RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ol p. 2
  • Zviri Mukati

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviri Mukati
  • Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
ol p. 2

Mashoko Okutanga

MWARI WEMASIMBA OSE ndiye Changamire wezvose. Ndiye anotipa upenyu hwedu, hwanhasi nohwemangwana. Ane simba rokupa mubayiro nesimba rokuranga. Ane simba rokupa upenyu nesimba rokutora upenyu. Kana achifadzwa nesu, zvichatifambira zvakanaka; kana asingafadzwi nesu, hazvitifambiri zvakanaka. Zvinokosha chaizvo kuti kunamata kwedu kugamuchirwe naye!

Mhuri yakamira pamharadzano

Vanhu vane nzira dzakawanda dzavanonamata nadzo. Kana chitendero chakafanana nomugwagwa, migwagwa yose yezvitendero yakarurama here mukuona kwaMwari? Aiwa, haina. Jesu, muprofita waMwari, akaratidza kuti kunongova nemigwagwa miviri chete. Akati: “Mugwagwa unoenda mukuparadzwa wakafara uye wakapamhama, vakawanda ndivo vanopinda nawo; asi suo rakatetepa uye mugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana.”—Mateu 7:13, 14.

Kunongova nemarudzi maviri chete ezvitendero: chimwe chinoendesa kuupenyu uye chimwe chinoendesa kunoparadzwa. Chinangwa chebhurocha rino ndechokukubatsira kuwana mugwagwa unoenda kuupenyu husingaperi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe