nechokwadi kuti unoshanda nguva yamakawirirana uye unoita basa rauri kubhadharirwa.—2 VaTesaronika 3:10.

14. VaKristu vanofanira kuita sei vasati vapinda mubhizinesi pamwe chete?

14 Ko kana tichida kuita zvinhu zvine chekuita nemari neimwe hama kana hanzvadzi? Izvi zvingasanganisira kuisa mari mubhizinesi rimwe chete kana kupanana chikwereti chekuitisa bhizinesi. Panyaya dzakadai pane pfungwa iri muBhaibheri inoshanda zvikuru: Nyoreranai pasi! Muprofita Jeremiya paakatenga munda, akanyora zvibvumirano zviviri, akaita kuti chimwe chacho chisainwe nezvapupu, ndokubva azvichengeta zviri zviviri kuti zvizoshandiswa mune ramangwana. (Jeremiya 32:9-12; onawo Genesisi 23:16-20.) Vamwe vanofunga kuti kana vakanyora chibvumirano vanozoita sevasiri kuvimba nehama yavo. Asi chokwadi ndechekuti kunyorerana chibvumirano kunoita kuti musazobatisana pasi uye musatadza kunzwisisana. Kunyange munyaya dzebhizinesi, yeuka kuti rugare rweungano runokosha kupfuura chero bhizinesi ripi zvaro.—1 VaKorinde 6:1-8; ona Mamwe Mashoko 30.

KUTENDESEKA KUVANHU VASIRI ZVAPUPU

15. Jehovha anoona sei kusatendeseka panyaya dzekutengeserana?

15 Tinofanira kuva vakatendeseka kuvanhu vese, kusanganisira vasiri Zvapupu zvaJehovha. Jehovha anoda kuti tive vakatendeseka. “Chikero chinobiridzira chinosemesa Jehovha, asi chiyero chakarurama chinomufadza.” (Zvirevo 11:1; 20:10, 23) Munguva dzainyorwa Bhaibheri, zvikero zvaiwanzoshandiswa pakutengeserana. Asi vamwe vaibiridzira vatengi vavo vachivapa zvinhu zvishoma pane zvavainge vabvumirana kana kuvaita kuti vabhadhare mari yakawandisa kupfuura yavaifanira kubhadhara. Nhasi uno vanhu vakawanda havana kutendeseka sezvaingoitika kare ikako. Uye mavengero aiita Jehovha kusatendeseka panguva iyoyo ndiwo aachiri kuita nanhasi.

16, 17. Ndepapi patinofanira kuratidza kuti takatendeseka?

16 Tese tinosangana nemamiriro ezvinhu anogona kutipinza mumuedzo wekusava vakatendeseka, sepatinenge tichitsvaga basa, tichinyora mafomu ehurumende, kana kuti tichinyora bvunzo kuchikoro. Vakawanda vanofunga kuti hapana chakaipa nekunyepa, kuwedzeredza, kana kuti kupa mhinduro dzisiri dzechokwadi kuti vawane zvavanoda. Izvi hazvitishamisi nekuti Bhaibheri rakatogara rataura kuti mumazuva ekupedzisira, vanhu vaizova “vanozvida, vanoda mari, . . . vasingadi zvakanaka.”—2 Timoti 3:1-5.

17 Dzimwe nguva tingaona sekuti vanhu vasina kutendeseka vari kubudirira munyika. (Pisarema 73:1-8) MuKristu anogona kurasikirwa nebasa rake, kubiridzirwa mari, kana kubatwa zvisina kunaka kubasa nekuti akatendeseka. Asi kuva akatendeseka kune makomborero akawanda. Nei tichidaro?

KUVA AKATENDESEKA KUNOITA KUTI UKOMBORERWE

18. Nei zvichikosha kuzivikanwa semunhu akatendeseka?

18 Kuzivikanwa semunhu akatendeseka, uye anovimbwa naye chinhu chakanaka zvikuru munyika ino izere nevanhu vasina kutendeseka. Mumwe nemumwe wedu ane mukana wekuita zvinhu zvichaita kuti azivikanwe semunhu akatendeseka. (Mika 7:2) Vamwe vanhu vanogona kukuseka kana kukuona sewakapusa nekuti wakatendeseka. Asi vamwe vachafarira chaizvo kutendeseka kwako uye vachavimba newe. Pasi rese, Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nekuva vanhu vakatendeseka. Vamwe vanhu vanofarira kupinza Zvapupu mabasa nekuti vanoziva kuti zvakatendeseka. Uye Zvapupu zvinowanzosiyiwa panodzingwa vamwe mabasa nenyaya dzekusatendeseka.

Hanzvadzi iri kushanda nesimba pasinei nekuti vamwe vainoshanda navo havasi

Tinogona kukudza Jehovha kuburikidza nekushanda kwatinoita nesimba

19. Kuva akatendeseka kuchaita kuti uve neushamwari hwakadini naJehovha?

19 Kuva akatendeseka muzvinhu zvese kuchaita kuti uve nehana yakanaka uye uve nerugare mupfungwa. Tinogona kufanana naPauro uyo akanyora kuti: “Tinovimba kuti tine hana yakatendeseka.” (VaHebheru 13:18) Chinotonyanya kukosha ndechekuti Baba vako vane rudo, Jehovha, vachaona uye vachafara nekushanda kwaunoita nesimba kuti uve akatendeseka muzvinhu zvese.—Verenga Pisarema 15:1, 2; Zvirevo 22:1.

CHOKWADI CHIRI MUBHAIBHERI

1 TIRI KURARAMA MUNYIKA INE VANHU VASINA KUTENDESEKA

“Vanotaurirana nhema . . . vanotaura nemwoyo inonyengera.”​ —Pisarema 12:2

Ndezvipi zvingatibatsira kuti tisazvinyepera patinozviongorora?

  • Pisarema 31:5; VaHebheru 13:18

    Jehovha anoda kuti tisazvinyepera patinozviongorora uye tive vakatendeseka kune vamwe.

  • Pisarema 139:23, 24; Jakobho 1:23-25

    Kunyengetera uye kuverenga Bhaibheri zvinogona kutibatsira kuti tinyatsoona zvatiri, tochinja maererano nezvatinenge taona.

2 KUVA VAKATENDESEKA MUMHURI KUNOITA KUTI TIBATANE UYE TIGARISANE ZVAKANAKA

“Handishamwaridzane nevanhu vanonyengera.”​—Pisarema 26:4

Nei zvakakosha kuva vakatendeseka mumhuri?

  • Zvirevo 6:16-19

    Kuva vakatendeseka mumhuri kunoita kuti vanhu vavimbane. Vanhu vemumhuri vanofanira kuva vakatendeseka kune mumwe nemumwe, kunyange pazvinenge zvakaoma.

  • Zvirevo 22:6; VaEfeso 6:4

    Vana pavanoona kuti vabereki vavo vakatendeseka, zvinobva zvava nyore kuti ivo vavewo vakatendeseka.

3 KUVA VAKATENDESEKA KUNOBATSIRA UNGANO

“Jehovha anosema munhu anonyengera, asi ishamwari yepedyo yevakarurama.”—Zvirevo 3:32

Nei zvichikosha kuti tive vakatendeseka kuhama dzedu nehanzvadzi dzemuungano?

  • Zvirevo 10:19; VaKorose 4:6

    Tinofanira kutaura chokwadi nguva dzese, asi mashoko edu anofanira kuratidza kuti tine mutsa.

  • Revhitiko 5:1; VaHebheru 13:17; Jakobho 5:14, 15

    Kana tikaudza vakuru veungano chokwadi, vachakwanisa kutibatsira.

  • Jeremiya 32:9-12; VaEfeso 6:5-8

    Kana tichiita bhizinesi nehama nehanzvadzi dzedu, tinofanira kuva vakatendeseka, tinofanira kuvabata zvakanaka, uye tinofanira kuita zvatinenge tawirirana.

4 KUVA VAKATENDESEKA KUNOTIBATSIRA NGUVA DZESE

“Zita rakanaka rinofanira kusarudzwa panzvimbo pepfuma zhinji.”​—Zvirevo 22:1

Ndepapi pamwe patinoda kuva vakatendeseka muupenyu hwedu?

  • Pisarema 37:21; Mateu 22:17-21; VaRoma 13:1-7; VaEfeso 4:25, 28

    Tinoda kuva vakatendeseka kumunhu watinoshandira, kuvanhu vatinoita navo zvebhizinesi, patinenge tichinyora bvunzo, uye patinenge tichinyora mafomu, akadai seemitero kana kuti mamwewo ehurumende.

Nei kutendeseka kuchikosha kupfuura pfuma?

  • Pisarema 15:1, 2; Zvirevo 11:1; 1 Timoti 6:9, 10

    Kuzivikanwa semunhu akatendeseka uye anovimbwa naye chinhu chakanaka zvikuru. Kutendeseka kunoita kuti uve nehana yakanaka. Jehovha anokoshesa zvese zvatinoedza kuita kuti tive vakatendeseka.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe