Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .
Nei Zvapupu zvaJehovha Zvichiparidza Paimba Neimba?
▪ MuBhaibheri mune murayiro waJesu kuvadzidzi vake wokuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, . . . muchivadzidzisa.” (Mateu 28:19, 20) Murayiro uyu unoshanda kuvaKristu vose here? Vadzidzi vaJesu vepakutanga vaiziva kuti unoshanda kuvaKristu vose. Somuenzaniso, muapostora Petro akanyora kuti: “[Jesu] akatirayira kuparidzira vanhu nokupupura kwazvo.” (Mabasa 10:42) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Nokuti ndinofanira kuzviita. Chokwadi, ndine nhamo kana ndikasazivisa mashoko akanaka!”—1 VaKorinde 9:16.
VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakateererawo murayiro waJesu sezvaiita Pauro naPetro. Basa rokuparidza ndiro rainyanya kukosha muupenyu hwavo. (Mabasa 5:28-32, 41, 42) Mazuva ano Zvapupu zvaJehovha zviri kuedzawo kuita saizvozvo. Vanoparidza nezve“Umambo hwokumatenga,” sezvaingoitwawo naJesu.—Mateu 10:7.
Mashoko oUmambo anofanira kuparidzwa kuna vanaani? Jesu akati anofanira kuparidzwa kumunhu wose ari panyika. Akaudza vadzidzi vake kuti: “Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mabasa 1:8) Akagara ataura zvaizoitika mugumo usati wasvika achiti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose.” (Mateu 24:14) Saka vaKristu vomuzana remakore rekutanga vaiedza chaizvo kuparidzira vanhu vose, kwete shamwari dzepedyo chete kana kuti vanhu vakanga vasina chitendero chavanopinda. (VaKorose 1:23; 1 Timoti 2:3, 4) Mazuva ano Zvapupu zvaJehovha zviri kuedzawo kuparidzira vanhu vose.a
Inzira ipi inonyanya kubudirira pakuparidza mashoko oUmambo? Jesu uyo aiziva nzira dzokuwana nadzo vanhu vakawanda akatuma vadzidzi vake kuti vanoparidza mumaguta, mumaruwa uye mumisha. (Mateu 10:7, 11, 12) Pashure pokunge Jesu afa uye amutswa, vadzidzi vake vakaramba vachiparidza “paimba neimba.” (Mabasa 5:42) Vaitevedzerawo Jesu pavaiparidza pose paiwanikwa vanhu uye munzvimbo dzaiva nevanhu vakawanda. (Johani 4:7-26; 18:20; Mabasa 17:17) Mazuva ano Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisawo nzira idzodzo kuti zviparidzire vanhu vose.
Jesu akaratidza kuti haasi munhu wose aizoteerera. (Mateu 10:14; 24:37-39) Asi izvozvo zvinofanira kuita kuti vaKristu vasaparidza here? Funga nezvemuenzaniso uyu: Ngatitii uri mumwe wevanhu vari kununura vanhu pashure pokudengenyeka kwenyika. Waizorega kutsvaka vamwe vanhu uchiti pangowanikwa vanhu vashomanana vapenyu pashure pekanguva here? Kwete. Kana paine tarisiro yokuwana mumwe, waizoramba uchitsvaka. Saizvozvowo, Jesu akarayira vadzidzi vake kuti varambe vachishingirira kana pachine tariro yokuwana munhu angagamuchira mashoko akanaka pamusoro poUmambo hwaMwari. (Mateu 10:23; 1 Timoti 4:16) Zvapupu zvaJehovha pazvinotsvaka vakadaro paimba neimba, zvinoratidza kuti zvinoda Mwari nevavakidzani vazvo, avo vachawana upenyu kana vakanzwa uye vakateerera shoko roUmambo.—Mateu 22:37-39; 2 VaTesaronika 1:8.
Magazini yauri kuverenga iyi inozivisa shoko iroro roUmambo riri muBhaibheri. Kana uchida kunzwa zvakawanda, tapota taura neZvapupu zvaJehovha pazvichazoshanyazve, kana kuti nyorera vanobudisa magazini ino.
[Mashoko Omuzasi]
a Iye zvino Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidza munyika 236. Gore rakapera vakaparidza kwemaawa anosvika mabhiriyoni 1,7 uye vaiitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinosvika mabhiriyoni 8,5 mupasi rose.