RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 3 p. 89-p. 91 ndim. 5
  • Kutaura Mashoko Nomazvo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutaura Mashoko Nomazvo
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Tichifanira Kushandisa Zita raMwari Kunyange Pasina Anonyatsoziva Kuti Raidaidzwa Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kudekudza, Kukurukura Kwokukurukurirana Kune Kududzwa Kwamashoko Kwakafanira
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Zita raMwari—Revo Yaro Nokududzwa Kwaro
    Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
  • Ndi“Jehovha” Kana Kuti ndi“Yahweh” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 3 p. 89-p. 91 ndim. 5

CHIDZIDZO 3

Kutaura Mashoko Nomazvo

Unofanira kuitei?

Taura shoko rimwe nerimwe nomazvo. Izvi zvinosanganisira (1) kushandisa inzwi rinonzwika zvakakodzera kududza mashoko, (2) kukwidza nokudzikisa pazvinyaudzirwa kana chinyaudzirwa chinofanira kunzarwo.

Nei zvichikosha?

Kutaura mashoko nomazvo kunowedzera chiremera cheshoko ratinoparidza. Kunoitawo kuti ari kuteerera aise pfungwa pashoko ratinoparidza pane kudziisa pane zvinokanganiswa mumataurirwo emashoko.

HAVASI vaKristu vose vakaenda kuchikoro kwemakore akawanda. Kunyange vaapostora Petro naJohani vakanzi vaiva “vanhuwo zvavo uye vasina kudzidza.” (Mab. 4:13) Kunyange zvakadaro, zvinokosha kusavhiringidza mharidzo yako yechokwadi cheBhaibheri nokusataura mashoko nomazvo.

Zvinhu Zvokufunga Nezvazvo. Hapana bumbiro remitemo rimwe chete remataurirwo emashoko rinoshanda kumitauro yose. Mitauro yakawanda inonyorwa nemabhii ebumbiro remabhii. Kunze kwebumbiro remabhii echiShona, pane bumbiro rechiRungu, rechiLatini, rechiGiriki, uye rechiHebheru. Pane kushandisa bumbiro remabhii, chiChina chinonyorwa chinoshandisa mabhii anonyorwa turi tumitsetse. Mabhii aya kazhinji anomirira shoko kana chikamu cheshoko. Kunyange zvazvo vaJapan nevaKorea vakakwereta mabhii avo kuvaChina, tumitsetse twavo tungashandiswa kumirira kududza kwakatosiyana chaizvo uye kungatoreva zvakasiyana.

Mumitauro ine bumbiro remabhii, mataurirwo emashoko anoda kuti inzwi rakakodzera rishandiswe pabhii rimwe nerimwe kana kuti zvinyaudzirwa. Kana mutauro wakadaro une mitemo isingachinji yaunotevedza, sezvinoitwa muchiGiriki, chiSpanish, nechiZulu, basa racho harizovi rakaoma kwazvo. Zvisinei, kana pane mamwe mashoko akabva kune mumwe mutauro, mashoko iwayo angatoredzera mataurirwo awo kumutauro waakabva kwauri. Izvi zvingaguma nokuita kuti rimwe bhii kana kuti boka remabhii ritaurwe nenzira dzinopfuura imwe, kana kuti padzimwe nguva, asatombotaurwe. Ungafanira kudzidza nomusoro akasiyana acho woashandisa kakawanda pakutaura kwako. MuchiChina, kuziva mataurirwo emashoko zvinoda kudzidza nomusoro zviuru zvemabhii. Mune mimwe mitauro zvinorehwa neshoko zvinochinja kana mataurirwo akachinjwa. Kukundikana kutarisira izvi zvinodiwa nomutauro kungaguma nokupa pfungwa dzisiri idzo.

Kana mashoko omutauro achiumbwa nezvinyaudzirwa, zvinokosha kusimbisa pachidimbu chakakodzera. Mitauro yakawanda inoshandisa maumbirwo emashoko nenzira iyoyo ine mitoo isingawanzochinji yokusimbisa pakutaura. Kana pane panozosiyana nomutoo wacho, pangava nekachiratidzo kanoiswa pashoko rakanyorwa. Izvi zvinobatsira kuita kuti mataurirwo akakodzera ave nyore. Zvisinei, kana mutoo wacho uchichinja-chinja, dambudziko racho iguru. Kukurukura zvinobudirira kunoda kuziva zvakawanda nomusoro.

Mune mimwe mitauro, tuzviratidzo tunobatsira pamaverengero tunhu tunokosha twokufunga nezvatwo. Izvi zvinosanganisira zviratidzo zvinoratidzwa pamusoro nepasi pemamwe mabhii, zvakadai seizvi: è, é, ô, ñ, ō, ŭ, č, ö, ç. Zviratidzo izvi zvinganyorwa, kana kuti muverengi angatarisirwa kuzviisa zvichienderana nezviri kurehwa panzvimbo ine shoko racho. Pane izvi zvapedzisira kutaurwa, kunyatsogadzirira kuchadikanwa kana wanzi uverengere vanhu.

Nezvemataurirwo emashoko, pane dzimwe njodzi dzinofanira kudziviswa. Kunyanyongwaririra kungapa pfungwa yokuti unoda kushamisira, kana yokuti unotsvinya. Ndizvo zvazvakaitawo nematauriro asingachashandiswi noruzhinji. Zvinongoguma nokuita kuti pfungwa dzevanhu dziende pamukurukuri. Asi zvakanakawo kusaenda kune rimwe divi rokunyanyisa zvichiguma nokushandisa mutauro wokusava nehanya nemataurirwo emashoko. Zvimwe zvinhu zvakadai zvatokurukurwa pamusoro unoti “Mashoko Ataurwa Zvakajeka.”

Mataurirwo emashoko omutauro anonzi ndiwo akarurama angasiyana munyika nenyika, kunyange munharaunda dzakasiyana dzenyika imwe chete. Munhu anobva kune imwe nyika angataura mutauro weimomo asi nomutauriro wakasiyana. Maduramanzwi angaratidza mataurirwo anonzi akarurama eshoko rimwe chete anopfuura mamwe chete. Munhu angabatsirwa zvikuru nokunyatsoteerera vanotaura mutauro wacho zvakanaka oedza kutevedzera matauriro avo, zvikurukuru kana asina kunyatsodzidza kana kuti, kana mutauro wacho usiri wake. Isu seZvapupu zvaJehovha, tinoda kutaura nomutoo unoita kuti shoko ratinoparidza rikudzwe uye uchakurumidza kunzwiwa nevanhu vomunharaunda yedu.

Mukutaura kwezuva nezuva kazhinji zvakanaka kushandisa mashoko awakajaira. Kazhinji mataurirwo emashoko haawanzonetsi pakutaurirana kwemazuva ose. Zvisinei, paunoverenga zvinonzwika, ungasangana nemamwe mashoko ausingashandisi mukutaura kwezuva nezuva. Uye Zvapupu zvaJehovha zvinoverenga zvinonzwika kakawanda kwazvo. Tinoverengera vanhu Bhaibheri patinovapupurira. Dzimwe hama dzinokumbirwa kuverenga ndima paChidzidzo cheNharireyomurindi kana kuti paChidzidzo Chebhuku Cheungano. Zvinokosha kuti tiverenge nomazvo uye kuti tisavhiringidze zviri kutaurwa nokukanganisa mataurirwo emashoko.

Pane mamwe mazita omuBhaibheri anokunetsa kutaura here? MuBhaibheri mune mamwe mazita ane mavaramwana anotevedzana sokuti Bhaari. Mavaramwana aya anofanira kutaurwa ose kwete kuti Bhari. MuchiShona hatina mashoko anopera nevaramai kunze kwokuti akakweretwa kune mimwe mitauro, manzwi edu ose anopera nevaramwana. Kana mavaramwana maviri, a uye i akabatanidzwa sokuti Mo-dhe-ka-i kana kuti Si-na-i, ipapo a anodaidzwa akabatana nevaramai k kuti ka uye i anodaidzwa sokunge kuti pana y. MuBhaibheri mune mamwe mazita ane mavaramai anopfuura rimwe akabatanidzwa sokuti Adbheeri. Iwaya ari kutoredzera kumutauro waakabva, asi angapatsanurwa sokuti Ad-bhe-e-ri.

Nzira Dzokuvandudza Nadzo. Vazhinji vanonetseka nemataurirwo emashoko havazvizivi. Kana mutariri wenyu wechikoro akava nezvaanotaura zvinoda kugadziriswa pamataurirwo emashoko, muonge nomutsa wake. Kana wangoziva dambudziko racho, ungagadzirisa sei?

Kutanga, paunenge uchifanira kuverengera ungano zvinonzwika, chimbotarira duramanzwi. Tarira mashoko ausingazivi. Kana usina ruzivo rwokushandisa duramanzwi, vhura mapeji okutanga anotsanangura zvinorehwa nezviratidzo zvakashandiswa kana kuti, kumbira mumwe munhu kuti akutsanangurire zvazvinoreva. Duramanzwi richakuratidza pokukwidza nokudzikisa pashoko rine zvinyaudzirwa zvinopfuura chimwe. Padzimwe nguva shoko ringava nemataurirwo anopfuura mamwe chete, zvichienderana nepariri kushandiswa. Chero shoko raunotarisa, ritaure zvinonzwika kakawanda usati wavhara duramanzwi.

Nzira yechipiri yokuvandudza nayo mataurirwo emashoko ndeyokuverengera mumwe munhu—munhu anotaura mashoko zvakanaka—womukumbira kukururamisa.

Nzira yechitatu yokuvandudza nayo mataurirwo emashoko ndeyokunyatsoteerera vakurukuri vakanaka. Kana pane makeseti okuteerera eShanduro yeNyika Itsva kana kuti Nharireyomurindi neeMukai!, ashandise zvakanaka. Sezvavanotaura, teerera mashoko ari kutaurwa zvakasiyana nezvawaizoita. Anyore, woadzidzira. Nokufamba kwenguva kutaura kwako kunenge kusisavhiringidzwe nokukanganisa mataurirwo emashoko, uye izvi zvichanatsa kwazvo kukurukura kwako.

MAVANDUDZIRWO EMATAURIRWO EMASHOKO

  • Dzidza kushandisa duramanzwi kuti rikubatsire.

  • Kumbira munhu anoverenga zvakanaka kuti akuteerere achikururamisa.

  • Teerera matauriro anoita vakurukuri vakanaka woenzanisa nezvaunoita iwe.

BASA ROKUITA: Tarisa kana pane rimwe remashoko ari muPisarema 18 rausingazivi mataurirwo aro kana kuti muchikamu cheBhaibheri chinokunetsa iwe. Shandisa duramanzwi kana kuti bvunza munhu anonyatsoziva mutauro wacho. Ona kuti zvinyaudzirwa zvipi zveshoko zvinofanira kusimbiswa mumazita chaiwo ari mundima idzi; daidzira rimwe nerimwe remazita aya. Zvadaro verenga chikamu chose.

Ndinoda kudzidzira mataurirwo emashoko aya

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․ ․․․․․․․․․․․․․․․․․․․․

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe