RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jl chidzidzo 12
  • Basa Redu Rekuparidza Umambo Rinoitwa Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Basa Redu Rekuparidza Umambo Rinoitwa Sei?
  • Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mashoko Akafanana
  • “Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzirwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Nei Zvapupu zvaJehovha Zvichiparidza Paimba Neimba?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akanaka Ari Kuparidzwa Sei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • “Endai Munoita Kuti Vanhu Vemarudzi Ose Vave Vadzidzi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
jl chidzidzo 12

CHIDZIDZO 12

Basa Redu Rekuparidza Umambo Rinoitwa Sei?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Spain

[Mufananidzo uri papeji 15]

Belarus

[Mufananidzo uri papeji 15]

Hong Kong

[Mufananidzo uri papeji 15]

Peru

Nguva pfupi asati afa, Jesu akati: “Aya mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese, mugumo wozosvika.” (Mateu 24:14) Asi basa iri rekuparidza pasi rese raizoitwa sei? Raizoitwa pachitevedzerwa zvakaitwa naJesu paaiva panyika.—Ruka 8:1.

Tinoedza kutaura nevanhu pamisha yavo. Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vaparidze mashoko akanaka paimba neimba. (Mateu 10:11-13; Mabasa 5:42; 20:20) Vaparidzi ivavo vekare vaipiwa nharaunda dzekuparidza. (Mateu 10:5, 6; 2 VaKorinde 10:13) Basa redu rekuparidza rakarongekawo saizvozvo, uye ungano imwe neimwe inopiwa nharaunda yayo yekuparidza. Izvi zvinotibatsira kuti “tiparidzire vanhu uye tipupure kwazvo,” sezvatakarayirwa naJesu.—Mabasa 10:42.

Tinoedza kuparidzira vanhu kwese kwavangawanika. Jesu akatisiyirawo muenzaniso nekuparidza kwaaiita munzvimbo dzaiwanika vazhinji dzakadai sepatsime kana pamahombekombe egungwa. (Mako 4:1; Johani 4:5-15) Isuwo tinotaura nevanhu nezveBhaibheri pese patinokwanisa, mungava mumigwagwa, munzvimbo dzemabhizimisi, mumapaki, kana kuti pafoni. Pese patinowana mukana tinoparidzirawo vavakidzani vedu, vatinoshanda navo, vekuchikoro, uye hama dzedu. Zvese izvi zviri kuita kuti mamiriyoni evanhu pasi rese anzwe ‘mashoko akanaka anoponesa.’—Pisarema 96:2.

Unogonawo here kuudza mumwe munhu mashoko akanaka eUmambo hwaMwari uye zvahuchamuitira mune ramangwana kana akateerera? Usachengeta mashoko aya anopa tariro. Udzawo vamwe nekukurumidza!

  • ‘Mashoko api akanaka’ anofanira kuziviswa vanhu?

  • Zvapupu zvaJehovha zviri kutevedzera sei Jesu pakuparidza?

DZIDZA ZVIMWE

Bvunza ari kukudzidzisa Bhaibheri kuti ungaudza sei mumwe munhu zvinhu zvawakadzidza muBhaibheri asi usingamugumburi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe