RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 12
  • Vanhu Vanovaka Zishongwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu Vanovaka Zishongwe
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Havana Kuzviitira Zita Rakakurumbira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Shongwe yeBhabheri
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mitauro Yedu Yakabva pa“Rusvingo rweBhabheri” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 12
Vanhu vari kuvaka vari kutaura mitauro yakasiyana-siyana vachitadza kunzwanana

NHAU 12

Vanhu Vanovaka Zishongwe

MAKORE mazhinji akapfuura. Vana vaNoa vakava navana vazhinji. Uye vana vavo vakakura ndokuva navana vakawanda. Nokukurumidza pasi pano pakava navanhu vazhinji.

Mumwe waava vanhu aiva muzukuru chibvi waNoa ainzi Nimrodhi. Aiva munhu akaipa aivhima uye aiuraya zvose mhuka navanhu. Nimrodhi akazviitawo mambo wokubata ushe pavamwe vanhu. Mwari haana kuda Nimrodhi.

Shongwe yeBhabheri

Vanhu vose panguvayo vaitaura mutauro mumwe. Nimrodhi aida kuti vose vagare pamwe chete kuti agovabata ushe. Zvino unoziva here chaakaita? Akaudza vanhu kuvaka guta nezishongwe mariri. Vaone mumufananidzo vachiita zvidhina.

Jehovha Mwari haana kufadzwa neichi chivako. Mwari aida kuti vanhu vatamire kure ndokugara pasi pose. Asi vanhu vakati: ‘Uyai! ngativakei guta neshongwe refu kwazvo zvokuti chiruvi chayo chigopinda mumatenga. Ipapo tichakurumbira!’ Vanhu vaida rukudzwo rwavo vamene, kwete rwaMwari.

Zvino Mwari akamisa vanhu kuvaka shongwe. Unoziva here kuti akakuita sei? Nokusakisa kamwe kamwe vanhu kutaura mitauro yakasianasiana, panzvimbo pomumwe bedzi. Vavaki havana kuzonzwisisanazve. Ndokusaka guta ravo rakazonzi Bhabheri, kana Bhabhironi, kureva “vhiringidziko.”

Zvino vanhu vakavamba kuenda kure neBhabheri. Mapoka avanhu vaitaura mutauro mumwewo akaenda kundogara pamwe chete mumamwe mativi apasi.

Genesisi 10:1, 8-10; 11:1-9.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe