RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bm chikamu 15 p. 18
  • Muprofita Ari Muutapwa Anoratidzwa Ramangwana Muchidimbu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Muprofita Ari Muutapwa Anoratidzwa Ramangwana Muchidimbu
  • Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Mashoko Akafanana
  • Bhuku raDhanieri Newe
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raDhanieri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Jehovha Anopikira Dhanieri Mubayiro Wakanaka Kwazvo
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 27—Dhanieri
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
bm chikamu 15 p. 18
Chifananidzo chakarotwa naNebhukadhinezari

CHIKAMU 15

Muprofita Ari Muutapwa Anoratidzwa Ramangwana Muchidimbu

Dhanieri anoprofita nezvoUmambo hwaMwari uye nezvokuuya kwaMesiya. Bhabhironi rinowa

DHANIERI, wechiduku akanga akaperera zvinoshamisa akaendeswa kuBhabhironi senhapwa Jerusarema risati raparadzwa. Iye nevamwe vaJudha​—nhapwa dzokuumambo hweJudha hwakanga hwaparadzwa—​vakapiwa karusununguko nevakanga vavatapa. Paakararama kwenguva refu muBhabhironi, Dhanieri akakomborerwa zvikuru naMwari, akatopukunyuka rufu mugomba reshumba uye akaratidzwa zvinhu zvakaita kuti azive zvaizoitika mune ramangwana. Uprofita hwaDhanieri hunonyanya kukosha hwaitaura nezvaMesiya uye kutonga kwake.

Dhanieri anoudzwa kuti Mesiya aizosvika rini. Dhanieri akaudzwa kuti vanhu vaMwari vaizotarisira rini kusvika kwa“Mesiya Mutungamiriri”​—vhiki 69 dzemakore pashure pemurayiro wokudzorera uye kuvakazve masvingo eJerusarema. Vhiki yatinoziva ine mazuva manomwe; vhiki yemakore ine makore manomwe. Murayiro iwoyo wakabudiswa nguva refu Dhanieri afa, muna 455 B.C.E. Kubvira ipapo, “vhiki” 69 dzakaita makore 483, dzichizoguma mugore ra29 C.E. Muchikamu chinotevera chebhurocha rino, tichaona zvakaitika gore iroro. Dhanieri akafanoonawo kuti Mesiya ‘aizourayiwa,’ kuitira kuyananisa chivi.​—Dhanieri 9:24-26.

Mesiya aizova Mambo mudenga. Mune zvaakaratidzwa zvisina kujairika nezvedenga pacharo, Dhanieri akaona Mesiya, anotaurwa so“mumwe munhu akafanana nomwanakomana womunhu,” achisvika pachigaro choumambo chaJehovha pachake. Jehovha akamupa “ushe nokukudzwa noumambo.” Umambo ihwohwo hwaizoramba huripo nokusingaperi. Dhanieri akaudzwa zvimwe zvakawanda zvinonakidza nezvoUmambo hwaMesiya—Mambo wacho achava nevamwe vaanotonga navo, boka rinotaurwa se“vatsvene vaIye Mukurusa.”​—Dhanieri 7:13, 14, 27.

Umambo hwacho huchaparadza hurumende dzenyika ino. Mwari akaita kuti Dhanieri akwanise kududzira chiroto chakavhiringidza Nebhukadhinezari, mambo weBhabhironi. Mambo akanga aona chifananidzo chihombe chaiva nomusoro wendarama, chipfuva nemaoko zvesirivha, dumbu nezvidya zvemhangura, makumbo esimbi, uye tsoka dzesimbi yakasanganiswa neivhu. Dombo rakacherwa kubva mugomo rakarova tsoka dzacho dzakanga dzisina kusimba ndokuparadza chifananidzo chacho chikaita kunge upfu. Dhanieri akatsanangura kuti zvikamu zvechifananidzo chacho zvaimiririra kutevedzana kwemasimba enyika, kutanga neBhabhironi richimiririrwa nomusoro wendarama. Dhanieri akafanoona kuti munguva yesimba rokupedzisira raizotonga nyika ino yakaipa, Umambo hwaMwari hwaizoita chimwe chinhu. Hwaizoparadza hurumende dzose dzenyika ino. Zvadaro, hwaizotonga nokusingaperi.​—Dhanieri, chitsauko 2.

Dhanieri akanga achembera zvikuru uye akararama ndokuona kuwa kweBhabhironi. Mambo Koreshi akakunda guta racho sezvakanga zvafanotaurwa nevaprofita. Pasina nguva, vaJudha vakanga vazosunungurwa kubva muutapwa​—panguva chaiyo, pashure pokunge nyika yokumusha kwavo yaita makore 70 iri dongo sezvakanga zvafanotaurwa. Vachitungamirirwa nemagavhuna, vapristi, uye vaprofita vakanga vakatendeka, vaJudha vakazovakazve Jerusarema uye vakavakazve temberi yaJehovha. Zvisinei, chii chaizoitika pakupera kwemakore 483?

—Kubva mubhuku raDhanieri.

  • Dhanieri akaudzwa chii nezvaMesiya uye Umambo hwaMwari?

  • Umambo hwaMwari hwaizoitei kuhurumende dzenyika ino?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe