RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 7 p. 24-p. 25 ndim. 1
  • Shongwe yeBhabheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shongwe yeBhabheri
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Vanhu Vanovaka Zishongwe
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mitauro Yedu Yakabva pa“Rusvingo rweBhabheri” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Shongwe Yazvino yeBhabheri Here?
    Mukai!—1988
  • Areka yaNoa
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 7 p. 24-p. 25 ndim. 1
Jehovha paakavhiringidza mitauro yavo, vanhu vakanga vasingachakwanisi kushanda pamwe chete paShongwe yeBhabheri

CHIDZIDZO 7

Shongwe yeBhabheri

Mafashamo apera, vana vaNoa nemadzimai avo vakava nevana vakawanda. Mhuri dzavo dzakaramba dzichikura zvekuti vanhu vakatanga kupararira kwese kwese panyika sezvavakanga vaudzwa naJehovha kuti vaite.

Asi dzimwe mhuri hadzina kuteerera Jehovha. Vakati: ‘Ngativakei guta tirambe tichigara pano. Tichavaka shongwe yakareba kusvika kudenga chaiko. Uye tichabva tava nemukurumbira.’

Jehovha haana kufarira zvaiitwa nevanhu ivavo, saka akafunga kuvamisa. Unoziva here kuti akavamisa sei? Akabva aita kuti vatange kutaura mitauro yakasiyana. Sezvo vakanga vasingachakwanisi kunzwanana, vakabva vasiya basa racho rekuvaka. Guta ravaivaka rakazopiwa zita rekuti Bhabheri, zvinoreva kuti “Kuvhiringidzika.” Vanhu vakatanga kubva ipapo vachienda kunogara kwakasiyana-siyana panyika yese. Asi vakaramba vachiita zvinhu zvakaipa kunzvimbo idzodzo dzavakanga vaenda kunogara. Paivawo nevamwe vakanga vachiri kuda Jehovha here? Tichaona muchitsauko chinotevera.

“Munhu wese anozvikwidziridza achanyadziswa, asi munhu wese anozvininipisa achakwidziridzwa.”—Ruka 18:14

Mibvunzo: Zvii zvakaitwa nevanhu vekuBhabheri? Jehovha akavamisa sei?

Genesisi 11:1-9

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe