RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • kp pp. 9-11
  • Upenyu Hwako Hwakanangepi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Hwako Hwakanangepi?
  • Rambai Makarinda!
  • Mashoko Akafanana
  • Ungapindura Sei?
    Mukai!—2006
  • Ungapindura Sei?
    Mukai!—2008
  • Ungapindura Sei?
    Mukai!—2010
  • Ungapindura Sei?
    Mukai!—2009
Ona Zvimwe
Rambai Makarinda!
kp pp. 9-11

Upenyu Hwako Hwakanangepi?

• Vanhu vazhinji vakabatikana zvikuru nezvinhu zvoupenyu hwezuva nezuva zvokuti havambofungi kwavari kuenda.

• Bhaibheri rinotinyevera nezvezviitiko zvinoshamisa zviri mberi. Rinotinyeverawo nezvokuchinja kukuru kuchaitika mumasangano evanhu kupota nyika yose. Kuti isu tibatsirwe uye tisapinda munhamo, zvinoda kuti tiite chimwe chinhu nokukurumidza.

• Kune vamwe vanoziva zvinotaurwa neBhaibheri uye vanoedza kuzvishandisa asi vobvumira kufunganya kwoupenyu kuvatsausa.

• Uri kufara nekwakananga upenyu hwako here? Paunoronga zvinhu zvako, unofunga kuti zvingazoitei pazvinangwa zvako zvomunguva yemberi muupenyu?

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 9]

Chii Chinonyanya Kukosha Kwauri?

Zvinotevera waizozviisa panhamba ipi? Isa nhamba yacho.

Zvizhinji zvacho zvine nzvimbo chaiyo muupenyu, asi kana uchifanira kusarudza, chii chinotanga? chichiteverwa nechipi? uye zvimwe zvinozotevera.

․․․ Nhandaro/varaidzo

․․․ Basa rangu

․․․ Utano hwangu

․․․ Mufaro wangu

․․․ Wandakaroorana naye

․․․ Vabereki vangu

․․․ Vana vangu

․․․ Musha wakanaka, mbatya dzakanaka

․․․ Kuva shasha pane zvose zvandinoita

․․․ Kunamata Mwari

[Bhokisi riri papeji 10, 11]

Zvisarudzo Zvako Zviri Kukuendesa Kwauri Kuda Kuenda Chaiko Here?

FUNGA NEZVEMIBVUNZO IYI

NHANDARO/VARAIDZO: Varaidzo yandinosarudza inondizorodza here? Inosanganisira zvinhu zvinonakidza zvingaisa utano hwangu mungozi, kana kuti zvingatondiremadza kwoupenyu hwose here? Kunongova “kunakidzwa” kunosanganisira kungofara zvimwe kwemaawa mashomanana asi kuchigona kuzouyisa marwadzo kwenguva refu here? Kunyange kana nhandaro yandinosarudza yakanaka, ndiri kupedzera nguva yakawandisa pairi here zvokuti inozotora nguva yezvinhu zvinokosha?

BASA RANGU: Nderokunditsigira here, kana kuti nditori muranda chaiye kwariri? Rinoda kuti ndishande zvokusvika pakukanganisa utano hwangu here? Ndaizosarudza kushanda maawa akawanda here kana kuti kuva newandakaroorana naye kana kuti vana vangu? Kana mushandirwi wangu achida kuti ndiite basa rinovhiringidza hana yangu kana kuti rinogara richikanganisa zvinhu zvokunamata, ndichaita basa iroro kuti ndingoramba ndiri pabasa here?

UTANO HWANGU: Handina hanya nahwo, kana kuti ndinoda kuramba ndichihuchengeta hwakanaka here? Ndihwo here hwandinonyanya kutaura mukurukurirano yangu? Nzira yandinohutarisira nayo inoratidza kuti ndine hanya nemhuri yangu here?

MUFARO WANGU: Ndiwo wandinoisa pakutanga here? Ndinouisa pamberi kupfuura kufara kwewandakaroorana naye kana mhuri yangu here? Nzira yandinotsvaka nayo mufaro inoenderana nokuva munamati waMwari wechokwadi here?

WANDAKAROORANA NAYE: Ndinomuona seshamwari yangu kana izvi zvichingonakira ini chete here? Ndinomubata norukudzo, souyo akakodzerwa nokuremekedzwa here? Kudavira Mwari kune zvakunoita here pamaonero andinomuita?

VABEREKI VANGU: Kana ndichiri muduku, ndinoteerera vabereki vangu—ndichivapindura nokuremekedza, ndichiita mabasa andinenge ndarayirwa, ndichisvika kumba panguva chero yavanenge vandiudza, ndichirega kutamba neshamwari uye zvinhu zvavanoti ndingwarire here? Kana ndava munhu mukuru, ndinoteerera vabereki vangu noruremekedzo, ndichivabatsira pavanenge vachida kubatsirwa here? Nzira yandinovabata nayo inoenderana nokuti zvinhu zvakandinakira here kana kuti inoenderana nezano reShoko raMwari?

VANA VANGU: Ndinonzwa ndiine mutoro wokudzidzisa vana vangu tsika dzakakodzera, kana kuti ndinotarisira zvikoro kuti zvidaro here? Ndinombowana nguva yokuva nevana vangu here kana kuti ndinotarisira kuti vapedze nguva vachitambisa matoyi, vachiona TV, kana vari pakombiyuta? Ndinoranga vana vangu nguva dzose here apo vanorega kushandisa zviyeuchidzo zvaMwari, kana kuti ndinongozviita pavanenge vandigumbura?

MUSHA WAKANAKA, MBATYA DZAKANAKA: Chii chinotema kuzvitarisira kwandinoita uye kutarisira kwandinoita zvinhu zvangu—maonerwe andinotarisira kuitwa nevavakidzani here? kuti mhuri yangu igarisike zvakanaka here? kuti ndiri munamati waMwari here?

KUVA SHASHA PANE ZVOSE ZVANDINOITA: Ndinofunga kuti zvinokosha kuita zvinhu nomazvo here? Ndinoedza kuva shasha yevamwe vose here? Handifari here kana mumwe munhu akaita chimwe chinhu zviri nani?

KUNAMATA MWARI: Kufarirwa naMwari kunokosha kwandiri zvikuru here kudarika kufarirwa newandakaroorana naye, vana vangu, vabereki, kana wandinoshandira? Ndichiitira kuchengetedza upenyu hwakanaka, ndingada kusundira mberi basa raMwari munzvimbo yechipiri here?

NYATSOFUNGISISA ZANO REBHAIBHERI

Mwari ane nzvimbo ipi muupenyu hwako?

Muparidzi 12:13: “Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.”

ZVIBVUNZE KUTI: Upenyu hwangu hunoratidza kuti ndinoona zvinhu nenzira iyoyo here? Kuteerera mirayiro yaMwari kune zvakunoita pakutarisira kwandinoita mitoro pamusha, kubasa, kana kuti kuchikoro here? Kana kuti zvimwe zvinhu kana zvinodzvinyirira muupenyu zvine zvazvinoita pakusarudza kwandinoita nguva yokuita zvaMwari here?

Une ukama hworudzii naMwari?

Zvirevo 3:5, 6: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”

Mateu 4:10: “NdiJehovha Mwari wako waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.”

ZVIBVUNZE KUTI: Ndiwo manzwiro andinoita nezvaMwari here? Zvandinoita zuva nezuva, uyewo nzira yandinobata nayo nezvinetso, zvinoratidza kuvimba nokuzvipira kwakadaro here?

Kuverenga nokudzidza Bhaibheri zvinokosha zvakadini kwauri?

Johani 17:3: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.”

ZVIBVUNZE KUTI: Kukoshesa kwandinoita kuverenga Shoko raMwari uye kurifungisisa kunoratidza kuti ndinonyatsodavira izvozvo here?

Kupinda misangano yeungano yechiKristu kunokosha zvakadini kwauri?

VaHebheru 10:24, 25: “Ngatirangarirane kuti tinyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, . . . uye kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.”

Pisarema 122:1: “Ndakafara panguva yavakati kwandiri: Handei kumba kwaJehovha.”

ZVIBVUNZE KUTI: Mararamire angu anoratidza kuti ndinokoshesa here nhungamiro iyi iri muShoko raMwari? Mumwedzi wapfuura handina kupinda mimwe misangano yechiKristu nokuti ndakakoshesa zvimwe zvinhu kupfuura misangano here?

Unoshingaira here kutaura nevamwe nezvaMwari nechinangwa chake?

Mateu 24:14: “Uye aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu . . . , uye zvadaro mugumo uchasvika.”

Mateu 28:19, 20: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”

Pisarema 96:2: “Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake; paridzai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe.”

ZVIBVUNZE KUTI: Basa iri rine nzvimbo chaiyo yarinofanira kuva nayo muupenyu hwangu here? Ko kuriita kwangu kunoratidza kugutsikana kwandinoita pamusoro pokukomba kwenguva dzatiri kurarama here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe