RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 2 p. 86-p. 88 ndim. 3
  • Mashoko Ataurwa Zvakajeka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashoko Ataurwa Zvakajeka
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Kushandisa Kutaura Kwakanaka Zuva Riri Rose
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Shandisa Rurimi Rwako Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Taura ‘Zvakanaka Zvinovaka’
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Kuvandudza Inzwi uye Kushandiswa Kwemamaikorofoni
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 2 p. 86-p. 88 ndim. 3

CHIDZIDZO 2

Mashoko Ataurwa Zvakajeka

Unofanira kuitei?

Taura mashoko zvokuti anonzwisiswa zviri nyore nevateereri vako. Izvi zvinosanganisira (1) kushandisa nhengo dzokutaura nadzo zvakanaka uye (2) kunzwisisa maumbirwo emashoko.

Nei zvichikosha?

Paunobudisa mashoko zvakanaka vamwe vanogona kunzwisisa zvauri kutaura. Mashoko anotaurwa zvakajeka sezvingabvira achakosheswa.

KUTI kutaura kwako kubudirire, unofanira kutaura zvakajeka. Zvaunoda kutaura zvingave zvichinakidza, kana kutokosha, asi zvizhinji zvacho zvicharasika kana mashoko ako asinganzwiki zviri nyore.

Vanhu havakurudzirwi nokutaura kwavasinganyatsonzwi. Kunyange kana munhu ane inzwi guru uye achigona kunzwika pasina kunetsekera, kana mashoko ake akataurwa achiita zvokudhonzwa, haambokurudziri vanhu kuita chimwe chinhu. Zvinoita sokuti ange achitaura nomumwe mutauro, usinganzwisiswi nomuteereri. (Jer. 5:15) Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti: “Kana hwamanda ikabudisa kurira kusina kujeka, ndiani achagadzirira kurwa? Nenzira yakafananawo, kana mukasataura norurimi zvinonzwisiswa zviri nyore, zvichazivikanwa sei kuti chii chiri kutaurwa? Chaizvoizvo, munenge muchitaurira mumhepo.”—1 VaK. 14:8, 9.

Chii Chinoita Kuti Kutaura Kusajeke? Kungava kukundikana kuvhura muromo zvakakwana. Tsandanyama dzeshaya dzisina kusununguka nemiromo isinganyatsovhurwi ndizvo zvinoguma nokutaura uchimburumbudza.

Kutaura uchikurumidzisa kunogumawo nemashoko akaoma kubata. Izvozvo zvakafanana nokuridza mashoko akarekodwa uchiakurumidzisa kupfuura zvinofanira kuitwa. Mashoko acho aripo, asi kubatsira kwacho kunoshaya basa.

Dzimwe nguva, kusajeka kwemashoko kungava nechokuita nenhengo inoshandiswa pakutaura yakaremara. Asi kunyange vaya vanofanira kurarama nechinetso chakadaro vanogona kuita zvakawanda kuti vavandudze nokushandisa zviri kutaurwa muchidzidzo chino.

Zvisinei, kazhinji kutaura kusina kujeka kunobva pakunyanya kubatanidza mashoko usingachinji inzwi pamashoko—uchiataura pasina kumbomira pakati pawo zvichiita kuti zviome kunzwisisa. Dambudziko racho ringasanganisira kupotsa zvinyaudzirwa—kureva mabhii anogona kumira oga pashoko sokuti ru-dzi-ki-nu-ro, kana kuti kupotsa mabhii, kana kuti kusapedzeredza shoko. Kana munhu akangobatanidza mashoko zvachero, vateereri vake vanganzwa dzimwe pfungwa nezvikamu zvemashoko asi zvimwe zvacho vangatofanira kufungidzira zviri kurehwa. Kukanganisa kubudisa mashoko zvakajeka kunogona kukanganisa kubudirira kwokudzidzisa kunoitwa nomunhu.

Nzira Yokutaura Nayo Zvakajeka. Chimwe chezvinhu zvinokosha pakutaura mashoko zvakajeka kunzwisisa maumbirwo emashoko omumutauro wako. Mumitauro yakawanda, mashoko anoumbwa nezvinyaudzirwa. Zvinyaudzirwa zvinoumbwa nebhii rimwe kana anopfuura zvinogona kutaurwa zvakazvimirira zvoga. Mumitauro yakadaro, chinyaudzirwa chimwe nechimwe; chinotaurwa zvinonzwika paunotaura, kunyange zvose zvisingataurwi nesimba rakafanana. Kana uchida kuvandudza kujeka kwokutaura kwako, taura zvishoma nezvishoma woita zvose zvaunogona kuti ubudise chinyaudzirwa chimwe nechimwe. Pakutanga izvi zvinganzwika sokunyanyisa, asi sezvaunodzidzira, uchapedzisira wave mutauri anotsetsenura. Kuti uve mutauri anotsetsenura, pasina mubvunzo uchataura mamwe mashoko achiita seakabatana, asi izvi hazvifaniri kuitwa kana pane ngozi yokuvhiringidza zvinorehwa nemashoko acho.

Chinhu chokuchenjerera: Kuti uvandudze kubudisa kwaunoita mashoko, ungadzidzira kutaura nokuverenga uchinyanyisa kuchenjerera kwacho. Asi izvozvo ngazvirege kuzova matauriro ako enguva dzose. Kungazova kutaura kunonzwika kuti hakusi kwako uye kusina kujairika.

Kana uchitaura uchimburumbudza, dzidza kusimudza musoro wako ubvise chirebvu chako pachipfuva. Pakuverenga Bhaibheri, ribate riri nechapamusoro zvokuti kutarisa vateereri nokudzoka kuBhaibheri rako zvinongoda kuchinja zvishomanana uchitarira pauri kuverenga. Izvi zvichaita kuti mashoko ako abude asina chinoavhiringidza.

Kudzidza kuva akasununguka kunogonawo kuvandudza kutaura kwako. Zvinozivikanwa kuti kusungika kwetsandanyama dzechiso kana kuti dziya dzinodzora kufema kwako kunogona kukanganisa matauriro zvakakomba. Kusungika kwakadaro kunovhiringidza kufambidzana kunofanira kuvapo pakati pepfungwa dzako, nhengo dzokutaura, uye kudzorwa kwokufema—kushanda kunofanira kufambidzana zvakanaka.

Tsandanyama dzeshaya dzinofanira kusununguka kuti dziite zvinodiwa nouropi nokukurumidza. Miromo inofanirawo kuva yakasununguka. Inofanira kuva yakagadzirira kusimuka nokudzika nokukurumidza kuti igadziridze nomazvo mashoko akawanda anobva mukanwa nepahuro. Kana shaya nemiromo zvakaoma, muromo hauzoshami nomazvo, uye inzwi richamanikidzwa kubuda nomumazino. Izvi zvichaguma nenzwi rakashoshoma, rokumburumbudza, risina kujeka. Zvisinei kusunungura shaya nemiromo hazvirevi kuti wova nousimbe pamatauriro ako. Izvi zvinoda kuitwa zvine mwero zvichidzorwa nokuumba mazwi kuitira kuti kubudisa mashoko kuve kwakajeka.

Pakuongorora zvauri, zvingakubatsira kuverenga zvinonzwika. Nyatsoongorora kuti uri kushandisa sei nhengo dzokutaura nadzo dzinoshamisa. Unovhura muromo wako zvakakwana here kuti inzwi ribude risina chinoridzivira? Unofanira kuziva kuti rurimi harusi irwo nhengo yokutaura yoga kunyange zvazvo ruri irwo runoshanda zvikuru. Mutsipa, shaya yepasi, miromo, tsandanyama dzechiso, uye tsandanyama dzehuro, zvose zvine basa razvinoita. Unotaura zvichiita sokuti hapana kufamba-famba kwechiso chako here? Kana zvakadaro, pane mukana mukuru wokuti kutaura kwako hakunyatsonzwiki.

Kana pane tepirekodha, tapa inzwi rako paunenge uchitaura sezvaunongoita mazuva ose, sezvawaizoita kune mumwe munhu mubasa romumunda. Tapa maminitsi akati wandei okutaura kwokukurukurirana. Kuteerera mashoko iwayo akatapwa kunogona kukubatsira kuona chinetso chaungave unacho pakubudisa mamwe mashoko zvakajeka. Somuenzaniso chenjerera kutsenga mukanwa, kumburumbudza kana kuti kudimbura mashoko, woedza kuona chinozvikonzera. Kazhinji kacho chinetso chinogona kugadziriswa nokushandira pane zvataurwa pamusoro apa.

Unondandama here? Dzidzira kuvhura muromo wako zvakati wedzerwei pane zvawave uchiita munguva yakapfuura, uye edza kubudisa mashoko zvakanyatsonaka. Zadza mapapu ako paunofema, wotaura zvishoma nezvishoma. Kuita izvi kwakabatsira vakawanda vaindandama kutaura zvakajeka. Kana uchitaura wakaruma rurimi, dzorera rurimi rwako mukati kubva pamazino emberi paunenge uchitaura mashoko ana s, z, kana zv. Kunyange zvazvo dambudziko rako rinenge risina kunyatsopera, usaore mwoyo. Yeuka kuti Jehovha akasarudza Mosesi munhu angangove aindandama, kuti ataure mashoko anokosha kune vanhu vaIsraeri uye kuna Farao weIjipiti. (Eks. 4:10-12) Kana iwe uchida, achakushandisawo, uye achakomborera ushumiri hwako achiita kuti hubudirire.

MAITIRWO AZVO

  • Taura uye verenga shoko rimwe nerimwe zvakajeka—uchiribudisa nomazvo, zvichinzwika zvakanaka, uye usingamhanyi.

  • Usataura mashoko uchitsenga mukanwa kana kuabatanidza zvokuti vari kuteerera havazonyatsozivi kuti zviri kurevei.

  • Simudza musoro wako, wovhura muromo wako zvakakwana paunotaura.

  • Dzidzira kuti mutsipa, shaya, miromo, tsandanyama dzechiso, uye tsandanyama dzehuro zvive zvakasununguka.

BASA ROKUITA: Taura sezvaunoita mazuva ose. Unovhura muromo wako kusvika papi? Unofanira kuti wedzerei woshandisa tsandanyama dzechiso chako zvakakwana here? Dzidzira kuita izvozvo uchiverenga zvinonzwika Mateu 8:23-27. Musoro wako ngaurambe wakamira, uye edza kuita kuti tsandanyama dzeshaya dzako dzirambe dzakasununguka.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe