RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 61 p. 146-p. 147 ndim. 5
  • Jesu Anoporesa Mukomana Akagarwa Nedhimoni

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anoporesa Mukomana Akagarwa Nedhimoni
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Mukomana Ane Dhemoni Anoporeswa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Jesu Anoita Mabasa Makuru muKapenaume
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 41—Marko
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 61 p. 146-p. 147 ndim. 5
Baba vari kukumbira Jesu kuti aporese mwanakomana wavo akagarwa nedhimoni

CHITSAUKO 61

Jesu Anoporesa Mukomana Akagarwa Nedhimoni

MATEU 17:14-20 MAKO 9:14-29 RUKA 9:37-43

  • PANODA KUTENDA KWAKASIMBA KUTI MUKOMANA AKAGARWA NEDHIMONI APORESWE

Jesu, Petro, Jakobho naJohani pavanodzika mugomo, vanosangana nemhomho yevanhu. Panofanira kunge paine zvisina kumira zvakanaka. Vanyori vakaunganira vadzidzi vachiitisana nharo navo. Vanhu vanofara pavanoona Jesu, uye vanomhanya vachimuchingura. Anovabvunza kuti: “Muri kuita nharo dzei navo?”—Mako 9:16.

Mumwe murume ari mumhomho iyi anopfugama pamberi paJesu otsanangura achiti: “Mudzidzisi, ndauya nomwanakomana wangu kwamuri nokuti ane mudzimu unoita kuti munhu asataura; uye pose paunomubata unomurovera pasi, anopupa furo, ogeda-geda mazino, opera simba. Ndaudza vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi havana kukwanisa.”—Mako 9:17, 18.

Zvinoita sekuti vanyori vari kushora vadzidzi nekuti vakundikana kuporesa mukomana uyu, zvimwe vachitovanyomba. Saka panzvimbo pekupindura baba ava vari kutambudzika, Jesu anotaura nemhomho iyi achiti: “Haiwa chizvarwa chisina kutenda uye chakamonyana, ndinofanira kuramba ndinemi kusvikira rini? Ndinofanira kukushivirirai kusvikira rini?” Mashoko aya akasimba anonyatsoshanda kuvanyori vanga vachinetsa vadzidzi paanga asipo. Achitendeukira kuna baba vaya vari kushungurudzika, Jesu anoti: “Uya naye pano pandiri.”—Mateu 17:17.

Mukomana wacho paanosvika pana Jesu, dhimoni rakamugara rinomuwisira pasi roita kuti atange kugwinha-gwinha zvakasimba. Anotanga kuumburuka, achipupa furo. Jesu anobvunza baba vacho kuti: “Izvi zvave zvichiitika kwaari kubvira rini?” Vanopindura kuti: “Kubvira achiri muduku; uye kazhinji waimukanda mumoto nomumvura kuti umuparadze.” Murume wacho anoteterera achiti: “Asi kana paine chamunogona kuita, tinzwirei tsitsi, mutibatsire.”—Mako 9:21, 22.

Murume uyu apererwa nekuti kunyange vadzidzi vaJesu vakundikana kumubatsira. Achipindura chikumbiro chake chinoratidza kuti apererwa, Jesu anomukurudzira achiti: “Kutaura ikoko kwokuti, ‘Kana muchigona’! Chokwadi, zvinhu zvose zvinogoneka kumunhu kana munhu wacho aine kutenda.” Baba vacho vanobva vadanidzira vachiti: “Ndine kutenda! Ndibatsirei pandinoda kutenda!”—Mako 9:23, 24.

Jesu achiporesa mukomana akagarwa nedhimoni

Jesu anoona mhomho yevanhu ichimhanya ichiuya kwaari. Vanhu vose ava vachizviona, Jesu anotuka dhimoni racho achiti: “Iwe mudzimu unoita kuti munhu asataura uye ave matsi, ndinokurayira, buda maari uye usapindazve maari.” Parinobuda, dhimoni racho rinoita kuti mukomana wacho aridze mhere achigwinha-gwinha. Anobva angoramba akati rapata. Vachiona izvi, vanhu vakawanda vanoti: “Afa!” (Mako 9:25, 26) Asi Jesu paanobata mukomana uyu ruoko, anomuka uye ‘anopora kubva paawa iyoyo.’ (Mateu 17:18) Chokwadi vanhu havangamborega kushamiswa nezviri kuitwa naJesu!

Jesu paakambotuma vadzidzi kuti vanoparidza, vakakwanisa kudzinga madhimoni. Saka iye zvino vava voga mumba, vanomubvunza kuti: “Nei tanga tisingagoni kuudzinga?” Achivatsanangurira kuti imhaka yokushaya kwavo kutenda Jesu anoti: “Rudzi urwu harugoni kubuda nechimwe chinhu kunze kwokushandisa munyengetero.” (Mako 9:28, 29) Kutenda kwakasimba nekunyengeterera simba raMwari ndiko kwaidiwa kuti dhimoni iri rine simba ridzingwe.

Jesu anopedzisa achiti: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Kana muine kutenda kwakakura setsanga yemasitadhi, muchati kugomo iri, ‘Ibva pano uende apo,’ uye richabva, uye hapana chinhu chamuchatadza.” (Mateu 17:20) Kutenda kune simba zvechokwadi!

Zvipingamupinyi nematambudziko anotadzisa basa raJehovha kufamba zvinogona kuita sezvisingakundiki uye zvisingabvisike segomo chairo. Asi kana tikava nekutenda, tinogona kukunda makomo akadaro ezvipingamupinyi nematambudziko.

  • Jesu anowana zvinhu zvakamira sei paanodzoka achibva mugomo?

  • Chii chakatadzisa vadzidzi kudzinga dhimoni rakanga rakagara mumwe mukomana?

  • Kutenda kwedu kunogona kuva nesimba zvakadini?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe