CHITSAUKO 25
Ndingafara Here Mumhuri Ine Mubereki Mumwe?
“Kuva nevabereki vose kunogona kuita kuti mwana mumwe nomumwe ave neimba yake yokurara uye agone kutengerwa mbatya. Asi ini handina imba yangu ndoga yokurara; kashoma kuti ndiwane mbatya dzandinoda. Amai vanoti havazvikwanisi. Sezvo ndichifanira kuita basa rakawanda repamba amai pavanenge vari kubasa, ndinenge ndava kunzwa sokuti ndatova musikana webasa—sokunge kuti ndiri kunyimwa zvimwe zvinhu zvinofanira kuwanikwa nemwana.”—Shalonda, 13.
ZVIRI pachena kuti imba ine vabereki vaviri vane rudo ndiyo yakanaka. Baba naamai vari pamwe chete kazhinji vanogona kutungamirira, kuchengeta uye kutsigira vana vavo zviri nani. Bhaibheri rinoti: “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete, nokuti vanogona kushanda pamwe chete zvinobudirira zvikuru.”—Muparidzi 4:9, Today’s English Version.
Kunyange zvakadaro, dai mhuri ine vabereki vaviri yaiva mhuka, yaizovawo pakati pemhuka dziri pangozi yokutsakatika. Somuenzaniso, vanopfuura hafu yevana vokuUnited States imwe nguva vachararama mumhuri ine mubereki mumwe vasati vasvitsa makore 18.
Kunyange zvakadaro, vamwe vechiduku vanogara mumhuri dzine mubereki mumwe vanonzwa vachinyara nezvavari. Vamwe vanonzwa vachiremerwa nezvinetso nematambudziko zvavanosangana nazvo muupenyu. Kana uchirarama mumhuri ine mubereki mumwe, zvinetso zvipi zvaunosangana nazvo? Pamutsetse uri pasi apa, nyora dambudziko rinonyanya kukudya mwoyo.
․․․․․
Pamusana pokuti hausi kudiwa uye kuchengetwa zvakakwana nomumwe mubereki wako, zvinoreva here kuti uchararama upenyu husingafadzi? Kwete! Zvakawanda zvine chokuita nemaonero aunoita zviripo zvacho. Zvirevo 15:15 inoti: “Mazuva ose omunhu anotambudzika akaipa; asi munhu ane mwoyo unofara anoita mutambo nguva dzose.” Sezvinorehwa nechirevo ichi, manzwiro omunhu anowanzova nechokuita nemafungiro ake kupfuura mamiriro ake ezvinhu. Ungaitei kuti uve no“mwoyo unofara” pasinei nemamiriro ako ezvinhu?
Kurira Manzwiro Asina Kunaka
Kutanga, usarega mashoko asina kunaka anotaurwa nevamwe achikuodza mwoyo. Somuenzaniso, vamwe vadzidzisi vakataura mashoko anozvidza kune vadzidzi vane mubereki mumwe. Vamwe vakatofungira kuti mimwe misikanzwa yevana vakadaro inenge yakonzerwa nezvinhu zvinenge zvisina kumira zvakanaka kumba kwavo. Asi zvibvunze kuti: ‘Vanhu vanotaura mashoko akadai vanonyatsoziva ini nemhuri yedu here? Kana kuti vanongodzokorora zvavakanzwa vamwe vachitaura nezvemhuri dzine mubereki mumwe here?’
Shoko rokuti “nherera” rinowanika kakawanda muMagwaro rakaisirwa zviripo. Shoko iri harimboshandiswi nenzira yokuzvidza. Chokwadi, munenge mune imwe neimwe yenhoroondo idzi, Jehovha anoratidza kuti ane hanya zvikuru nevana vanorerwa mumhuri dzine mubereki mumwe.a
Ukuwo, vanhu vane vavariro dzakanaka vanganyanya kutyira pavanenge vachitaura newe. Somuenzaniso, vangazengurira kushandisa mashoko akadai sa“baba,” “kuroorana,” “kurambana,” kana kuti “rufu,” vachitya kuti mashoko akadaro angakugumbura kana kuti kukunyadzisa. Maitiro aya anokukanganisa here? Kana zvakadaro, varatidze nokuchenjera kuti havafaniri havo kunetseka. Tony ane makore 14, haana kumbobvira aziva baba vake chaivo. Anoti vamwe vanhu vanotsenga mukanwa pakutaura mamwe mashoko. Zvisinei, Tony anotoshandisa mashoko iwayo paanotaura navo. “Ndinoda kuti vazive kuti handinyari nezvandiri,” anodaro.
Usaramba Uchizvidya Mwoyo
Chokwadi, ndizvo zvinoitika kuti unosurukirwa uye kuti unonzwa warasikirwa kana vabereki vakarambana kana kuti mumwe mubereki akafa. Kunyange zvakadaro, pakupedzisira unofanira kungozvigamuchira. Bhaibheri rinopa zano iri: “Usati: ‘Nei mazuva ekare aiva nani pane aya?’” (Muparidzi 7:10) Nezvenyaya iyi, Sarah ane vabereki vakarambana paaiva nemakore 10, uye iye zvino ava ne13, anoti: “Usaramba uchizvidya mwoyo pamusoro pemamiriro ako ezvinhu, uchigara wakaora mwoyo uchifunga zvingadai zviri nani, kana kufunga kuti uri kutambura nokuti une mubereki mumwe, kana kufunga kuti vana vane vabereki vose vagere mumutambarakede.” Iri izano rakanaka. Chokwadi, kunyange mhuri “yakanaka” inosanganawo nematambudziko.
Wadii kuona mhuri yenyu sechikwata chevakwasvi vari muchikepe? Kana zvichiita, chikepe chacho chinofanira kunge chiine vakwasvi vakakwana. Mumhuri ine mubereki mumwe, mumwe wevakwasvi haapo uye vamwe vakwasvi vose vanofanira kuwedzera kushanda nesimba. Izvi zvinoreva here kuti mhuri iyi haina zvainogona kuita? Aiwa! Chero bedzi vamwe vose vakaramba vachikwasva vari pamwe chete, chikepe hachizonyuri uye chichasvika kwachinenge chichienda.
Uri Kutakura Mutoro Wako Here?
Chii chaizvo chaungaita kuti uve nechokwadi chokuti uri kutakura mutoro wako pamwe chete nevamwe vose vomumhuri? Chimbofunga mazano matatu anotevera:
Dzidza kuchengetedza mari. Mari inonetsa zvikuru mumhuri dzakawanda dzine mubereki mumwe chete. Ungaitei kuti ubatsire? Tony, ambotaurwa, anoti: “Vana vokuchikoro kwangu vanonetsa vabereki vavo kuti vavatengere bhutsu uye mbatya dzemari. Vanoramba kuenda kuchikoro kana vasina zvinhu izvozvo. Handina hangu mbatya dziri mufashoni, asi mbatya dzangu dzakanaka uye dzakachena, uye ndinochengetedza zvandiinazvo. Amai vangu vari kuita zvose zvavanogona; handidi kuti zvivaomere.” Zviri nyore kuti utevedzere muapostora Pauro, uyo akati: “Ndakadzidza kugutsikana nezvandiinazvo . . . , kuitira kuti pose pandiri, chero nguva, ndinogutsikana.”—VaFiripi 4:11, 12, TEV.
Imwe nzira yokuchengetedza nayo mari ndeyokusapambadza zvinhu. (Johani 6:12) Rodney anoti: “Kumba ndinoedza kungwarira kuti ndisamboputsa zvinhu kana kuti kuzviisa panzvimbo isiri iyo, sezvo zvichidhura kuzvigadzirisa kana kuti kutenga zvimwe. Ndinoedza kudzima zvinhu zvemagetsi zvinenge zvisiri kushandiswa. Izvi zvinoita kuti tibhadhare mari shoma yemagetsi.”
Usamirira kutumwa. Vabereki vakawanda vanorera vana vari voga vanozeza kupa vana vavo mitemo kana kuti kuvaudza kuti vaite mabasa epamba. Nei? Vamwe vanofunga kuti vanofanira kuita zvaifanira kuitwa nomubereki asipo nokurerutsira vana vavo. Vangati, ‘Handidi kuti vana vangu vatadzewo kufara.’
Iye zvino sezvo mubereki anganzwa aine mhaka, unganzwa uchida kushandisa manzwiro iwayo kuti zvikunakire. Asi kuita izvozvo kungatowedzera mutoro womubereki wako, kwete kuuderedza. Pane kudaro, wadii kumubatsira usingamiriri kutumwa? Chimbofunga zvakanga zvichida kuitwa naTony. Anoti, “Amai vangu vanoshanda muchipatara, uye yunifomu yavo inofanira kuainwa. Saka ndinovaainira.” Iri harisi basa rechikadzi here? Tony anopindura kuti, “Vamwe vangafunga kudaro. Asi zvinobatsira amai vangu, saka ndinozviita.”
Ratidza kuti unoonga. Kuwedzera pakuita mabasa okuvabatsira, unogona kuita zvakawanda zvinokurudzira mubereki wako nokuratidza kuti unoonga. Vamwe amai vanorera vana vari voga vakanyora kuti: “Ndinowanzoona kuti pandinenge ndakaora mwoyo kana kuti ndagumburwa nechimwe chinhu kubasa ndouya kumba—ndipo apo mwanasikana wangu anosarudza kufanoisa ndiro patafura obva atanga kubika.” Vanowedzera kuti: “Mwanakomana wangu anondimbundira.” Izvi zvinoita kuti vanzwe sei? Vanoti, “Ndinonzwa ndanyevenutswa zvakare.”
Nyora pano kuti ipfungwa ipi panhatu dziri pamusoro apa yaunoda kunyanya kushandira. ․․․․․
Kugara mumhuri ine mubereki mumwe kunokupa mukana wokuvandudza unhu hwakadai setsitsi, kusava noudyire, uye kuvimbika. Uyezve, Jesu akati: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Uye unogona kufara zvikuru kana ukazvipa kuti ugone kubatsira mubereki wako ari oga.
Chokwadi, nguva nenguva uchashuva kuti dai mumwe mubereki wako anga aripo pamba. Zvisinei, unogona kudzidza kuvandudza mamiriro ako ezvinhu. Izvi ndizvo zvakaonekwa nomumwe musikana anonzi Nia. Anoti, “Baba vangu vafa, mumwe munhu akandiudza kuti ‘kubudirira kwako muupenyu kunobva pane zvaunoita uye maonero aunohuita,’ uye mashoko iwayo akasvika kutsi kwemwoyo wangu. Izvozvo zvakandiyeuchidza kuti mamiriro angu ezvinhu haafaniri kunditadzisa kufara.” Unogona kuvawo nemafungiro akafanana. Yeuka kuti mamiriro ako ezvinhu haasiwo anoita kuti ufare kana kuti usuwe. Maonero aunozviita uye zvaunoita nezvazvo ndizvo zvinokosha.
VERENGA ZVAKAWANDA NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 1, CHITSAUKO 4
[Mashoko Omuzasi]
a Somuenzaniso, ona Dheuteronomio 24:19-21 naPisarema 68:5.
RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU
“Usangofunga pamusoro pezvinhu zvako bedzi, asi ufarire zvinenge zvichiitwawo navamwe.”—VaFiripi 2:4, Bhaibheri Dzvene.
ZANO
Kana uchinzwa sokuti uri kupiwa basa rakawandisa, kumbira mubereki wako nokuchenjera kuti aedze zvinotevera:
● Kunyora mabasa ose anofanira kuitwa nenhengo imwe neimwe yemhuri.
● Kana zvichiita, ngavachinjanise mabasa acho achipiwa vamwe vomumhuri vanokwanisa kuaita.
WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?
Kubvuma kuita mabasa epamba kungakubatsira kuti ukurumidze kufunga somunhu mukuru kupfuura vechiduku vari mumhuri dzine vabereki vose, kazhinji vasina zvakawanda zvokuita.
ZVANDINORONGA KUITA!
Ndichakurira manzwiro asina kunaka noku- ․․․․․
Kana vanhu vachinyanya kundityira, ndichati ․․․․․
Izvi ndizvo zvandingada kubvunza mubereki wangu nezve- nyaya iyi ․․․․․
UNOFUNGEI?
● Nei vamwe vanhu vachitarisira pasi vana vanenge vaine mubereki mumwe?
● Nei mubereki wako angazeza kukuudza kuti uitewo mabasa epamba?
● Ungaratidza sei kuti unoonga mubereki wako?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 211]
“Kubvira pakarambana vabereki vangu, ini naamai vangu tava kunyatsokwanisa kukurukura; tava kunyatsopindirana.’’—Melanie
[Mufananidzo uri papeji 211]
Mhuri ine mubereki mumwe yakafanana nechikepe chokukwasva chisina mumwe mukwasvi—vamwe vakwasvi vose vachafanira kuwedzera kushanda nesimba, asi vanogona kubudirira kana vakakwasva pamwe chete