‘Awa Yokutonga’ Yaswedera Pedyo
ZVAKAZARURWA, bhuku rokupedzisira reBhaibheri, rinotizivisa nezvengirozi iri kubhururuka pakati pedenga ine “mashoko akanaka asingaperi kuti izivise semashoko anofadza.” Inoti nenzwi guru: “Ityai Mwari mumupe mbiri, nokuti awa yokutonga kwake yasvika.” (Zvakazarurwa 14:6, 7) ‘Awa yokutonga’ inosanganisira kuziviswa nokuitwa kwokutonga kwaMwari. “Awa” inguva pfupi. Inouya “mazuva okupedzisira” ava kunopera. Iye zvino tiri kurarama munguva iyoyo.—2 Timoti 3:1.
Kusvika kwe‘awa yokutonga’ mashoko akanaka kuvanhu vanoda kururama. Inguva apo Mwari achaunza rusununguko kuvashumiri vake vatambudzwa negadziriro ino yezvinhu ine chisimba, isina rudo.
Zvino, ‘awa yokutonga’ isati yaguma nokuparadzwa kwegadziriro ino yezvinhu yakaipa, tinokurudzirwa kuti: “Ityai Mwari mumupe mbiri.” Ndizvo zvauri kuita here? Izvi zvinosanganisira zvakawanda kupfuura kungoti, “Ndinodavira kuti Mwari ariko.” (Mateu 7:21-23; Jakobho 2:19, 20) Kutya Mwari kwakafanira kunofanira kuita kuti timuremekedze. Kunofanira kuita kuti tinzvenge zvakaipa. (Zvirevo 8:13) Kunofanira kutibatsira kuda zvakanaka uye kuvenga zvakaipa. (Amosi 5:14, 15) Kana tichikudza Mwari, tichamuteerera tichimuremekedza zvikuru. Hatizonyanyobatikana zvokutadza kuverenga Shoko rake, Bhaibheri, nguva dzose. Tichavimba naye nguva dzose uye nemwoyo yedu yose. (Pisarema 62:8; Zvirevo 3:5, 6) Avo vanomuremekedza zvechokwadi vanoziva kuti soMusiki wedenga nepasi, ndiye Changamire Wezvose Zvakasikwa, uye vanozviisa pasi pake norudo saChangamire woupenyu hwavo. Kana tikaziva kuti tinofanira kunyatsofunga nezvenhau idzi, ngatikurumidze kuita kudaro.
Nguva yokutonga iyo ngirozi yacho yakataura nezvayo inonziwo “zuva raJehovha.” “Zuva” rakadaro rakauya paJerusarema rekare muna 607 B.C.E. nokuti vagari varo havana kuteerera nyevero dzaJehovha dzaakapa achishandisa vaprofita vake. Nokufunga kuti zuva raJehovha rakanga richiri kure, vakawedzera kuisa upenyu hwavo mungozi. Jehovha akanga avanyevera kuti: “Rava pedyo, rinokurumidza kwazvo.” (Zefania 1:14) Rimwe “zuva raJehovha” rakauya paBhabhironi rekare muna 539 B.C.E. (Isaya 13:1, 6) Vachivimba nokusimba kweguta ravo navanamwari vavo, vaBhabhironi havana kuteerera nyevero dzakapiwa nevaprofita vaJehovha. Asi nousiku humwe Bhabhironi rakanga rakakura rakakundwa nevaMedhiya nevaPezhiya.
Chii chatakatarisana nacho nhasi? Takatarisana nerimwe “zuva raJehovha” rakatokura zvikuru. (2 Petro 3:11-14) Kutonga kwaMwari kwakaziviswa pa“Bhabhironi Guru.” Maererano naZvakazarurwa 14:8, ngirozi inozivisa kuti: “Bhabhironi Guru rawa.” Izvi zvakatoitika. Harichagonizve kuramba rakabata vanamati vaJehovha. Uori hwaro uye kupindira kwaro muhondo zvakafumurwa zvikuru. Iye zvino kuparadzwa kwaro kwokupedzisira kwava pedyo. Nokuda kwechikonzero ichocho, Bhaibheri rinokurudzira vanhu kwose kwose kuti: “Budai mariri, [Bhabhironi Guru] . . . kana musingadi kuwana mamwe ematambudziko aro. Nokuti zvivi zvaro zvatutirana kusvika kudenga, uye Mwari arangarira mabasa aro okusaruramisira.”—Zvakazarurwa 18:4, 5.
Bhabhironi Guru chii? Iro zvitendero zviri munyika yose zvinoita sezvaiitwa neBhabhironi rekare. (Zvakazarurwa, zvitsauko 17 ne18) Funga nezvezvimwe zvakafanana:
• Vapristi veBhabhironi rekare vaiva vakanyura zvizere mune zvematongerwe enyika orudzi rwacho. Ndizvo zvakaita zvitendero zvakawanda nhasi.
• Vapristi veBhabhironi vaiwanzosimudzira hondo dzorudzi rwacho. Zvitendero zvemazuva ano zvinowanzova pamberi pakukomborera mauto emarudzi anenge achirwisana.
• Dzidziso uye tsika dzeBhabhironi rekare zvakaita kuti rudzi rwacho rupinde muunzenza hwakaipisisa. Nhasi vatungamiriri vezvitendero pavanorega kuteerera zvinodiwa neBhaibheri patsika, unzenza hunopararira pakati pevafundisi nevatendi. Chimwe chinhu chinokoshawo ndechokuti Bhabhironi Guru zvarinoita upombwe nenyika nourongwa hwezvematongerwe enyika, bhuku raZvakazarurwa rinorifananidza nehure.
• Bhaibheri rinotiwo Bhabhironi Guru rinorarama “muumbozha hwokusanyara.” MuBhabhironi rekare, temberi yaro yakawana nzvimbo dzakakura kwazvo, uye vapristi vakava vakakurumbira mune zvebhizimisi. Nhasi, kuwedzera kunzvimbo dzaro dzokunamata, Bhabhironi Guru rine nzvimbo dzakawanda dzebhizimisi. Dzidziso dzaro uye mazororo aro zvinoripa pfuma yakawanda pamwe chete nevamwe vanoita zvokutengeserana.
• Kushandiswa kwezvidhori, mishonga, uye uroyi zvaiva zvakakurumbira muBhabhironi rekare, sezvazvakaita munzvimbo dzakawanda nhasi. Rufu rwaioneka senzira inoendesa kune humwe upenyu. Bhabhironi rakanga rakazara netemberi uye dzimba dzokunamatira dzokukudza nadzo vanamwari varo, asi vaBhabhironi vaishora vanamati vaJehovha. Zvitendero uye tsika dzakafanana zvirimowo muBhabhironi Guru.
Munguva dzekare, Jehovha akashandisa marudzi aiva nesimba mune zvematongerwe enyika uye mumauto kuranga vaya vairamba vachiratidza kuti havana basa naye uye zvaanoda. Saka Samariya rakaparadzwa nevaAsiriya muna 740 B.C.E. Jerusarema rakaparadzwa nevaBhabhironi muna 607 B.C.E. uye neVaRoma muna 70 C.E. Bhabhironi rakazokundwawo nevaMedhiya nevaPezhiya muna 539 B.C.E. Muzuva redu, Bhaibheri rinofanotaura kuti hurumende dzezvematongerwe enyika, sezvinoita chikara, dzicharwisa “hure” dzoriita mushutu, dzichifumura zvariri chaizvo. Dzichariparadza zvachose.—Zvakazarurwa 17:16.
Hurumende dzenyika dzichaita chinhu chakadaro chaizvoizvo here? Bhaibheri rinotaura kuti ‘Mwari achazviisa mumwoyo madzo.’ (Zvakazarurwa 17:17) Zvichangoerekana zvaitika, zvichishamisa, zvichivhundutsa, zvisingafanooneki kana kuti zvishoma nezvishoma.
