RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • od chits. 7 pp. 59-70
  • Misangano Inotikurudzira “Kuva Nerudo Uye Kuita Mabasa Akanaka”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Inotikurudzira “Kuva Nerudo Uye Kuita Mabasa Akanaka”
  • Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MISANGANO YEUNGANO
  • MUSANGANO WEPAKUPERA KWEVHIKI
  • MUSANGANO WEPAKATI PEVHIKI
  • MISANGANO YEBASA REMUMUNDA
  • MAITIRWO EMISANGANO
  • MUUNGANO ITSVA KANA KUTI DIKI
  • MAGUNGANO EDUNHU
  • MAGUNGANO EMUNHARAUNDA
  • KUDYA KWASHE KWEMANHERU
  • Unokokwa Noushamwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Kuva Nemisangano Yebasa Romumunda Inobatsira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Batsirwa Zvizere Nemisangano Yebasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Misangano Nokuda Kwokunamata, Murayiridzo, Uye Kurudziro
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
od chits. 7 pp. 59-70

CHITSAUKO 7

Misangano Inotikurudzira “Kuva Nerudo Uye Kuita Mabasa Akanaka”

KUBVA kare nakare, vanhu vaJehovha vaiungana zvakarongeka. Kana vari vaIsraeri, varume vese vaienda kuJerusarema katatu pagore kumitambo mikuru. (Dheut. 16:16) Kubva pakatanga chiKristu, vaKristu vaigara vachiungana pamwe chete mudzimba dzevamwe vavo. (Fir. 1, 2) Mazuva ano tinoungana pamisangano nepamagungano. Nei vashumiri vaMwari vachiungana? Nemhaka yekuti kuungana kwakadaro kunokosha pakunamata kwedu.—Pis. 95:6; VaK. 3:16.

2 Vaya vanopinda misangano vanobatsirwawo nayo. VaIsraeri pavaizoita Mutambo weMatumba wechi7 wega wega, vakaudzwa kuti: ‘Vaunganidze vanhu, varume, vakadzi, vana, nemutorwa ari mukati memaguta avo, kuti vateerere, vadzidze nezvaJehovha Mwari wavo uye vamutye, vonyatsotevedzera mashoko ese eMutemo.’ (Dheut. 31:12) Chikonzero chinokosha pakuungana ndechekuti ‘tidzidziswe naJehovha.’ (Isa. 54:13) Tinowanawo mukana wekuzivana, wekukurudzirana uye wekusimbisana.

MISANGANO YEUNGANO

3 Vadzidzi vakanga vakaungana Pendekosti ya33 C.E. yapera, vainge vakazvipira kune zvaidzidziswa nevaapostora, uye “vainge vari patemberi zuva rimwe nerimwe nechinangwa chimwe.” (Mab. 2:42, 46) Pave paya, vaKristu pavaiungana kuti vanamate, vaiverenga zvinyorwa zvakafemerwa, zvaisanganisira tsamba dzainge dzanyorwa nevaapostora nevamwe vadzidzi vechiKristu. (1 VaK. 1:1, 2; VaK. 4:16; 1 VaT. 1:1; Jak. 1:1) Vainyengeterawo seungano. (Mab. 4:24-29; 20:36) Dzimwe nguva mamishinari airondedzera zvaaisangana nazvo muushumiri. (Mab. 11:5-18; 14:27, 28) Vaikurukura dzidziso dzeBhaibheri uye kuzadzika kweuprofita. Paipiwawo mirayiridzo ine chekuita nemararamiro echiKristu uye kuzvipira kuna Mwari. Vese vaikurudzirwa kuti vashingaire kuita basa rekuparidza.—VaR. 10:9, 10; 1 VaK. 11:23-26; 15:58; VaEf. 5:1-33.

Mumazuva ano ekupedzisira akaoma, tinofanira kugara tichikurudzirana patinoungana

4 Mazuva ano, maitiro atinoita misangano yechiKristu akafanana neaingoitwa nevaapostora. Tinoteerera murayiridzo uri pana VaHebheru 10:24, 25 unoti: “Ngativei nehanya nemumwe nemumwe . . . , tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, zvikurukuru muchiona zuva richiswedera kudai.” Mumazuva ano ekupedzisira akaoma, tinofanira kugara tichikurudzirana patinoungana kuti tirambe takavimbika uye takasimba pakunamata. (VaR. 1:11, 12) Tiri kurarama munyika ine vanhu vanoita zvakaipa. Takaramba zvishuwo zvenyika uye hatidi kuita zvinhu zvisingadiwi naMwari. (VaF. 2:15, 16; Tito 2:12-14) Pane kumwe here kwatingaenda kunze kwekuva musangano raJehovha? (Pis. 84:10) Chiizve chimwe chinogona kutibatsira kupfuura kudzidza uye kukurukura Shoko raMwari? Ngationei misangano yakasiyana-siyana yakarongwa kuti tibatsirwe.

MUSANGANO WEPAKUPERA KWEVHIKI

5 Chikamu chekutanga chemusangano wepakupera kwevhiki ihurukuro yeBhaibheri inobatsira munhu wese pakunamata uye vamwe vacho kanenge kari kekutanga kuuya zuva iroro.—Mab. 18:4; 19:9, 10.

6 Kristu Jesu, vaapostora vake, neshamwari dzavo vaipawo hurukuro idzi sezvinongoitwawo nevanhu vaJehovha nhasi. Kutaura chokwadi, pasi rese hapana munhu anogona kukurukura kupfuura Jesu. Vamwe vakanzwa achitaura vakati: “Hakuna munhu akambotaura zvakadai.” (Joh. 7:46) Jesu aitaura zvine chiremera, uye vanhu vaishamiswa nemadzidzisiro ake. (Mat. 7:28, 29) Vaya vainyatsoteerera zvaaitaura vaibatsirwa zvikuru. (Mat. 13:16, 17) Vaapostora vakatevedzera zvaaiita. Pana Mabasa 2:14-36, panotaura nezvehurukuro yakapiwa naPetro paPendekosti ya33 C.E. iyo yakabaya mwoyo yevanhu. Zviuru zvevanhu zvakatendeuka pashure pekunzwa hurukuro yacho. Vamwe vanhu vakazova vatendi pashure pekunzwa hurukuro yaPauro ari muAtene.—Mab. 17:22-34.

7 Mazuva ano, vakawanda vanobatsirwawo nehurukuro dzinopiwa vhiki rimwe nerimwe muungano uye pamagungano. Hurukuro dzakadai dzinotibatsira kuti tirambe tichiyeuka dzidziso dzechiKristu uye tirambe takatsiga mubasa reUmambo. Tikakoka vanhu vanofarira, zvichavabatsira kuti vazive zvinhu zvinokosha zvinodzidziswa neBhaibheri.

8 Hurukuro idzi dzinenge dzichitaura nyaya dzakasiyana-siyana. Dzinotaura nezvedzidziso uye uprofita hweBhaibheri, mazano ari muMagwaro anobatsira mumhuri uye muwanano, zvinhu zvinosangana nevechidiki, uye tsika dzechiKristu. Dzimwe dzacho dzinotaura nezvezvinhu zvinoshamisa zvakasikwa naJehovha. Dzimwe dzinotaura nezvevanhu vemuBhaibheri vaiva nekutenda, neushingi, uye vakaperera kuna Mwari. Tinodzidzawo kuti tingatevedzera sei vanhu ivavo.

9 Kuti tibatsirwe nadzo, zvinokosha kuti tinyatsoteerera, kana tanzi nemukurukuri tivhure magwaro tovhurawo, tofambirana naye paanenge achiaverenga uye achiatsanangura. (Ruka 8:18) Kana tikanzwisisa zvinenge zvichikurukurwa, zvichaita kuti tide kuzvishandisa.—1 VaT. 5:21.

10 Kana ungano iine vakurukuri vakawanda, hurukuro yavose ichapiwa vhiki rimwe nerimwe. Dzimwe nguva panova nevakurukuri vanobva kune dzimwe ungano. Asi kana muungano musina vakurukuri vakawanda, hurukuro idzi dzinopiwa pazvinenge zvichiita.

11 Chikamu chechipiri chemusangano wepakupera kwevhiki Chidzidzo cheNharireyomurindi. Pachidzidzo chacho panobvunzwa mibvunzo vanhu vopindura. Jehovha anoshandisa Nharireyomurindi kuti tirambe tichiwana zvekudya zvine chekuita nekunamata zvinoenderana nenguva.

12 Nyaya dzekudzidza dzinonyanya kutaura nezvemashandisiro atingaita mazano eBhaibheri muupenyu. Dzinosimbisa vaKristu kuti vasakanganiswa ‘nemweya wenyika’ uye nemaitiro asina kuchena. (1 VaK. 2:12) MuNharireyomurindi ndimo matinowana kujekeswa kwedzidziso dzemuBhaibheri neuprofita, zvoita kuti tese tirambe tichifambirana nechokwadi uye tiri munzira yakarurama. (Pis. 97:11; Zvir. 4:18) Kupinda Chidzidzo cheNharireyomurindi uye kupindurawo kunosimbisa tariro yedu yekurarama munyika itsva yaJehovha yakarurama. (VaR. 12:12; 2 Pet. 3:13) Kuwadzana kwedu kwechiKristu kunotibatsira kuti tive nechibereko chemweya tosimbisa chido chedu chekushingaira pakushumira Jehovha. (VaG. 5:22, 23) Tinosimbiswa kuti titsungirire matambudziko uye kuti tivake “faundesheni yakanaka yeramangwana” kuitira kuti ‘tibatisise upenyu chaihwo.’—1 Tim. 6:19; 1 Pet. 1:6, 7.

13 Zvii zvatingaita kuti tinyatsobatsirwa neurongwa uhwu hwekunamata? Semhuri kana kuti tiri tega, tinofanira kugadzirira chidzidzo chacho pachine nguva, kuverengawo magwaro anenge arimo, uye kuzopindurawo tisingaiti zvekuverenga patinenge tava pamusangano. Izvi zvichaita kuti chokwadi chinyatsosvika pamwoyo pedu, uye patichapindura tichiratidza kutenda kwedu, zvichabva zvabatsira vanenge vachiteerera. Kana tikanyatsoteerera mhinduro dzevamwe, tichabatsirwa nechidzidzo chacho vhiki rimwe nerimwe.

MUSANGANO WEPAKATI PEVHIKI

14 Ungano inosangana vhiki rimwe nerimwe paImba yeUmambo ichiita musangano unonzi Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu. Musangano uyu une zvikamu zvitatu zvinotibatsira kuti “tinonyatsokodzera” sevashumiri vaMwari. (2 VaK. 3:5, 6) Mwedzi nemwedzi pachange pachibudiswa Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa. Purogiramu iyi inenge iinewo mharidzo dzekuenzanisira dzekuti munhu ashandise muushumiri.

15 Chikamu chekutanga chemusangano uyu chinonzi Pfuma Iri muShoko raMwari. Chinotibatsira kuti tinzwisise zvaiitika painyorwa nyaya dzeBhaibheri, zvakaita kuti nyaya dzacho dzinyorwe uye zvidzidzo zvatinowana. Musangano wacho unosanganisira hurukuro, kuverenga uye kukurukurirana. Zvese zvichange zvichibva muzvitsauko zveBhaibheri zviri kuverengwa vhiki iroro. Purogiramu iyi ichange iinewo zvinhu zvakadai semapikicha, machati nemapepa ekunyorera zvinobatsira pakudzidza nyaya dziri muBhaibheri. Kuongorora Bhaibheri uku zvakadzama kunotibatsira muupenyu hwedu uye pakudzidzisa, kuitira kuti ‘tive nyanzvi, tiine zvese zvatinoda pakuita mabasa ese akanaka.’—2 Tim. 3:16, 17.

16 Chikamu chechipiri chemusangano uyu chinonzi Shanda Nesimba Muushumiri, uye chakagadzirirwa kutidzidzisa basa reushumiri uye kuvandudza unyanzvi hwedu hwekuparidza nekudzidzisa. Kuwedzera pahurukuro dzevadzidzi, panewo mavhidhiyo emharidzo dzekuenzanisira anoratidzwa ungano. Chikamu ichi chinotibatsira kuti tive ‘nerurimi rwevaya vakadzidziswa’ kuitira kuti ‘tizive mapinduriro atinofanira kuita munhu akaneta neshoko rakakodzera.’—Isa. 50:4.

17 Chikamu chechitatu chinonzi Kurarama kwechiKristu, uye chinoratidza mashandisiro atingaita zvinotaurwa neBhaibheri pakurarama kwezuva nezuva. (Pis. 119:105) Pachikamu ichi ndipo patinoita Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano. Pachidzidzo ichi panobvunzwa mibvunzo vanhu vachipindura sezvatinongoita paChidzidzo cheNharireyomurindi.

18 Mwedzi mumwe nemumwe patinowana Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa, murongi mudare revakuru kana kuti mumwe mukuru anomubatsira, anonyatsoiongorora kuti aronge kuti ndivanaani vachaita zvikamu zvacho. Vhiki rimwe nerimwe, mukuru anogona kudzidzisa uye anenge asarudzwa nedare revakuru, ndiye achava sachigaro wemusangano wacho. Mabasa ake anosanganisira kuona kuti musangano wacho watanga uye wapera nenguva, uye kurumbidza nekupa zano vadzidzi.

19 Tinofanira kugadzirira musangano uyu nguva dzese, toupinda uye tovawo nezvatinoita pamusangano wacho. Izvi zvichaita kuti tiwedzere ruzivo rwedu rweMagwaro, toona mashandisiro atingaita zvinodzidziswa neBhaibheri, tova nechivimbo pakuparidza mashoko akanaka uye towedzera unyanzvi hwedu pakuita kuti vanhu vave vadzidzi. Vaya vasati vabhabhatidzwa vanobatsirwawo nekuwadzana uye kukurudzirana mune zvekunamata kunoitwa pamusangano uyu. Unogona kushandisa Watchtower Library, JW Library®, RAIBHURARI YEPAINDANETI™ yeWatchtower (kana zvichiwanika mumutauro wako) uye raibhurari yepaImba yeUmambo pakugadzirira musangano uyu nemimwe. Raibhurari yepaImba yeUmambo ine mabhuku eZvapupu zvaJehovha akadai seWatch Tower Publications Index, kana kuti Bhuku Rinobatsira Zvapupu zvaJehovha Pakutsvakurudza uyewo shanduro dzeBhaibheri dzakasiyana-siyana, konikodhenzi, duramazwi nemamwewo mabhuku anobatsira pakutsvakurudza. Munhu wese akasununguka kushandisa raibhurari iyi misangano isati yatanga kana kuti yapera.

MISANGANO YEBASA REMUMUNDA

20 Mukati mevhiki uye pakupera kwevhiki vaparidzi vanoungana kuti vaite musangano webasa mupfupi vasati vaenda kunoparidza. Misangano iyi inoitirwa mudzimba kana kuti munzvimbo inenge iri pedyo. Imba yeUmambo inogona kushandiswawo pakuitira misangano iyi. Kuva nemapoka madiki munzvimbo dzakasiyana-siyana kunobatsira kuti vaparidzi vasafamba zvakanyanya kuenda kunoungana nevamwe uye kuenda kwavachange vachizoparidza. Zvichaitawo kuti vaparidzi vakurumidze kurongwa vobva vatoenda kunoparidza. Izvi zvinobatsirawo mutariri weboka kuti anyatsotarisira vanenge vari muboka rake. Kunyange zvazvo zvichibatsira kuti mapoka aunganire munzvimbo dzakasiyana-siyana, dzimwe nguva zvakanaka kuti mapoka maviri kana matatu abatane. Semuenzaniso, kana vaparidzi vashoma vachizoenda kunoparidza mukati mevhiki, mapoka maviri kana matatu anogona kubatana kana kuti ungano yese younganira paImba yeUmambo kana kuti pane imwe nzvimbo inoita. Izvi zvichaita kuti vaparidzi vawane mumwe wekushanda naye. Kana zvichiita, ungano yese inogonawo kuungana paImba yeUmambo pamazororo enyika. Kana kuti inogona kuita musangano webasa pavanenge vapedza Chidzidzo cheNharireyomurindi.

21 Kana mapoka achiungana kwawo ega, mutariri weboka ndiye anoitisa musangano webasa. Dzimwe nguva mutariri weboka anogona kukumbira mubatsiri wake kana kuti imwe hama yakakodzera kuti iitise musangano uyu. Anoitisa musangano wacho achakurukura mazano anobatsira uye anoshanda pakuparidza. Acharonga kuti vanhu vachafamba sei uye oita kuti imwe hama inyengetere. Kana zvadaro boka rinofanira kubva ratoenda kunoparidza. Musangano uyu unofanira kuita maminitsi 5 kusvika ku7 asi kana uchizoitwa kana musangano weungano wapera, unofanira kuva mupfupi. Vachaitisa musangano uyu vanofanira kukurudzira, kupa mazano anoshandisika, uye mirayiridzo yemaitirwo ebasa racho. Vatsva kana kuti vanenge vachida kubatsirwa vanogona kunzi vaende nevaparidzi vagara nebasa kuti vazobatsirwa.

MAITIRWO EMISANGANO

MUUNGANO ITSVA KANA KUTI DIKI

22 Ungano dziri kuramba dzichiwanda pamusana pekuwedzera kuri kuita vadzidzi. Kazhinji kacho mutariri wedunhu ndiye anotumira kuhofisi yebazi mafomu ekuti patangwe ungano. Mune dzimwe nzvimbo, zvingava zvakanaka kuti mapoka madiki abatane neungano iri pedyo.

23 Dzimwe nguva ungano diki dzinogona kunge dzichingova nehanzvadzi chete. Pakadaro, hanzvadzi inofanira kuita zvinotaurwa neMagwaro zvekufukidza musoro wayo painonyengetera kana kuti painoitisa misangano. (1 VaK. 11:3-16) Kakawanda kacho, ichange yakagara pasi yakatarisana nevateereri. Hanzvadzi hadzifaniri kupa hurukuro dzakamira. Dzinofanira kuverenga mashoko acho dzotaura mashandiro awo, uye dzimwe nguva dzinogona kuita zvekukurukurirana nevateereri kana kuti kuita muenzaniso. Hofisi yebazi ichaita kuti hanzvadzi imwe chete ione nezvematsamba anobva kuhofisi uye itarisire misangano. Kana pakazova nehama inokwanisa ndiyo inenge yava kuita mabasa aya.

MAGUNGANO EDUNHU

24 Gore negore panoitwa urongwa hwekuti ungano dzinenge dziri mudunhu rimwe chete dziite magungano maviri ezuva rimwe chete. Nguva idzi dzinonakidza dzinoita kuti wese anenge aripo awadzane nehama dzatinonamata nadzo. (2 VaK. 6:11-13) Sangano raJehovha rinosarudza kuti ndeupi uchange uri musoro wegungano uye kuti ndezvipi zvichakurukurwa. Panenge paine hurukuro, mienzaniso, vanoenzanisira semaitikiro azvakaita, vanoenzanisira vachitaura vari vega, uye vanobvunzwa. Mazano aya anobatsira dunhu racho nevese vanenge varipo. Pamagungano aya, ndipo panobhabhatidzwawo vadzidzi vatsva vachiratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha.

MAGUNGANO EMUNHARAUNDA

25 Magungano aya anowanzoitwa mazuva matatu kamwe chete pagore uye anosanganisira ungano dzemumatunhu akawanda. Mapazi madiki anogona kuita kuti ungano dzese dzavanotarisira dziite gungano panzvimbo imwe chete. Mune dzimwe nyika, marongerwo ezvinhu anogona kusiyana pamusana pezvimwe zvikonzero kana kuti mirayiridzo inobva kusangano. Dzimwe nguva mune dzimwe nyika munoitwa magungano enyika dzakawanda kana kuti magungano makuru emunharaunda uye Zvapupu zvakawanda zvinobva kune dzimwe nyika zvinouya. Kwemakore, vakawanda vakanzwa mashoko akanaka eUmambo zvichibva pakushambadzirwa kwemagungano makuru aya.

26 Magungano aya inguva yekuti vashumiri vaJehovha vanakidzwe vachikurudzirana. Ndiwozve mukana wekujekeserwa manzwisisiro edu nyaya dzekunamata. Pane mamwe magungano panobudiswa mabhuku matsva nezvimwewo zvekushandisa semunhu mumwe nemumwe uye seungano kana kuti pakuparidza. Ndiyozve nguva yekuti vadzidzi vatsva vabhabhatidzwe. Magungano ndiyo nguva yekusimbiswa pakunamata. Anoratidza kuti vanhu vaJehovha vanhu vakabatana pasinei nekuti vanobva munyika dzakasiyana-siyana. Anoratidzawo rudo rwatiinarwo urwo runofanira kuva nevadzidzi vaJesu Kristu.—Joh. 13:35.

27 Kupinda kwatinoita misangano yeungano nemagungano kunotibatsira kuti tirambe tichiita zvinodiwa naJehovha. Tinodzivirirwawo pamafungiro akaipa ari munyika anogona kukanganisa kutenda kwedu. Kuungana uku kunoita kuti Jehovha akudzwe uye arumbidzwe. (Pis. 35:18; Zvir. 14:28) Tinoda kumutenda nekutipa mikana yakadai yekuti tisimbiswe pakunamata mumazuva ano ekupedzisira.

KUDYA KWASHE KWEMANHERU

28 Kamwe chete pagore, ungano dzeZvapupu zvaJehovha pasi rese dzinoungana kuti dziyeuke zuva rekufa kwaJesu Kristu kana kuti Kudya kwaShe Kwemanheru. (1 VaK. 11:20, 23, 24) Uyu ndiwo musangano unonyanya kukosha pagore kuvanhu vaJehovha. Utori murayiro kuti tinofanira kuyeuka Chirangaridzo.—Ruka 22:19.

29 Musi weChirangaridzo unoenderana nemusi waiitwa Paseka muBhaibheri. (Eks. 12:2, 6; Mat. 26:17, 20, 26) Paseka waiva mutambo waiitwa gore negore wekupemberera kubuda kwevaIsraeri muIjipiti muna 1513 B.C.E. Panguva iyoyo, Jehovha akavaudza kuti pazuva rechi14 mumwedzi wekutanga vaizofanira kudya gwayana rePaseka vobuda muIjipiti mavaiva varanda. (Eks. 12:1-51) Musi uyu unowanikwa nekuverenga mazuva 13 kubva panogara mwedzi kuJerusarema.

30 Pana Mateu 26:26-28 Jesu anotaura zvinofanira kuitwa pakuyeuka zuva rekufa kwake. Pachiitiko ichi panoshandiswa chingwa newaini zvinofananidzira muviri neropa raJesu uye chinodyiwa nekunwiwa nevaya vachanotonga naye muUmambo kudenga. (Ruka 22:28-30) Asi ruzhinji rwevaKristu nevamwewo vanhu vanofarira vanokurudzirwa kuti vavepo paKudya kwaShe Kwemanheru kunyange zvazvo vasingazodyi chingwa nekunwa waini. Kuvapo kwavo pachiitiko ichi chiratidzo chekuti vanotenda zvakaitwa naJehovha Mwari zvekuti Jesu Kristu azotifira. Chiitiko ichi chisati chaitwa, tinova nerimwe zuva rinoitwa hurukuro inokosha inokurudzira vanhu kuti vade kupinda musangano uyu, uye kuti varambe vaine chido chekudzidza Bhaibheri.

31 Zvapupu zvaJehovha zvinotarisira chaizvo nguva dzavanoungana ‘vachikurudzirana kuva nerudo uye kuita mabasa akanaka.’ (VaH. 10:24) Muranda akatendeka neakangwara anogara achitirongera misangano yakadai kuti tisimbiswe pakunamata. Vashumiri vese vaJehovha kusanganisira vanofarira vanokurudzirwa kuti vagare vachiungana nevamwe. Jehovha anoshandisa sangano rake kuti rironge misangano, uye patinoipinda zvinoita kuti tive vanhu vakabatana. Chinokosha kupfuura zvese ndechekuti kuungana kunotipa mukana wekurumbidza nekukudza Jehovha.—Pis. 111:1.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe