Neiko Kwatora Nguva Refu Kwazvo Kupedza Nhau Yacho?
MAKORE ane 6 000 apfuura, uchangamire hwaMwari hwakanga husiri nhau. Pakupedzwa kwamabasa ake anoshamisa echisiko, “Mwari akaona chinhu chiri chose chaakanga aita uye, tarira! chakanga chakanaka zvikuru.” (Genesi 1:31, NW) Ipapo akapinda munhambo refu yo“kuzorora”; kwete, chokwadika, kuti akanga aneta mumuviri. Panzvimbo pezvo, akazorora mukuti akarega mabasa ake okusika pasi pano, aine chivimbo chokuti donzo rake rakanaka pamusoro paiwaya raizova budiriro yakakwana.—Genesi 2:1-3; Isaya 55:11.
Chii chakanga chiri donzo iroro? Jehovha akaisa vaviri vokutanga vohunhu munzvimbo inonzi bindu reEdheni. Mutoro wavo wokutanga wakanga uri wokutarisira musha wavo weparadhiso, kubatanidza mhatsa dzawo huru dzemhuka. Uyewo, vaifanira kubereka ndokurera vana. Pashure penguva yakati, sezvo mhuri yavo yaikura, vaifanira kutambanudzira Paradhiso kusvikira kumigumo yapasi mukuteerera murairo waMwari wo‘kukurira pasi.’ Nokudaro, pakupedzisira pasi raizova musha wakaisvonaka, wakazadzwa nemhuri inofara, yakabatana inobatira Baba vavo vokudenga. Iroro ndiro rakanga riri donzo rapakuvamba raMwari.—Genesi 1:27, 28; 2:8, 15, 20-22.
Adhama naEvha vaizogoverana here mukuzadzika iri donzo guru kusvikira kumugumo waro? Ikoko kwakatsamira pakupfuurira kwavo kubatira pamwe naro kupfurikidza nokuteerera Musiki wavo. Kuteerera kwavo kwaisafanira kwokusaziva, kwokusafunga. Vakapiwa rusununguko, nokuti Mwari aida kuti vamubatire nomwoyo unoonga. Sechiyeuchidzo chinooneka chouchangamire hwake hune maruramiro, iye akagovera muedzo wakapfava. Vaigona kudya zvokudya zvipi nezvipi mubindu kunze kwezvimwe. Makanga muine muti wemichero nezvawo Mwari akati: “Muzuva rauchadya pauri muchafa zvirokwazvo.”—Genesi 2:16, 17, NW.
Aya mashoko anotiudza kuti Adhama naEvha havana kusikirwa kukwegura ndokufa. Rufu rwaizouya bedzi kana vasina kuteerera uyu murairo wakapfava. Kudai Adhama naEvha vakanga varamba vachiteerera Mwari, vaizova vachiri vapenyu pasi pano nhasi savabereki vemhuri yenyika yose yavana vakakwana.—Ona nheyo inotaurwa paPisarema 37:29.
Zvisinei, chimwe chezvisikwa zvengirozi zvaMwari, zvino chinonzi Satani, chakava chinotsoropodza nzira yaMwari yokutonga. Icho chakakurudzira Evha kudya muchero wakarambidzwa, chichikarakadza nenzira yokunyengera kuti kupfurikidza nokuzvimirira pauchangamire hwaMwari, aizova ari nane zvikuru. Vavariro chaiyoiyo yaSatani, kunyanguvezvo, yakanga iri chishuvo chokuva mwari wemhuri inokarirwa yorudzi rwomunhu.—Genesi 3:1-5; Mateo 4:8, 9; Johane 8:44.
Sezvo Jehovha akanga apa vaviri vokutanga vohunhu chinhu chiri chose chavaida, Evha aifanira kuva akatsigira uchangamire hwake ndokuramba chikarakadzo chenhema chaSatani. Nenzira ine ngwavaira, kunyanguvezvo, akapfuurira ndokuputsa mutemo waMwari. Pashure pezvo, Adhama akasarudza kukumbanira mudzimai wake munzira yake yokusachenjera. Nokudaro vaviri vane madiro, pamwe chete naSatani, vakapandukira Mwari, uye nhau youchangamire hwoumwari yakamutswa.—Genesi 3:6.
Nguva Yakadikanwa Yokupedza Nhau Dzinokosha
Jehovha aigona kuve akaparadza vapandukiri vatatu pakarepo. Asi ikoko kungadai kusina kupedza chose chose mibvunzo yakamutswa norupandukiro rwavo. Munhu aigona kuzvitonga amene nenzira inobudirira pasina Mwari here? Yakanga iri ruramisiro here kuna Mwari kuraira kuzviisa pasi pouchangamire hwake? Uyezve, nemhaka yomufambiro wavaviri vokutanga, vanhu vapi navapi vaizosarudza nenzira isina udyire kubatira Mwari nokuda kwavo vamene here—kunyange apo vanoedzwa naSatani? (Jobho 1:7-11; 2:4) Kwaizotora nguva kupindura iyi mibvunzo. Kwaizotorawo nguva kukurira miuyo yorupandukiro irworwo rwapakuvamba ndokuzadzisa donzo raMwari rokuita pasi paradhiso yakazadzwa norudzi rwomunhu rusina chivi. Tichiri kumirira kupedzwa kwokupedzisira kweidzi nhau.
Mutsinhirano nomutemo wake, Mwari akabvisa kuna Adhama naEvha ropafadzo yokurarama nokusingaperi. Vakanga vachisina kufanirwa nokugoverana mukuzadzikwa kwedonzo rake guru. Zvisinei, vasati vafa, vakabvumirwa kubereka ndokurera vana. Chokwadi, Adhama naEvha vaisagona kupfuudza kuvana vavo upenyu hwakasimba, husina chivi. (VaRoma 5:12) Asi kunyange zvazvo zvizvarwa zvakatevera zvakaberekwa zvisina kukwana uye zvakashurikidzwa kufa, vanhu vamwe navamwe vazhinji vakava nebanza rokuratidza pavakanga vakamira pamusoro penhau huru youchangamire.
Kupedza Nhau
Mwari achapedza sei idzi nhau dzine chokuita nouchangamire hwake? Mupfungwa imwe mibvunzo yakamutswa shure muEdheni zvino yakapindurwa. Zviuru zvamakore enhau yomunhu zvakakuita kuti kuve pachena nenzira inorwadza kuti kutaura kwaSatani kwokuti Evha aizova ari nane zvikuru akazvimirira pana Mwari kwakanga kuri nhema. Kutonga kwomunhu uko kunofuratira Mwari kwave kuri kukundikana kunopfuurira. Sokutaura kunoita Bhaibheri: “Munhu akadzora munhu kusvikira kukuvadziko yake.”—Muparidzi 8:9, NW.
Pane rumwe rutivi, zvinhu zvizhinji zvakanaka zvakatsigirwa mukati mamakore marefu chifo chokutadza kwaAdhama naEvha. Vazhinji vorudzi rwomunhu vakaratidzira batano isingaputsiki kuuchangamire hwaJehovha, muenzaniso wakatanhamara zvikurusa uchiva “Mwanakomana womunhu,” Jesu Kristu amene. (Mateo 20:18; VaHebheru 11:1–12:3) Avo vakatevera mitemo yaMwari ndokuziva uchangamire hwake vakawana kuti chaizvoizvo iyi ndiyo nzira yakanakisisa. Vakawana zvokwadi yechirevo, chokuti: “Kuropafadza kwaJehovha ndiko kunopfumisa; kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.” (Zvirevo 10:22) Uyezve, tinoonga gadziriro yorumuko, pakupedzisira vachasvika pakugoverana mukuzadzikwa kwedonzo guru raMwari.—Johane 5:28, 29.
Jehovha haana kukanganwa donzo rake rapakuvamba. Avo vanoramba uchangamire hwake havasati vachizobvumirwa kudzora pasi pano kwenguva yose, uye Bhaibheri rinonyevera kuti nokukurumidza Mwari acharwisana navo. Tinorava, kuti: “Kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa, kuchibva kudenga, pamusoro pokusada Mwari kwose.” (VaRoma 1:18) Uku kuratidzirwa kunouya kwokutsamwa kwaMwari, uko Bhaibheri rinodana kuti Armagedhoni, pasina panikiro kucharatidzira kuti zvamazvirokwazvo aripo. Avo bedzi vanobvuma uchangamire hwake vachapukunyuka chinoitika ichocho. “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vanoita zvakaipa vachaparadzwa panyika.”—Zvirevo 2:21, 22.
Nhau Huru Newe
Nemhaka yaaya maidi, mumwe nomumwe wedu—kufanana naAdhama naEvha—anofanira kuita chisarudzo. Tichaedza kurarama takazvimirira pana Mwari here? Kana kuti tichazviisa pasi pouchangamire hwake here? Yeuka, iyi inhau inokosha zvikurusa yakanangana newe nhasi. Dzimwe nhau, kunyange zvazvo dzichiratidzika kuva dzinokosha, dzine chokuita noupenyu hwako hwazvino. Iyi ine chokuita noupenyu husingaperi. Chisarudzo chaunoita chichatapura nguva yako yemberi isingagumi.
Unogona sei kuratidza kuti unogamuchira uchangamire hwaMwari? Kupfurikidza nokufunda nokushingaira Shoko rake, Bhaibheri, uye kutsvaka kuteerera kuda kwake musonganirano namamwe maKristu echokwadi. (Zefania 2:2, 3) Kana ukaita kudaro, uchava netariro inofadza yokuona kuzadzika kwedonzo guru raMwari. Uchasvika pakuona kuitika kwedonzo rake rinoshamisa: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo; . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:10, 11) Muuyo unoshamisa zvakadini nokuda kwavose vanozviisa pasi pouchangamire hwaMwari! Chikonzero chakasimba zvakadini chokusarudza nokuchenjera muiyi nhau inokosha zvikurusa!