Chii Chaunofanira kuita? Zvibvunze kuti: ‘Ndichakaomerera kusangano rechitendero rakasvibiswa nedzidziso uye tsika dzinoratidza kuti rutivi rweBhabhironi Guru here?’ Kunyange zvazvo usiri nhengo, ungazvibvunza kuti: ‘Ndakabvuma kuva nemafungiro aro here?’ Mafungiro orudzii? Mafungiro okubvumira unzenza, kuda zvinhu zvenyama uye mafaro pane kuda Mwari, kana kusava nebasa neShoko raJehovha tichizviita nemaune (kunyange muzvinhu zvinooneka sezviduku). Nyatsofungisisa zvauchapindura.
Kuti tifarirwe naJehovha, zvinokosha kuti mune zvatinoita uye zvido zvemwoyo yedu, tipe uchapupu hwokuti zvechokwadi hatisi veBhabhironi Guru. Hapana nguva yokunonoka. Richitinyevera kuti mugumo uchangoerekana wauya, Bhaibheri rinoti: “Bhabhironi guta guru richawisirwa pasi kamwe kamwe saizvozvi, uye harizombowanikizve.”—Zvakazarurwa 18:21.
Asi kune zvimwe zvichaitika. Mune chimwe chikamu che‘awa yokutonga’ yacho, Jehovha Mwari achatonga vezvematongerwe enyika pasi pose, vatongi vacho, uye vose vasingaremekedzi kodzero yake yokutonga achishandisa Umambo hwake hwokudenga hunotungamirirwa naJesu Kristu. (Zvakazarurwa 13:1, 2; 19:19-21) Zvakaratidzwa zvouprofita zvakanyorwa pana Dhanieri 2:20-45 zvinoratidza kutonga kwezvematongerwe enyika kubvira munguva yeBhabhironi rekare kusvika zvino somufananidzo muhombe wakagadzirwa nendarama, sirivha, mhangura, ndarira, uye mutapo. Nezvezuva redu, uprofita hwacho hwakafanotaura kuti: “Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi.” Uye nezvezvichaita Umambo ihwohwo mu‘awa yokutonga’ yaJehovha, Bhaibheri rinozivisa kuti: “Huchaputsanya nokuparadza ushe [hwevanhu] uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.
Bhaibheri rinonyevera vanamati vechokwadi kuti vasada “zvinhu zviri munyika,”—mararamiro anosimudzirwa nenyika ino yakaparadzana naMwari wechokwadi. (1 Johani 2:15-17) Zvisarudzo zvako nezvaunoita zvinoratidza kuti uri kutsigira zvizere Umambo hwaMwari here? Zvechokwadi unohuisa pokutanga muupenyu hwako here?—Mateu 6:33; Johani 17:16, 17.
[Bhokisi riri papeji 14]
Mugumo Uchauya Rini?
“Mwanakomana womunhu anouya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.”—Mateu 24:44.
“Rambai makarinda nokuti hamuzivi zuva racho kana awa yacho.”—Mateu 25:13.
“Hazvingaiti nguva huru.”—Habhakuki 2:3.
[Bhokisi riri papeji 14]
Zvaizochinja Mararamiro Ako Here Kudai Waiziva?
Dai wainyatsoziva kuti kutonga kwaMwari kuri kuuya kuchati nonokei nemakore mashomanana, izvozvo zvaizochinja mararamiro ako here? Kana mugumo wenyika ino watononoka kusvika kupfuura zvawaitarisira, wakabvumira izvozvi kuderedza zvaunoita mubasa raJehovha here?—VaHebheru 10:36-38.
Kusaziva kwedu nguva chaiyo kunotipa mukana wokuratidza kuti tinoshumira Mwari nevavariro dzakanaka. Vaya vanoziva Jehovha vanoona kuti kuzongoshingaira pakupedzisira hakuzofadzi Mwari, uyo anoona zvakaita mwoyo.—Jeremia 17:10; VaHebheru 4:13.
Kune vaya vanoda Jehovha zvechokwadi, nguva dzose vanomuisa pokutanga. Kufanana nevamwe vanhu, vaKristu vechokwadi vangashanda kunyika. Zvisinei, vavariro yavo, haisi yokupfuma, asi ndeyokuwana zvinhu zvokunyama zvakakwana uye zvishoma zvokupawo vamwe. (VaEfeso 4:28; 1 Timoti 6:7-12) Vanoitawo nhandaro dzakanaka uye vanombochinjawo zvinhu, asi chido chavo ndechokuzorodzwa, kwete kuita zvinhu nokuti zvinenge zvichiitwa nevamwe vose. (Mako 6:31; VaRoma 12:2) Kufanana naJesu Kristu, vanofara kuita zvinodiwa naMwari.—Pisarema 37:4; 40:8.
VaKristu vechokwadi vanoda kurarama uye kushumira Jehovha nokusingaperi. Tariro iyoyo haidereri kukosha kwayo nokuti vanofanira kumirira zvimwe zvikomborero kwenguva yakati rebei kupfuura zvaitarisirwa nevamwe.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 15]
Nyaya Youchangamire
Kuti tinzwisise kuti nei Mwari achibvumira kutambura kwakawanda kudai, tinofanira kunzwisisa nyaya youchangamire. Uchangamire chii? Kuva nechiremera chikuru kupfuura vamwe vose.
Nokuti Jehovha ndiye Musiki, ane kodzero yokutonga pasi nevose vanogara pariri. Zvisinei, Bhaibheri rinotsanangura kuti pakutanga munhoroondo yevanhu, uchangamire hwaJehovha hwakaonekwa sohusina kukodzera. Satani Dhiyabhorosi akati Jehovha aingoomesa zvinhu pasina chikonzero, kuti akanga anyepera vabereki vedu vokutanga nezvezvaizoitika kana vaizorega kuteerera mutemo waMwari uye pavaizoita zvinhu nenzira yavo pachavo, uye kuti zvaizova nani kana vaizozvitonga pasina nhungamiro yaMwari.—Genesi, zvitsauko 2 ne3.
Kudai Mwari akanga aparadza vapanduki vacho pakarepo, zvingadai zvakaratidza simba rake, asi zvingadai zvisina kugadzirisa nyaya dzakanga dzamutswa. Pane kuparadza vapanduki vacho pakarepo, Jehovha akabvumira ngirozi nevanhu kuti vaone migumisiro yokupandukira. Kunyange zvazvo izvi zvakasanganisira kutambura, zvakapawo mukana wokuti isu tiberekwe.
Uyezve, achirasikirwa zvikuru, Jehovha norudo akaita urongwa hwokuti vanhu vaizomuteerera uye vaizotenda chibayiro chorudzikinuro choMwanakomana wake vagone kusunungurwa pachivi uye migumisiro yacho vorarama muParadhiso. Kana zvaizova zvakakodzera, izvi zvaizoitwa nokuvamutsa kubva muvakafa.
Kubvumira nguva yokugadzirisa nyaya yacho kwakapawo vashumiri vaMwari mukana wokuratidza kuti vanogona kubvuma rudo rwaMwari uye kuratidza kutendeka kwavo kuna Jehovha mumamiriro ose ezvinhu. Kugadziriswa kwenyaya youchangamire hwaMwari, pamwe chete nenyaya yakafanana yokutendeka kwevanhu, kunokosha kuti pave nokuremekedza kwakakodzera mutemo unotungamirira zvose zvakasikwa. Pasina izvozvo, rugare rwechokwadi rwaisazombovapo.a
[Mashoko Omuzasi]
a Nyaya idzi uye zvadzinoreva zvinokurukurwa zvizere mubhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mufananidzo]
Urongwa huri munyika yose hwezvematongerwe enyika huchaguma