RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bm chikamu 14 p. 17
  • Mwari Anotaura Achishandisa Vaprofita Vake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anotaura Achishandisa Vaprofita Vake
  • Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Mashoko Akafanana
  • Vaprofita Vane Mashoko Ane Zvaanogona Kuita Patiri
    Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha
  • Muprofita Ari Muutapwa Anoratidzwa Ramangwana Muchidimbu
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Mesiya Anosvika
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Jesu Ndiye Mesiya Anotaurwa Muuprofita Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
bm chikamu 14 p. 17
Muprofita waMwari anosvitsa shoko kuvanhu

CHIKAMU 14

Mwari Anotaura Achishandisa Vaprofita Vake

Vaprofita vanogadzwa naJehovha kuti vaendese mashoko ekutongwa, kunamata kwakachena, uye tariro ine chokuita naMesiya

PANGUVA yemadzimambo aIsraeri naJudha, pakava neboka raikosha revarume vaitaura mashoko aMwari​—vaprofita. Ava vaiva varume vaiva nokutenda uye ushingi zvinoshamisa vakazivisa mashoko aMwari. Ona misoro mina inokosha yakasimudzirwa nevaprofita vaMwari.

1. Kuparadzwa kweJerusarema. Pachine nguva refu, vaprofita vaMwari​—zvikurukuru Isaya naJeremiya—​vakatanga kunyevera kuti Jerusarema raizoparadzwa uye raizosiyiwa. Vakataura nemashoko akajeka kuti nei Mwari akanga akatsamwira guta racho. Kutaura kwaiita vagari veJerusarema kuti vaimiririra Jehovha kwakabudiswa pachena kuti kwakanga kusiri kwechokwadi nokuti vaiita tsika dzechitendero chenhema, uori uye chisimba.​—2 Madzimambo 21:10-15; Isaya 3:1-8, 16-26; Jeremiya 2:1–3:13.

2. Kudzorerwa kwekunamata kwakachena. Pashure pemakore 70 vari nhapwa, vanhu vaMwari vaizosunungurwa kubva kuBhabhironi. Vaizodzokera kunyika yokumusha kwavo yakanga yava dongo ndokuvakazve temberi yaJehovha muJerusarema. (Jeremiya 46:27; Amosi 9:13-15) Pachine makore anenge 200, Isaya akafanotaura zita remunhu aizokunda​—Koreshi—​aizokunda Bhabhironi ndokubvumira vanhu vaMwari kuti vadzorere kunamata kwakachena. Isaya akatorondedzera zvaizoitwa naKoreshi zvisina kujairika kuti akunde guta racho.​—Isaya 44:24–45:3.

Nhapwa dzechiJudha dzinobuda muBhabhironi dzichidzokera kuJerusarema

3. Kusvika kwaMesiya uye zvaizoitika kwaari. Mesiya aizoberekerwa mutaundi reBhetrehema. (Mika 5:2) Aizozvininipisa, achipinda muJerusarema akatasva dhongi. (Zekariya 9:9) Kunyange zvazvo aiva munyoro uye aine mutsa, aisazofarirwa noruzhinji, uye vakawanda vaizomuramba. (Isaya 42:1-3; 53:1, 3) Aizourayiwa noutsinye. Aizofa zvachose here? Kwete, nokuti chibayiro chake chaizoita kuti zvivi zvevakawanda zvikanganwirwe. (Isaya 53:4, 5, 9-12) Kumuka kwake chete ndiko kwaizoita kuti izvozvo zviitike.

4. Kutonga kwaMesiya panyika. Vanhu vasina kukwana havatombokwanisi kuzvitonga zvine rugare, asi Mambo Mesiya aizonzi Muchinda woRugare. (Isaya 9:6, 7; Jeremiya 10:23) Paachange achitonga, vanhu vose vachava norugare pachavo uye kunyange nemhuka dzose. (Isaya 11:3-7) Zvirwere zvichanyangarika. (Isaya 33:24) Kunyange rufu ruchaparadzwa nokusingaperi. (Isaya 25:8) Pakutonga kwaMesiya, vanhu vakafa vachamutsirwa kuupenyu pasi pano.​—Dhanieri 12:13.

—Kubva mubhuku raIsaya, Jeremiya, Dhanieri, Amosi, Mika, naZekariya.

  • Vaprofita vaMwari vakazivisa mashoko akaita sei?

  • Vaprofita vakafanotaura sei nezvokuparadzwa kweJerusarema uye kuvakwazve kwaro?

  • Vaprofita vaJehovha vakatii nezvaMesiya uye zvinhu zvaizoitika kwaari?

  • Vaprofita vakatsanangura sei kutonga kwaizoita Mesiya panyika?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe