RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jl chidzidzo 11
  • Sei Tichipinda Magungano?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sei Tichipinda Magungano?
  • Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mashoko Akafanana
  • Kufara Nokurumbidza Mwari Pamagungano
    Zvapupu zvaJehovha Zvinoita Kuda kwaMwari Mukubatana Munyika Yose
  • Misangano Inotikurudzira “Kuva Nerudo Uye Kuita Mabasa Akanaka”
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
jl chidzidzo 11

CHIDZIDZO 11

Sei Tichipinda Magungano?

[Mufananidzo uri papeji 14]

Mexico

[Mufananidzo uri papeji 14]

Germany

[Mufananidzo uri papeji 14]

Botswana

[Mufananidzo uri papeji 14]

Nicaragua

[Mufananidzo uri papeji 14]

Italy

Sei vanhu ava vari kufara kudai? Vari pagungano redu. Sezvaiitwa nevanhu vaMwari vekare, avo vakaudzwa kuti vaungane katatu pagore, isuwo tinogara tichitarisira kusvika kwenguva yatinoungana takawanda. (Dheuteronomi 16:16) Gore negore tinoita magungano matatu: magungano edunhu ezuva rimwe chete maviri, uye gungano remunharaunda remazuva matatu. Magungano aya anotibatsira sei?

Anosimbisa kubatana kwedu sevaKristu. VaIsraeri vaifara chaizvo pavairumbidza Jehovha vari “pakati peungano yakakura,” uye ndizvo zvatinoitawo patinoungana pamagungano edu. (Pisarema 26:12; 111:1) Magungano aya anotipa mukana wekuonana uye kushamwaridzana neZvapupu zvekune dzimwe ungano kana zvekune dzimwe nyika. Masikati tinodya pamwe chete tiri panoitirwa gungano, izvo zvinotipa mumwe mukana wekuti tishamwaridzane. (Mabasa 2:42) Pamagungano aya tinozvionera tega rudo runobatanidza ‘sangano redu rese rehama’ dziri panyika.—1 Petro 2:17.

Anotibatsira kuti tikure pakunamata. VaIsraeri vaibatsirwawo ‘pavainzwisisa mashoko’ emuMagwaro avaitsanangurirwa. (Nehemiya 8:8, 12) Isuwo tinokoshesa chaizvo zvatinodzidziswa pamagungano edu zvinobva muBhaibheri. Purogiramu imwe neimwe inenge iine dingindira rinobva muShoko raMwari. Zvinhu zvinofadza zvakadai sehurukuro, kuedzesera zvinhu zvakatoitika, uye hurukuro dzekusiyirana, zvinotidzidzisa kuti tingaita sei kuda kwaMwari muupenyu hwedu. Tinosimbiswa patinonzwa zvakaitika kune vamwe vari kukunda miedzo yavanosangana nayo sevaKristu munguva dzino dzakaoma. Pamagungano emunharaunda panoitwa mitambo inotibatsira kuona kuti nyaya dzemuBhaibheri dzinotova zvinhu chaizvo zvakaitika, uye inotipa zvidzidzo zvinotibatsira. Pagungano rimwe nerimwe panobhabhatidzwawo vanhu vanoda kuratidza pachena kuti vakazvitsaurira kuna Mwari.

  • Sei magungano achiita kuti tifare?

  • Kupinda gungano kuchakubatsira sei?

DZIDZA ZVIMWE

Kana uchida kuona kubatana kwatakaita tinokukurudzira kuti upinde gungano redu rinotevera. Anokudzidzisa Bhaibheri anogona kukuratidza purogiramu yacho kuti uone kuti inyaya dzipi dzichakurukurwa. Maka musi uchaitwa gungano racho pakarenda, wonyora kwarichaitirwa, wozoripinda kana uchikwanisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe