RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp2 chits. 28 pp. 231-236
  • Ndingadzivisa Sei Ungochani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingadzivisa Sei Ungochani?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anoona Sei Ungochani?
  • Usakanda Mapfumo Pasi!
  • Ndingatsanangura Sei Zvinotaurwa neBhaibheri Nezvoungochani?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ungochani Hwakaipa Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Pane Pazvinganzi Ungochani Hwakanaka Here?
    Mukai!—2012
  • Bhaibheri Rinoti Chii Nezveungochani?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
yp2 chits. 28 pp. 231-236

CHITSAUKO 28

Ndingadzivisa Sei Ungochani?

“Pandaiyaruka ndaitambura nokukwezvwa nevamwe vanhu vechirume. Nechomukati, ndaiziva kuti vanhu havasikwi vaine pfungwa idzodzo.”—Olef.

“Ini neshamwari yangu yechisikana taitsvodana kamwe chete kana kuti kaviri. Sezvo ndaifarira vakomana, ndainetseka kana ndaizokwezvwa mune zvepabonde nevarume uyewo nevakadzi.”—Sarah.

VASHOMANANA vangaramba kuti mazuva ano ungochani hwava kutaurwa pose pose kupfuura zvahwaiitwa makumi emakore anoverengeka akapfuura. Uye ingoedza kutaura kuti hauhufariri! Ungangotsoropodzwa zvikuru. Amy ane makore 16 anoti, “Mumwe musikana akandiudza kuti ndaifanira kunge ndaisarura vanhu vemamwe marudzi, nokuti maonero andaiita ungochani airatidza kuti akanga akafanana norusarura!”

Mafungiro emazuva ano okubvumira zvose zvose akaita kuti vechiduku vakawanda vade kunzwa kuti kuita ungochani kunomboita sei. Becky ane makore 15 anoti, “Vasikana vakawanda vokuchikoro kwedu vanozviti ingochani dzechikadzi ukuwo vachida vakomana.” Christa ane makore 18 anoti mamiriro acho ezvinhu akafanana neokuchikoro kwake. Anoti, “Vasikana vaviri vandinodzidza navo vakatondikumbira kuti ndiite zvepabonde navo. Mumwe wacho akandinyorera katsamba achindibvunza kana ndaida kumbonzwa kuti kuita zvepabonde nomusikana kunomboita sei.”

Sezvo ungochani hwava kungotaurwa pachena, ungatanga kunetseka kuti: ‘Ungochani hwakaipa zvechokwadi here? Ko kana ndiri mukomana ari kutorwa mwoyo nomumwe mukomana? Zvinoreva here kuti ndiri ngochani?’

Mwari Anoona Sei Ungochani?

Mazuva ano, vanhu vakawanda—kunyange vamwe vafundisi—havaoni chakaipa noungochani. Asi Shoko raMwari, Bhaibheri rinotaura zvakajeka zvikuru nezvazvo. Rinotiudza kuti Jehovha Mwari akasika murume nomukadzi uye kuti akaronga kuti zvishuwo zvavo zvokuita zvepabonde zvingozadziswa bedzi nomurume nomudzimai wake. (Genesisi 1:27, 28; 2:24) Saka hazvishamisi kuti Bhaibheri rinoshora ungochani.—VaRoma 1:26, 27.

Vamwe vangati Shoko raMwari rava rechinyakare. Asi chimbofunga kuti nei vachikurumidza kutaura zvakadaro? Kungava kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvinopesana nezvavanofunga here? Vakawanda vanoramba Shoko raMwari nokungoti rinodzidzisa chimwe chinhu chakasiyana nezvavanoda kudavira. Zvisinei, mafungiro akadaro haana kururama uye hatifaniri kuarega achitikanganisa!

Asi ko kana uri mukomana uchitorwa mwoyo nomumwe mukomana? Izvi zvinobva zvareva kuti uri ngochani here? Kwete. Yeuka kuti uchiri ‘kuyaruka,’ nguva yaunongoerekana wava kunzwa kuda kuita zvepabonde. (1 VaKorinde 7:36) Kana dzimwe nguva uchinzwa uchitorwa mwoyo nomunhurume iwe uri munhurumewo, iva nechokwadi chokuti izvi hazvirevi kuti uri ngochani. Manzwiro akadaro anowanzopera nokufamba kwenguva. Panguva ino, unofanira kuramba usingabatanidzwi mumiitiro youngochani. Sei?

Nyengetera nezvenyaya yacho. Teterera Jehovha sezvakaitwa naDhavhidhi paakati: “Ndiongororei, haiwa Mwari, muzive mwoyo wangu. Ndinzverei, muzive pfungwa dzangu dzinonetsa, muone kana mandiri muine chero nzira ipi zvayo yakaipa, munditungamirire panzira isingagumi.” (Pisarema 139:23, 24) Jehovha anogona kukusimbisa norugare “runopfuura kufunga kwose.” Izvi zvinogona ‘kurinda mwoyo wako nesimba rako rokufunga’ zvokupa “simba rinopfuura renguva dzose” kuti usateerere zvishuwo zvakaipa.—VaFiripi 4:6, 7; 2 VaKorinde 4:7.

Zadza pfungwa dzako nezvinhu zvakanaka. (VaFiripi 4:8) Verenga Bhaibheri mazuva ose. Usamborerutsa simba raro rokuumba pfungwa dzako nemwoyo kuti zvive zvakanaka. (VaHebheru 4:12) Mumwe mukomana anonzi Jason anoti: “Bhaibheri—kusanganisira magwaro akadai sa1 VaKorinde 6:9, 10 naVaEfeso 5:3—rakandibatsira chaizvo. Ndinoverenga magwaro aya pose pandinonzwa zvishuwo zvisina kunaka.”

Ramba zvinonyadzisira uye zvose zvinokurudzira kuita ungochani. (VaKorose 3:5) Dzivisa zvose zvinomutsa zvishuwo zvakaipa. Izvi zvingasanganisira kuona uye kuverenga zvinonyadzisira, dzimwe purogiramu uye mafirimu zvepaTV, uye zvichida kunyange fashoni kana kuti magazini ane chokuita nokurovedza muviri anoratidza vanhu vanenge vakapfeka zvinhu zvinosiya muviri uri panze. Tsiva pfungwa dzakaipa nedzakanaka. Mumwe mukomana achiri kuyaruka anoti, “Pose pandinonzwa kuda kuita zvoungochani, ndinobva ndafungisisa nezvorugwaro rwomuBhaibheri rwandinofarira zvikuru.”

Chokwadi, vamwe vanoti hazvina hazvo basa kuti uite zvose izvi, unofanira ‘kungogutsa zvishuwo zvako’ ‘wobvuma kuti ndizvo zvauri.’ Asi Bhaibheri rinoti unogona kuzvikurira! Somuenzaniso, rinotiudza kuti vamwe vaKristu vekare vakamboita ungochani vakachinja. (1 VaKorinde 6:9-11) Iwewo unogona kukunda hondo yacho—kunyange kana panguva ino zviri mumwoyo mako.

Ko kana uchiramba uchinzwa zvishuwo zvokuita zvepabonde nomunhukadzi sewe? Usazviteerera! Jehovha anoshora ungochani. Saka munhu anotambura nezvishuwo zvoungochani ane dambudziko raanokwanisa kukunda—anogona kusarudza kusateerera zvishuwo izvozvo.

Kuenzanisira: Munhu angave ‘aine hasha.’ (Zvirevo 29:22) Kare angave akanga asingatani kufufutirwa nehasha. Zvisinei, pashure pokunge adzidza Bhaibheri, anotanga kuziva kuti anofanira kuzvidzora. Izvi zvinoreva here kuti haachazombonzwi hasha dzichiuya zvekare? Kwete. Zvisinei, nokuti anoziva zvinotaura Bhaibheri nezvehasha dzisingadzorwi, achaedza zvakaoma kuti asaita zvinodiwa nemanzwiro ake.

Zvakafanana nomunhukadzi anotorwa mwoyo nevanhukadzi asi iye zvino akasvika pakuziva zvinotaurwa neBhaibheri nezvoungochani. Apo neapo, angave achinzwa chishuwo chisina kururama. Asi nokuona ungochani sezvinoita Jehovha, munhu angawana simba rokudzivisa chishuwo ichocho.

Usakanda Mapfumo Pasi!

Kana uri munhurume ari kutambura nezvishuwo zvokuda kuita zvepabonde nevanhurume, unganzwa sezvakaita mumwe mukomana, uyo akati: “Ndakaedza kuchinja manzwiro angu. Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire. Ndinoverenga Bhaibheri. Ndakanzwa hurukuro dzaitaura nezvenyaya iyi. Asi handizivi zvimwe zvandingaita.”

Kana uri mumamiriro ezvinhu akafanana, zviri pachena kuti uri muhondo chaiyo. Hazviperi nyore nyore. Kunyange zvakadaro, munhu wose anoda kufadza Mwari anofanira kuita maererano nemitemo yezvaanoda mutsika uye odzivisa unzenza, kunyange zvazvo kuzviita kungave kwakaoma zvikuru. Usambokanganwa kuti Mwari anonzwisisa kutambura kwaunoita mumwoyo mako uye kuti anonzwira tsitsi vaya vanomushumira.a (1 Johani 3:19, 20) Paunoteerera mitemo yaMwari, unozarura mukana wokukomborerwa naye. Kutaura zvazviri, kuchengeta mitemo yaMwari “kunounza mubayiro mukuru.” (Pisarema 19:11) Kunyange iye zvino, uchararama upenyu hwakanaka kwazvo munyika ino ine matambudziko.

Saka vimba naMwari, uye rwisa zvishuwo zvakaipa. (VaGaratiya 6:9) Edza kwazvo ‘kusema zvakaipa uye kunamatira kune zvakanaka.’ (VaRoma 12:9) Kana ukaedza kwenguva yakareba, ungangoona kuti zvishuwo zvakaipa zvinopera zvishoma nezvishoma. Kupfuura zvose, kana ukarega kuita zvoungochani, uchava netariro yokurarama nokusingaperi munyika itsva yaMwari yakarurama.

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA

Ungadzora sei manzwiro ako okutorwa mwoyo nevakomana kana kuti vasikana?

[Mashoko Omuzasi]

a MuKristu akaita unzenza anofanira kutsvaka kubatsirwa nevakuru veungano.—Jakobho 5:14, 15.

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

“Ndinzverei, muzive pfungwa dzangu dzinonetsa, muone kana mandiri muine chero nzira ipi zvayo yakaipa.”—Pisarema 139:23, 24.

ZANO

Kuti uve nemaonero akanaka echinonzi murume, dzidza muenzaniso waJesu. (1 Petro 2:21) Aiva muenzaniso wakakwana wokuratidza simba rechirume pamwe chete nokuva munyoro.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kunyange zvazvo usingagoni kudzora zvizere zvishuwo zvako, unogona kudzora zvaunoita. Unogona kusarudza kusateerera zvishuwo zvakaipa.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kana mumwe munhu akandibvunza kuti nei Bhaibheri ri- chishora ungochani, ndichati ․․․․․

Kana mumwe munhu akati maonero eBhaibheri anodzvinyirira, ndichamubatsira kufunga nokutaura kuti ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei Mwari asingabvumiri ungochani?

● Matanho api anobatsira aungatora kuti usapinda mumusungo woungochani?

● Kuva nemaonero aMwari oungochani kunoreva here kuti unovenga zvikuru vanhu vanoita zvoungochani?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 236]

“Mafungiro enyika akamonyoroka akakanganisa pfungwa dzangu uye akaita kuti ndiwedzere kuvhiringidzika kuti ndaiva ngochani here kana kuti kwete. Iye zvino ndinotambira kure nezvinhu zvose kana kuti munhu wose anotsigira ungochani.’’—Anna

[Mufananidzo uri papeji 233]

Vechiduku vose vachafanira kusarudza—kugamuchira maonero akaipa ezvepabonde ari munyika kana kuti kutevera tsika dzakanaka kwazvo dziri muShoko raMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe