Chitsauko 6
Nyaya Yatinofanira Kutarisana Nayo Tose
1, 2. (a) Satani akamutsa nyaya yei muEdheni? (b) Nyaya iyoyo inoratidzwa sei nezvaakataura?
UNOBATANIDZWA munyaya inokosha kupfuura dzose dzati dzambotarisana nevanhu. Pauri munyaya iyi pacharatidza zvichava zvakaita remangwana rako risingagumi. Nyaya iyi yakamutswa apo kupandukira kwakatanga muEdheni. Panguva iyoyo Satani akabvunza Evha kuti: “Nhai, ndizvo here kuti Mwari wakati: Regai kudya miti yose yomunda?” Akapindura achiti Mwari akanga ataura nezvomuti mumwe chete kuti: “Regai kuudya . . . kuti murege kufa.” Ipapo Satani akapomera Jehovha zvakananga kuti anonyepa, achiti upenyu hwaEvha kana hwaAdhamu hwakanga husingatsamiri pakuteerera kwavo Mwari. Satani akati Mwari akanga ari kunyima zvisikwa zvake chimwe chinhu chakanaka—mano okuzvirongera maitiro avanoda kuita zvinhu muupenyu. Satani akati: “Mwari unoziva kuti nomusi wamunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.”—Genesi 3:1-5.
2 Zvakanga zvichitaurwa naSatani chaizvo ndezvokuti vanhu vaizoita zviri nani kuzvisarudzira zvavanoda pane kuteerera mitemo yaMwari. Nokudaro akaramba nzira yaMwari yokutonga. Izvi zvakamutsa nyaya inokosha zvikuru youchangamire hwaMwari pazvose, kureva kuti, kodzero yake yokutonga. Mubvunzo wakamutswa, unoti: Chiri nani kuvanhu chii, nzira yaJehovha yokutonga kana kuti utongi hwokuzvimirira? Zvino, Jehovha angadai akauraya Adhamu naEvha pakarepo, asi izvozvo zvingadai zvisina kupedza nyaya youchangamire zvinogutsa. Nokutendera vanhu kuvapo kwenguva yakati rebei, Mwari aigona kunyatsoratidza zvaizokonzerwa nokuzvimirira kwevanhu kubva kwaari nemitemo yake.
3. Inyaya ipi yechipiri yakamutswa naSatani?
3 Kuramba kwaSatani kodzero yaJehovha yokutonga hakuna kuguma nezvakaitika muEdheni. Haana kuva nechokwadi nokuvimbika kwevamwe kuna Jehovha. Iyi yakava nyaya yechipiri yakabatana zvikuru neyokutanga. Haanawo kuva nechokwadi nokuvimbika kwevana vaAdhamu naEvha uye kwevanakomana vose vomudzimu vaMwari, kunyange Mwanakomana wedangwe anodiwa zvikuru waJehovha. Somuenzaniso, mumazuva aJobho, Satani akaita nharo dzokuti vaya vanoshumira Jehovha vanozviita, kwete nokuti vanoda Mwari nenzira yake yokutonga, asi nokuda kwezvikonzero zvoudyire. Akaita nharo dzokuti kana vakatambudzwa, vaizobvuma kukundwa nezvido zvoudyire.—Jobho 2:1-6; Zvakazarurwa 12:10.
Zvaratidzwa Nezvave Zvichiitika
4, 5. Zvave zvichiitika zvaratidzei nezvokururamisa kwomunhu nhano dzake?
4 Chimwe chinhu chinokosha munyaya youchangamire ndeichi: Mwari haana kusika vanhu kuti vararame vakazvimirira kubva pakutonga kwake uye vobudirira. Kuti vabatsirwe, akavaita kuti vararame zvinoenderana nemitemo yake yakarurama. Muprofita Jeremia akabvuma kuti: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake. Haiwa, Jehovha, ndirangei henyu.” (Jeremia 10:23, 24) Saka Shoko raMwari rinokurudzira kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako.” (Zvirevo 3:5) Mwari zvaakaita kuti vanhu vadzorwe nemitemo yezvinhu zvake zvaakasika kuti varambe vachirarama, akaitawo mitemo yetsika, yaizoita kuti pave nevanhu vanopindirana, kana yateererwa.
5 Zviri pachena kuti Mwari aiziva kuti vanhu vaisazombobudirira kuzvidzora pasina kutonga kwake. Vachiedza kuzvimirira kubva pautongi hwaMwari asi vasingabudiriri, vanhu vakaita urongwa hwakasiyana-siyana hwematongerwe enyika, hwoupfumi, uye hwezvitendero. Urongwa hwakasiyana-siyana uhwu hwakaita kuti vanhu vagare vachinetsana, zvichiguma nemhirizhonga, hondo, uye rufu. “Munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.” (Muparidzi 8:9) Izvozvo ndizvo chaizvo zvakaitika muupenyu hwose hwevanhu. Sezvakafanotaurwa muShoko raMwari, vanhu vakaipa nevanyengeri vapfuurira ku“bva pakuipa vachienda pakuipisisa.” (2 Timoti 3:13) Uye muzana remakore rechi20, umo vanhu vakasvika pamusoro-soro mune zvesayenzi uye kugadzirwa kwezvinhu, makaitika njodzi dzakaipisisa dzati dzamboitika. Mashoko aJeremia 10:23 aratidzwa kakawanda kuti ndeechokwadi—vanhu havana kusikwa kuti varuramise nhano dzavo.
6. Munguva pfupi iri kutevera Mwari achagadzirisa sei kuzvimirira kwevanhu kubva kwaari?
6 Migumisiro yakaipa yenguva refu yokuzvimirira kubva kuna Mwari yanyatsoratidza zvakakwana kuti kutonga kwevanhu hakumbofi kwakabudirira. Utongi hwaMwari ndiyo chete nzira yokuwana nayo mufaro, kubatana, utano, uye upenyu. Uye Shoko raMwari rinoratidza kuti kubvumira kwaJehovha utongi hwevanhu hwokuzvimirira kwava kuda kuguma. (Mateu 24:3-14; 2 Timoti 3:1-5) Munguva pfupi iri kutevera, achapindira munhau dzevanhu kuti adzorere utongi hwake munyika. Uprofita hweBhaibheri hunoti: “Namazuva amadzimambo iwayo [utongi hwevanhu huripo iye zvino] Mwari wokudenga achamutsa ushe [kudenga], husingatozongoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu [vanhu havazombotongizve pasi]; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose [huripo nhasi], ihwo huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.
Kupona Tichipinda Munyika Itsva yaMwari
7. Utongi hwaMwari pahuchagumisa utongi hwevanhu, ndivanaani vachapona?
7 Utongi hwaMwari pahuchagumisa utongi hwevanhu, ndivanaani vachapona? Bhaibheri rinopindura kuti: “Vakarurama [vaya vanotsigira kodzero yaMwari yokutonga] vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa [vaya vasingatsigiri kodzero yaMwari yokutonga] vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.” (Zvirevo 2:21, 22) Saizvozvowo, munyori wepisarema akati: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo . . . Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:10, 29.
8. Mwari achareverera sei zvizere uchangamire hwake?
8 Nyika yaSatani yaparadzwa, Mwari achaunza nyika yake itsva, iyo ichabvisa zvachose mhirizhonga dzinoparadza, hondo, urombo, kutambura, urwere, uye rufu izvo zvave zvakabata vanhu kwezviuru zvemakore. Bhaibheri rinorondedzera zvakaisvonaka zvikomborero zvichawanikwa nevanhu vanoteerera richiti: “Achapukuta [iye Mwari] misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Achishandisa hurumende yake yoUmambo hwokudenga inotungamirirwa naKristu, Mwari achareverera zvizere (kudzivirira, kana kuti kuratidza) kodzero Yake yokuva Changamire, kureva kuti, Mutongi wedu.—VaRoma 16:20; 2 Petro 3:10-13; Zvakazarurwa 20:1-6.
Maratidzire Avakaita Pavari Munyaya Yacho
9. (a) Vaya vakaramba vakavimbika kuna Jehovha vaiona sei shoko rake? (b) Noa akaratidza sei kuvimbika kwake, uye tingabatsirwa sei nomuenzaniso wake?
9 Kare kose aka, pave pane varume nevakadzi vokutenda vakaratidza kuvimbika kwavo kuna Jehovha saChangamire. Vaiziva kuti upenyu hwavo hwaitsamira pakumunzwa nokumuteerera. Mumwe murume akadaro ndiNoa. Saka Mwari akati kuna Noa: “Kupera kwavanhu vose kwasvika pamberi pangu . . . Uzviitire areka.” Uye Noa akateerera nhungamiro yaJehovha. Pasinei nokunyeverwa, vamwe vanhu vomuzuva iroro vakapfuurira kurarama upenyu hwavo sezvinonzi hapana chaishamisa chaizoitika. Asi Noa akavaka areka hombe hombe ndokuramba akabatikana kuparidzira vamwe nezvenzira dzakarurama dzaJehovha. Nhoroondo yacho inoenderera mberi ichiti: “Noa akaita saizvozvo; sezvaakarayirwa naMwari, wakaita zvose saizvozvo.”—Genesi 6:13-22; VaHebheru 11:7; 2 Petro 2:5.
10. (a) Abrahamu naSara vakatsigira sei uchangamire hwaJehovha? (b) Tingabatsirwa sei nemienzaniso yaAbrahamu naSara?
10 Abrahamu naSara vaivawo mienzaniso yakaisvonaka yokutsigira uchangamire hwaJehovha, vachiita chero chaaivarayira. Vaigara kuUri yevaKadheya, guta rakanga rakabudirira. Asi Jehovha paakaudza Abrahamu kuti aende kune imwe nyika yaakanga asingazivi, Abrahamu “akaenda sezvaakaudzwa naJehovha.” Hapana mubvunzo kuti Sara akanga ambova noupenyu hwakanaka—pamusha, neshamwari, uye nehama. Asi, akateerera Jehovha nomurume wake ndokuenda kunyika yeKenani, kunyange akanga asingazivi zvakanga zvakamumirira ikoko.—Genesi 11:31–12:4; Mabasa 7:2-4.
11. (a) Mosesi akatsigira uchangamire hwaJehovha mumamiriroi ezvinhu? (b) Muenzaniso waMosesi ungatibatsira sei?
11 Mosesi ndomumwe munhu akatsigira uchangamire hwaJehovha. Uye akaita izvi mumamiriro ezvinhu akaomesesa—akatarisana chiso nechiso naFarao weIjipiti. Hakusi kuti Mosesi aizvivimba. Kusiyana naizvozvo, akanga asina chokwadi nemano ake okutaura zvakanaka. Asi akateerera Jehovha. Achitsigirwa naJehovha uye achibatsirwa nomukoma wake Aroni, Mosesi akaramba achingotaurira Farao akanga akaoma musoro shoko raJehovha. Kunyange vamwe vevanakomana vaIsraeri vaitotsoropodza Mosesi nehasha. Asi, Mosesi akaita nokuvimbika zvose zvaakanga arayirwa naJehovha, uye akashandiswa naJehovha kununura vaIsraeri muIjipiti.—Eksodho 7:6; 12:50, 51; VaHebheru 11:24-27.
12. (a) Chii chinoratidza kuti kuvimbika kuna Jehovha kunosanganisira zvinopfuura kuita zvakajekeswa naMwari zvakaita zvokunyorwa? (b) Kunzwisisa rudzi urwu rwokuvimbika kungatibatsira sei kushandisa 1 Johani 2:15?
12 Vaya vaiva vakavimbika kuna Jehovha havana kufunga kuti kuteerera zvakanga zvakanyorwa naMwari ndiko chete kwaingodiwa. Mudzimai waPotifari paakaedza kunyengedza Josefa kuita upombwe naye, pakanga pasina murayiro wakanyorwa waibva kuna Mwari wairambidza upombwe. Zvisinei, Josefa aiziva nezvourongwa hwokuroorana hwakatangwa naJehovha muEdheni. Aiziva kuti kurara nomudzimai womumwe murume kwaisazofadza Mwari. Josefa akanga asingadi kuedza kuona kuti Mwari aizomubvumira kuita sezvinoita vaIjipiti kusvikira papi. Akatsigira nzira dzaJehovha nokufungisisa kubata kwaiita Mwari nevanhu ndokubva ashandisa nouchenjeri zvaakanzwisisa kuti ndiko kuda kwaMwari.—Genesi 39:7-12; Pisarema 77:11, 12.
13. Dhiyabhorosi akaratidzwa sei kuti anonyepa pana (a) Jobho? (b) VaHebheru vatatu?
13 Kunyange vakaiswa pamuedzo wakakura, vaya vanonyatsoziva Jehovha havabvi kwaari. Satani akati kana Jobho akarasikirwa nezvinhu zvake zvakawanda kana kuti noutano hwake, kunyange iye—airumbidzwa zvikuru naJehovha—aizoramba Mwari. Asi Jobho akaratidza kuti Dhiyabhorosi anonyepa, kunyange zvazvo Jobho pachake akanga asingazivi kuti nei nhamo dzaimumomotera. (Jobho 2:9, 10) Pashure pemazana emakore gare gare, achiri kuedza kuratidza kuti aitaura chokwadi, Satani akaita kuti mambo weBhabhironi akanga atsamwa atyisidzire vaHebheru vatatu vechiduku norufu muchoto kana vaisazopfugama vachinamata mufananidzo wakanga wamiswa namambo. Vamanikidzwa kusarudza kuti voteerera chipi, murayiro wamambo kana kuti mutemo waJehovha wokusanamata zvidhori, vakataura zvakasimba kuti vaishumira Jehovha uye kuti ndiye akanga ari Changamire wavo Wezvose. Kutendeka kuna Mwari ndiko kwainyanya kukosha kwavari kupfuura upenyu hwavo hwepanguva iyoyo!—Dhanieri 3:14-18.
14. Zvinobvira sei kwatiri sevanhu vasina kukwana kuratidza kuti takanyatsovimbika kuna Jehovha?
14 Kubva pamienzaniso yakadai toti munhu anofanira kuva akakwana kuti avimbike kuna Jehovha kana kuti munhu anokanganisa anenge akundikana zvachose here? Kana! Bhaibheri rinotiudza kuti Mosesi ane zvaaimbokundikanawo. Kunyange Jehovha asina kufadzwa nazvo, haana kuramba Mosesi. Vaapostora vaJesu Kristu vaivawo nezvavaikanganisa. Tichifunga nezvokugara kwatakaita nhaka yokusakwana, Jehovha anofara kana tisingaregi kuteerera kuda kwake munzira ipi neipi nemaune. Kana tikakanganisa pamusana pokusakwana, zvinokosha kuti tipfidze nemwoyo wose torega kuramba tichikanganisa. Nenzira iyi tinoratidza kuti tinonyatsoda zvinonzi naJehovha zvakanaka uye tinovenga zvaanoti zvakaipa. Pahwaro hwokutenda kwedu muchibayiro chaJesu chinoyananisa chivi, tinogona kunzi takachena pamberi paMwari.—Amosi 5:15; Mabasa 3:19; VaHebheru 9:14.
15. (a) Ndiani pavanhu vose akaramba akatendeka zvakakwana kuna Mwari, uye izvi zvakaratidzei? (b) Tinobatsirwa sei nezvakaitwa naJesu?
15 Kunyange zvakadaro, kungava kuti hazvitombobviri kuti vanhu vateerere zvakakwana uchangamire hwaJehovha here? Mhinduro yacho yakanga yakaita se“chakavanzika chitsvene” kwemakore anenge 4 000. (1 Timoti 3:16) Adhamu, kunyange akasikwa akakwana, haana kuratidza muenzaniso wakakwana wokuzvipira kuna Mwari. Saka ndiani aizvigona? Havangambovi vana vake vanoita zvivi. Munhu chete aizoita izvi aiva Jesu Kristu. (VaHebheru 4:15) Zvakaitwa naJesu zvakaratidza kuti Adhamu, uyo akanga aine mamiriro ezvinhu akanaka, angadai akaramba akatendeseka kudai aida kudaro. Chikanganiso chakanga chisiri mubasa raMwari rokusika. Naizvozvo Jesu Kristu ndiye muenzaniso watinoedza kutevedzera mukuratidza kuteerera mutemo waMwari uyewo mukuzvipira kwedu kuna Jehovha, Changamire Wezvose.—Dheuteronomio 32:4, 5.
Mhinduro Yedu Pachedu Inotii?
16. Nei tichifanira kugara takangwaririra maonero atinoita uchangamire hwaJehovha?
16 Mumwe nomumwe wedu nhasi anofanira kutarisana nenyaya youchangamire pazvinhu zvose. Kana takataura pachena kuti tiri kudivi raJehovha, Satani anonangana nesu. Anotidzvinyirira mumativi ose uye acharamba achidaro kusvikira pamugumo wenyika yake yakaipa. Tinofanira kuramba takangwaririra. (1 Petro 5:8) Mufambiro wedu unoratidza patiri panyaya youchangamire hwaJehovha uye nyaya yechipiri yokutendeka kuna Mwari pakuedzwa. Hatingagoni kufunga kuti kusavimbika hakuna basa nemhaka chete yokuti vanhu vakawanda vanozviita. Kuramba takatendeka kunoda kuti tiedze kushandisa nzira dzakarurama dzaJehovha muzvinhu zvose zvoupenyu.
17. Chii chiripo pamusoro pemavambo okureva nhema nokuba chinofanira kuita kuti tizvirege?
17 Somuenzaniso, hatifaniri kutevedzera Satani, uyo ari “baba venhema.” (Johani 8:44) Tinofanira kuva pachokwadi pazvose zvatinoita. Munyika yaSatani, vechiduku kazhinji havatauri chokwadi kuvabereki vavo. Asi vechiduku vechiKristu havaiti izvi, uye nokudaro vanoratidza kuti kutaura kwaSatani kwokuti vanhu vaMwari vaizorega kutendeka kwavo kana vaedzwa ndokwenhema. (Jobho 1:9-11; Zvirevo 6:16-19) Uyewo pane miitiro yebhizimisi ingaratidza kuti munhu ari kudivi ra“baba venhema” pane kuna Mwari wechokwadi. Hatiiti miitiro yakadaro. (Mika 6:11, 12) Uyewo, kuba hakuzombonzi kwakarurama kunyange munhu ari murombo kana kuti ari kubirwa wacho akapfuma. (Zvirevo 6:30, 31; 1 Petro 4:15) Kuba kunongopesana nemitemo yaMwari kunyange iri tsika yakajairwa kwatinogara kana kuti chinotorwa chacho chisingakoshi.—Ruka 16:10; VaRoma 12:2; VaEfeso 4:28.
18. (a) Pamugumo woKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru, muedzoi uchauya pavanhu vose? (b) Itsikai yatinofanira kuva nayo iye zvino?
18 MuKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru, Satani nemadhimoni ake vachave vari mugomba rakadzika-dzika, vasingakwanisi kunyengedza vanhu. Ruchava rusununguko chairwo! Asi makore ane chiuru apera, vachambosunungurwa kwekanguva. Satani nevaya vanomutevera vachaomesera vanhu vanenge vava munyika itsva vanoramba vakatendeseka kuna Mwari. (Zvakazarurwa 20:7-10) Kana tine ropafadzo yokuzorarama panguva iyoyo, tichaita sei panyaya youchangamire pazvisikwa zvose? Sezvo vanhu vose vanenge vakwana panguva iyoyo, kusavimbika kupi nokupi kuchava kwemaune uye kuchaguma nokuparadzwa zvachose. Zvinokosha kwazvo kuti tive netsika yokuteerera chero mirayiridzo ipi zvayo yatinopiwa naJehovha, zvingava neShoko rake kana kuti nesangano rake! Tikaita kudaro, tinoratidza kuti takazvipira kwaari zvechokwadi saChangamire Wezvose.
Kudzokorora
• Inyaya ipi huru yatinofanira kutarisana nayo tose? Takabatanidzwa sei?
• Chii chinooneka panzira dzakaratidza nadzo varume nevakadzi vekare kuti vakatendeka kuna Jehovha?
• Nei zvichikosha kuti tikudze Jehovha nomufambiro wedu zuva rimwe nerimwe?