RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bm chikamu 13 p. 16
  • Madzimambo Akanaka Neakaipa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Madzimambo Akanaka Neakaipa
  • Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Mashoko Akafanana
  • Akadzidza Kubva Pazvikanganiso Zvake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Akadzidza Kubva Pazvikanganiso Zvake
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 32—Jona
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Jona Anodzidza Pamusoro Pengoni dzaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
bm chikamu 13 p. 16
Mambo waIsraeri wechiduku

CHIKAMU 13

Madzimambo Akanaka Neakaipa

Israeri inokamukana. Nokufamba kwenguva, madzimambo akawanda anotonga vaIsraeri, uye akawanda acho haana kutendeka. Jerusarema rinoparadzwa nevaBhabhironi

SOKUFANOZIVISA kwakanga kwaita Jehovha, Israeri yakakamukana pashure pokunge Soromoni asiya kunamata kwakachena. Mwanakomana wake, Rehobhoamu, akamutsiva aiva noutsinye. Nokudaro, madzinza gumi aIsraeri akapanduka akaumba umambo hwekuchamhembe hwaIsraeri. Madzinza maviri akaramba akavimbika kuna mambo aiva pachigaro chaDhavhidhi muJerusarema, achiumba umambo hwekumaodzanyemba hwaJudha.

Umambo hwacho huri huviri hwakanga husina kugadzikana uye hwaiva nematambudziko akawanda pamusana pemadzimambo akanga asina kutendeka uye akanga asingateereri. Umambo hwaIsraeri hwekuchamhembe ndihwo hwaitova nematambudziko akawanda kudarika eJudha, nokuti kubvira pakutanga madzimambo ahwo aitsigira kunamata kwenhema. Pasinei nemabasa esimba evaprofita vakadai saEriya naErisha​—vose vakatomutsa vakafa—​vaIsraeri vakaramba vachidzokera pakuita zvakaipa. Pakupedzisira, Mwari akabvumira umambo hwekuchamhembe kuti huparadzwe neAsiriya.

Umambo hwaJudha hwakamboti garei kwemakore anodarika zana zvishoma pane hwaIsraeri, asi hwakarangwawo naMwari. Madzimambo mashomanana chete aJudha ndiwo akateerera zvainyeverwa nevaprofita vaMwari uye akaedza kutungamirira rudzi rwacho kuti rudzokere kuna Jehovha. Somuenzaniso, Mambo Josiya akatanga kubvisa kunamata kwenhema muJudha uye akagadzirisa temberi yaJehovha. Bhuku roMutemo waMwari waakapa achishandisa Mosesi parakawanikwa, Josiya akabayiwa mwoyo uye akabva awedzera basa rake rokuchinja zvinhu.

Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti madzimambo akazotonga pashure paJosiya haana kutevedzera muenzaniso wakanaka wamambo wacho. Saka Jehovha akabvumira nyika yeBhabhironi kuti ikurire Judha, ichiparadza Jerusarema netemberi yaro. Vakapukunyuka vacho vakaendeswa kuBhabhironi senhapwa. Mwari akafanotaura kuti vaizova nhapwa kwemakore 70. Judha yakava dongo kwenguva iyoyo yose​—kusvikira rudzi rwacho rwabvumirwa kudzokera kunyika yarwo, sezvakanga zvapikirwa.

Zvisinei, hapana madzimambo omudzinza raDhavhidhi aizotonga kusvikira pakutonga kweMununuri akapikirwa, Mesiya akanga afanotaurwa. Akawanda pamadzimambo akanga agara pachigaro chaDhavhidhi muJerusarema akaratidza kuti vanhu vasina kukwana havakwanisi kutonga. Mesiya chete ndiye aizonyatsokwanisa. Saka Jehovha akati kune wokupedzisira pamadzimambo edzinza raDhavhidhi: ‘Bvisa korona. Hazvizovi zvomunhu chero upi zvake kusvikira ane kodzero yepamutemo asvika, uye ndichamupa izvozvo.’​—Ezekieri 21:26, 27.

​—Kubva pana 1 Madzimambo; 2 Madzimambo; 2 Makoronike 10 kusvika ku36; Jeremiya 25:8-11.

  • Chii chakaita kuti Israeri ikamukane, uye chii chakaitika kuumambo huviri hwakavapo?

  • Chii chakaitika kumadzimambo emhuri yaDhavhidhi, uye nei?

  • Nyaya yaJona inotidzidzisei nezvaJehovha? (Ona bhokisi.)

JONA

Panguva yakanga yakakamukana umambo, Mwari akatuma Jona kuti aende kunoparidza mashoko okunyevera vanhu vomuguta reNinivhi raiva kure uye raiita zvechisimba. Pane kuenda kuNinivhi, Jona akakwira ngarava yaienda kune rimwe divi. Izvozvo zvakaita kuti paitike chishamiso​—Mwari akaita kuti hove huru imedze Jona. Ari mudumbu rehove, Jona akanyengetera kuna Jehovha, uyo akabva aita kuti hove yacho imurutsire panyika yakaoma. Jona akabva aenda kuNinivhi kunoparidza.

Pashure pokunge Mwari adzidzisa Jona chidzidzo ichocho chokuteerera, rimwe dambudziko rakavapo: Jona akaparidzira vaNinivhi, asi haana kutombofara Mwari paakaratidza ngoni netsitsi kuvanhu vacho ndokurega kuvaparadza nokuti vakanga vapfidza. Verenga bhuku iri rinonakidza kuti uone kuti Mwari akashandisa sei chishamiso chechipiri kuti adzidzise Jona kuva netsitsi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe