RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp2 p. 227
  • Muenzaniso Wokutevedzera​—Pauro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Muenzaniso Wokutevedzera​—Pauro
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Jesu Akafira Ini Pachangu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • VaRoma Vanowana Mashoko Akanakisisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
yp2 p. 227

Muenzaniso Wokutevedzera​—Pauro

Muapostora Pauro anonzwisisa manzwiro ake. Anobvuma nokutendeseka kuti: “Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.” Pauro munhu anoda kuita zvakanaka. “Ndinofarira mutemo waMwari maererano nomunhu wandiri nechomukati,” anonyora kudaro. Saka dambudziko rake nderei? Pauro anoti: “Ndinoona . . . mumwe mutemo uchirwisana nomutemo wepfungwa dzangu uye uchinditungamirira ndiri nhapwa kuenda kumutemo wechivi uri munhengo dzangu.” Zvaanokanganisa zvinomushayisa mufaro. Anoti: “Ndiri munhu wenhamo!”—VaRoma 7:21-24.

Zvaunokanganisa zvinokushayisa mufaro here? Kana zvakadaro, yeuka kuti kunyange Pauro aimbonzwa saizvozvo. Asi Pauro aizivawo kuti Kristu akafira vanhu vakaita saiye, saka aigona kutaura kuti: “Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu Ishe wedu!” (VaRoma 7:25) Pauro aiona rudzikinuro sechipo chaakapiwa. Akanyora kuti: “Mwanakomana waMwari . . . akandida akazvipa nokuda kwangu.” (VaGaratiya 2:20) Paunonzwa wakaora mwoyo, fungisisa nezvorudzikinuro. Uye kana zvaunokanganisa zvichikuodza mwoyo, usambokanganwa kuti Kristu akafira vatadzi, kwete vanhu vakakwana.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe