RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ol chikamu 1 pp. 4-5
  • Machechi Ose Anodzidzisa Chokwadi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Machechi Ose Anodzidzisa Chokwadi Here?
  • Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chechi Yedu Inofanira Kuvakirwa Pachokwadi
  • Zvitendero Zvenhema Zvinoita Kuti Mwari Aonekwe Zvisiri Izvo
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Rudzidziso Rwupi Norwupi Rwakanaka Zvakakwana Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Chii Chichaitika Kuzvitendero?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
ol chikamu 1 pp. 4-5

CHIKAMU 1

Machechi Ose Anodzidzisa Chokwadi Here?

1. Ndezvipi zvimwe zvitendero zviri muAfrica?

ANENGE munhu wose muAfrica anobvuma kuti kunamata Mwari kunokosha. Asi vashoma vanobvumirana panzira yokumunamata nayo. Vamwe vanonamatira muchivako chevaMuslim chinonzi mosque, uye vamwe vanoenda kunzvimbo inoera kunoitwa zvetsika dzemadzitateguru. Vamwewo vanoenda kuchechi. Asi zvingava zvisina kururama kufunga kuti kunongova nezvitendero zvitatu chete muAfrica. VaMuslim vane mitemo yakasiyana-siyana uye vanotenda zvakasiyana-siyana. Tsika dzechivanhu dzinosiyana munzvimbo nenzvimbo. Pakati pemachechi anozviti ndeechiKristu, kusabatana kwacho kwakatonyanya. Tisingatauri makuru acho, muAfrica yose mune zviuru zvemachechi akazvimirira.

Mukadzi akapfugamira chifananidzo; murume akapfugama achinamata

Chechi Yedu Inofanira Kuvakirwa Pachokwadi

2. (a) Chii chinowanzoita kuti munhu ave muchechi yaari? (b) Chii chisingaratidzi kuti chechi yedu inofadza Mwari?

2 Chii chinoita kuti vanhu vanamate sezvavanoita? Vakawanda vanogamuchira chechi yevabereki vavo. Zvakaitika kare kare zvinotumawo vanhu kusarudza chechi yavanonamata mazuva ano. Bhuku rinonzi The Africans—A Triple Heritage rinoti: “ChiIslam chakapararira kunyika dzokumusoro kwegwenga reSahara chichikunda, . . . ndiyo nzira yakapararirawo nayo chiKristu kuzasi kwegwenga reSahara. Kana chiIslam chakapinza chitendero chacho kumusoro kwegwenga reSahara nomunondo, kuzasi kwegwenga reSahara chiKristu chakapinzwa nepfuti.” Kunyange zvakadaro, vakawanda vedu tinodavira kuti chitendero chedu chinofadza Mwari. Asi hatingafaniri kuti chechi ndeyechokwadi nokuti ndiyo inopinda vabereki vedu kana kuti nokuti imwewo nyika yakamanikidzira madzitateguru edu kunamata muchechi iyoyo.

3-5. Muenzaniso upi unotibatsira kuona kuti haasi machechi ose anodzidzisa chokwadi?

3 Kunyange zvazvo machechi ose achiti anopa nhungamiro yakavimbika yokunamata Mwari, pfungwa dzawo dzinosiyana. Anodzidzisa zvinhu zvakawanda zvakasiyana-siyana pamusoro pokuti Mwari ndiani uye zvaanotitarisira kuita. Funga izvi: Ngatiti wapinda basa pane imwe kambani hombe. Pazuva raunotanga basa, unoudzwa kuti mukuru webasa ari pazororo. Saka unobvunza vashandi vatatu zvaunofanira kuita. Wokutanga anoti mukuru webasa anoda kuti uite basa rokutsvaira. Wechipiri anoti unofanira kupenda chivako. Wechitatu anokuudza kuti uendese tsamba kuvaridzi vadzo.

4 Unozobvunza vashandi nezvomukuru wepabasa penyu. Wokutanga anoti mukuru wepabasa pacho munhu murefu, achiri wechiduku, uye ane hasha. Wechipiri anoti mupfupi, akwegura, uye ane tsitsi. Wechitatu anokuudza kuti mukuru wepabasa pacho haasi murume—asi mukadzi. Zvichida unobva wangoona kuti vashandi vatatu ava havasi kutaura chokwadi vose. Kana uchida kuchengetedza basa rauchangobva kuwana iri, pamwe uchatsvaka kuti uwane kuti mukuru webasa wacho ndiani chaizvo uye zvaanoda kuti uite.

5 Ndizvo zvazvakaita nemachechi. Nokuti kune zvakawanda zvinotaurwa pamusoro pokuti Mwari ndiani uye zvaanoda kwatiri, tinofanira kuva nechokwadi chokuti manamatiro edu anoenderana nechokwadi. Asi tingadzidza sei chokwadi pamusoro paMwari?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe