RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ip-2 chits. 20 pp. 290-302
  • Ruoko rwaJehovha Haruna Kupfupiswa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ruoko rwaJehovha Haruna Kupfupiswa
  • Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuparadzaniswa naMwari Wechokwadi
  • Kukohwa Michero Inovava
  • Kudzungaira Murima Romudzimu
  • Jehovha Anotonga
  • Tariro Nechikomborero Nokuda Kwevanopfidza
  • Isaya Anofanotaura ‘Chiito Chinoshamisa’ chaJehovha
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
  • Ramba Wakamirira Jehovha
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 23—Isaya
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Jehovha Anomutsiridza Simba Revarombo
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
Ona Zvimwe
Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
ip-2 chits. 20 pp. 290-302

Chitsauko 20

Ruoko rwaJehovha Haruna Kupfupiswa

Isaya 59:1-21

1. Zvinhu zvakamira sei munyika yeJudha, uye vazhinji vanonetseka nei?

NYIKA yeJudha inoti ine ukama hwesungano naJehovha. Asi, kune zvinetso kwose kwose. Hakuna ruramisiro, utsotsi noudzvinyiriri zvakazara, uye tariro dzokuti zvichava nani hadzisi kuzadzika. Pane chimwe chinhu chisina kururama kwazvo. Vazhinji vanonetseka kana Jehovha acharuramisa zvinhu. Aya ndiwo mamiriro ezvinhu mumazuva aIsaya. Asi nhoroondo yaIsaya yenguva iyi haisi nhoroondowo zvayo yekare. Mashoko ake ane nyevero dzouprofita kuvose vanoti vanonamata Mwari asi vasingateereri mitemo Yake. Uye uprofita hwakafuridzirwa hwakanyorwa muchitsauko 59 chaIsaya hunokurudzira noushamwari vose vanoedza kushumira Jehovha pasinei nokuti vanogara munguva yakaoma uye ine ngozi.

Kuparadzaniswa naMwari Wechokwadi

2, 3. Nei Jehovha asiri kudzivirira nyika yeJudha?

2 Pafunge—vanhu vaJehovha vesungano vadzokerazve mukuramba kutenda! Vafuratira Muiti wavo, nokudaro vachizvibvisa pasi poruoko rwake runodzivirira. Nemhaka yeizvi, vari kutarisana nenhamo dzakakomba. Dzimwe nguva vanoshora Jehovha nemhaka yenguva dzavo dzakaoma here? Isaya anovaudza kuti: “Tarirai, ruoko rwaJehovha haruna kupfupiswa, kuti rukoniwe kuponesa, nzeve yake haina kuremerwa, kuti ikoniwe kunzwa; asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu, zvivi zvenyu zvakakuvanzirai chiso chake, kuti arege kunzwa.”—Isaya 59:1, 2.

3 Mashoko iwayo haatendereri, ndicho chokwadi. Jehovha achiri Mwari woruponeso. Zvaari iye “Wokunzwa munyengetero,” anoteerera minyengetero yevashumiri vake vakatendeka. (Pisarema 65:2) Zvisinei, haakomboreri vaiti vezvakaipa. Vanhu pachavo ndivo vazviparadzanisa voga naJehovha. Uipi hwavo pachavo ndihwo hwamuita kuti avavanzire chiso chake.

4. Imhosva dzipi dzinopiwa nyika yeJudha?

4 Chokwadi ndechokuti nyika yeJudha ine mukurumbira wakaipa kwazvo. Uprofita hwaIsaya hunotaura dzimwe mhosva dzavo huchiti: “Nokuti maoko enyu akasvibiswa neropa, neminwe yenyu nezvakaipa; miromo yenyu yakareva nhema, rurimi rwenyu runon’un’una zvakashata.” (Isaya 59:3) Vanhu vacho vanoreva nhema nokutaura zvinhu zvisina kururama. Mashoko okuti “maoko . . . akasvibiswa neropa” anoratidza kuti vamwe vakatoponda. Kuzvidza Mwari zvikuru, uyo ane Mutemo usingangorambidzi kuponda chete asi unorambidzawo ‘kuvenga hama yako mumwoyo mako’! (Revhitiko 19:17) Kutadza kusingadzorwi kwevagari venyika yeJudha uye mugumisiro usingadzivisiki zvinofanira kuyeuchidza mumwe nomumwe wedu nhasi kudikanwa kwokudzora pfungwa uye kunzwa kwokuda kutadza. Zvikasadaro, tingagona kuguma tatadza, zvichatiparadzanisa naMwari.—VaRoma 12:9; VaGaratiya 5:15; Jakobho 1:14, 15.

5. Uori hwenyika yeJudha hwakura zvakadini?

5 Hosha yechivi yabata rudzi rwose. Uprofita hwacho hunoti: “Hakuna munhu anokwirira mumwe nokururama, hakuna unoreverera mumwe nezvokwadi; vanovimba nezvisina maturo, vachireva nhema; vanotora mimba yezvakashata ndokubereka zvakaipa.” (Isaya 59:4) Hapana ari kutaura zvakarurama. Kunyange mumatare edzimhosva, kashoma kuwana munhu anogona kuvimbwa naye kana kuti akatendeka. Nyika yeJudha yafuratira Jehovha ndokuvimba nemibatanidzwa nedzimwe nyika, kunyange nezvidhori zvisina upenyu. Zvose izvi ‘zvinhu zvisina maturo,’ hazvina basa. (Isaya 40:17, 23; 41:29) Somugumisiro, pane kutaura kwakawanda, asi kwose hakuna maturo. Zvinhu zvinorongwa, asi zvinoguma nenhamo nezvinhu zvinokuvadza.

6. Mukurumbira wechiKristudhomu wakafanana nowenyika yeJudha pakudii?

6 Kusarurama nechisimba zviri munyika yeJudha zvakafanana kwazvo nezviri muchiKristudhomu. (Ona “Jerusarema Rakaramba Kutenda—Rakafanana nechiKristudhomu,” papeji 294.) Hondo mbiri dzenyika yose dzinotyisa dzakarwiwa dzichibatanidza dzinonzi nyika dzechiKristu. Kusvika nanhasi, chitendero chechiKristudhomu chakaratidza kuva chisina simba rokumisa kuparadzwa kwemadzinza nokuurayana kwemarudzi pakati penhengo dzacho. (2 Timoti 3:5) Kunyange zvazvo Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vavimbe noUmambo hwaMwari, nyika dzechiKristudhomu dzinongoramba dzichivimba kuti dzakachengeteka nezvombo zvehondo uye mibatanidzwa yezvematongerwe enyika. (Mateu 6:10) Zvechokwadi, vazhinji vevagadziri vezvombo zvikuru vari munyika dzechiKristudhomu! Hungu, chiKristudhomu pachinovimba nemasangano nesimba revanhu rokuedza kuita nguva yemberi yakachengeteka, naichowo chiri kuvimba ‘nezvisina maturo.’

Kukohwa Michero Inovava

7. Nei mazano enyika yeJudha achiguma nezvinokuvadza bedzi?

7 Kunamata zvidhori nokusatendeseka hazvigoni kuvaka nzanga yakanaka. Nemhaka yokuita zvinhu zvakadaro, vaJudha vasina kutendeka zvino vava kukohwa nhamo yavakazvidyarira. Tinoverenga kuti: “Vanochochonya mazai emvumbi, vanoruka dandira rebuve; unodya mazai avo uchafa, kana richipwanyika rinobudisa nyoka.” (Isaya 59:5) Kubva pakurongwa kwawo kunosvika pakuitwa, mazano enyika yeJudha hapana chaanombobudisa chine musoro. Kufunga kwavo kusina kururama kunoguma nezvakaipa, kungofanana nemazai enyoka ine uturu anobudisa nyoka dzine uturu. Uye rudzi rwacho runotambura.

8. Chii chinoratidza kuti kufunga kwenyika yeJudha kwakaminama?

8 Vamwe vagari venyika yeJudha vangashandisa chisimba vachiedza kuzvidzivirira, asi vachakundikana. Simba harigoni kutsiva kuvimba naJehovha uye mabasa akarurama haagoni kudzivirira kungofanana nemadandemutande asingagoni kutsiva mucheka chaiwo sechokuzvidzivirira nacho pamamiriro okunze. Isaya anozivisa kuti: “Matandira avo haangaiti nguo, havangafuki zvavakaita; mabasa avo mabasa ezvakaipa, kuita nesimba ndizvo zviri pamaoko avo. Tsoka dzavo dzinomhanyira zvakaipa, vanokurumidza kuteura ropa risina mhaka; ndangariro dzavo indangariro dzezvakaipa; kuparadza nokuputsanya zviri panzira dzavo.” (Isaya 59:6, 7) Mafungiro enyika yeJudha akaminama. Nokushandisa chisimba kuedza kugadzirisa zvinetso zvayo, inoratidza mafungiro okusada Mwari. Haina basa nazvo kuti vazhinji vevanhu vayo vari kutambura havana mhaka uye vamwe vacho vashumiri vechokwadi vaMwari.

9. Nei vatungamiriri vechiKristudhomu vachiramba vachinzvengwa norugare rwechokwadi?

9 Mashoko akafuridzirwa aya anotiyeuchidza nezvomukurumbira wechiKristudhomu wokuteura ropa. Chokwadi, Jehovha achaita kuti chizvidavirire nokuda kwokumiririra kwacho chiKristu zvisina kururama! Kufanana nevaJudha vomuzuva raIsaya, chiKristudhomu chakatevera nzira yakakombama yetsika nemhaka yokuti vatungamiriri vacho vanodavira kuti ndiyo nzira bedzi inoshanda. Nepo vachitaura nezvorugare, havaiti nokururamisira. Unyengeri hwakadini! Sezvo vatungamiriri vechiKristudhomu vachiramba vachishandisa zano iri, rugare rwechokwadi rucharamba ruchivanzvenga. Zvakaita seizvo uprofita hwacho hunoenderera mberi huchitaura kuti: “Nzira yorugare havaizivi; hakuna kururama pakufamba kwavo; vakazviitira nzira dzakaminama, ani naani unofamba nadzo haazivi rugare.”—Isaya 59:8.

Kudzungaira Murima Romudzimu

10. Isaya anoreurura chii akamiririra nyika yeJudha?

10 Jehovha haangagoni kukomborera nzira dzakaipa uye dzinoparadza dzenyika yeJudha. (Pisarema 11:5) Naizvozvo achitaura akamiririra rudzi rwose, Isaya anoreurura kuva nemhaka kwenyika yeJudha achiti: “Naizvozvo kururamisirwa kuri kure nesu, nokururama hakusvikiri kwatiri; tinotsvaka chiedza, asi, tarirai, rima bedzi; tinotsvaka kubwinya, asi tinofamba pakasviba. Tinotsvangadzira pamadziro samapofu; zvirokwazvo tinotsvangadzira savasina meso; tinogumburwa masikati sezvatinoita kana kwosviba; pakati pavapenyu takafanana navakafa. Tinoomba tose samapere, tinochema zvikuru senjiva.” (Isaya 59:9-11a) VaJudha havana kuita kuti Shoko raMwari rive mwenje wetsoka dzavo nechiedza panzira yavo. (Pisarema 119:105) Saka zvinhu zvinooneka serima. Kunyange masikati makuru, vanotsvangadzira sokunge usiku. Vakaita sevakafa. Mukushuva kwavo kusunungurwa, vanoomba zvinonzwika semapere ane nzara kana akakuvara. Vamwe vanogurukuta zvinonzwisa tsitsi, senjiva yakasurukirwa.

11. Nei kutarisira ruramisiro noruponeso kwenyika yeJudha kusina maturo?

11 Isaya anonyatsoziva kuti chikonzero chenhamo yenyika yeJudha kupandukira Mwari. Anoti: “Tinotsvaka kururamisirwa, asi hakuna; tinotsvaka ruponeso, asi ruri kure nesu. Nokuti kudarika kwedu kwakawanda pamberi penyu, zvivi zvedu zvinotipupurira; nokuti kudarika kwedu kunesu, kana zviri zvakaipa zvedu tinozviziva zvinoti: Kudarikira Jehovha nokumuramba, nokutsauka tisingateveri Mwari wedu, kutaura mashoko okumanikidza nokumukira, kufunga nokutaura mashoko enhema anobva pamwoyo.” (Isaya 59:11b-13) Sezvo vagari venyika yeJudha vasina kupfidza, zvivi zvavo zvichiri kurangarirwa. Kururamisira kwatiza munyika yacho nemhaka yokuti vanhu vacho vakasiya Jehovha. Vakaratidza kuva venhema pazvinhu zvose, vachitodzvinyirira hama dzavo. Hapana mubvunzo kuti vakafanana nevaya vari muchiKristudhomu nhasi! Vazhinji havaiti ruramisiro uye vanototambudza Zvapupu zvakatendeka zvaJehovha, zvinotsvaka kuita kuda kwaMwari.

Jehovha Anotonga

12. Mafungiroi anoratidzwa nevane basa rokuita kururamisira munyika yeJudha?

12 Munyika yeJudha munoratidzika kuva musina kururamisira, kururama, kana kuti chokwadi. “Kururamisa kwakadzoswa shure, kururama kumire kure; nokuti zvokwadi yakawira pasi panzira yomumusha, kutendeka hakugoni kupinda.” (Isaya 59:14) Seri kwemasuo eguta munyika yeJudha, kune misika uko varume vakuru vanosangana kuti vatonge mhaka. (Rute 4:1, 2, 11) Varume vakadaro vanofanira kutonga zvakanaka nokutsvaka ruramisiro, vasingagamuchiri chioko muhomwe. (Dheuteronomio 16:18-20) Asi, ivo vanotonga maererano nepfungwa dzavo dzoudyire. Chakatoipa zvikuru, vanoona vose vanoedza nomwoyo wose kuita zvakanaka senyama yemagora. Tinoverenga kuti: “Zvirokwazvo, zvokwadi inoshayikwa; unotiza zvakaipa unopambwa.”—Isaya 59:15a.

13. Sezvo vatongi venyika yeJudha vachiregeredza basa ravo, Jehovha achaitei?

13 Avo vanokundikana kutaura noushingi kusatsigira kwavo kukanganiswa kwetsika vanokanganwa kuti Mwari haasi bofu, asina chaanoziva kana kuti asina simba. Isaya anonyora kuti: “Jehovha wakazviona, zvikasamufadza kuti kwakanga kusina kururamisa. Akaona kuti hakuna munhu, akashamiswa nokuti kwakanga kusina murevereri; naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso, kururama kwake kwakamutsigira.” (Isaya 59:15b, 16) Sezvo vatongi vakagadzwa vachiregeredza mabasa avo, Jehovha achapindira munhau yacho. Paachadaro, achaita nokururama uye nesimba.

14. (a) Vazhinji vane mafungiroi nhasi? (b) Jehovha anozvigadzirira sei kuita chiito?

14 Kune mamiriro ezvinhu akadaro nhasi. Tiri kurarama munyika umo vazhinji “vasisina kana nepfungwa yose zvayo yokuzvibata.” (VaEfeso 4:19) Vashomanene vanodavira kuti Jehovha achapindira kuti abvise uipi panyika. Asi uprofita hwaIsaya hunoratidza kuti Jehovha anonyatsotarisisa nhau dzevanhu. Anotonga, uye munguva yake, anoita maererano nokutonga ikoko. Kutonga kwake kune kururamisira here? Isaya anoratidza kuti kwakadaro. Pamusoro penyika yeJudha anonyora kuti: “[Jehovha] wakashonga kururama sechidzitiro chechipfuva, nengowani yoruponeso pamusoro wake, akafuka nguo dzokutsiva zvikava zvokufuka zvake, akapfekedzwa nokushingaira sejasi.” (Isaya 59:17) Mashoko ouprofita aya anoratidza Jehovha somurwi ari kuzvigadzirira kuenda kuhondo. Akatsunga zvikuru kuunza ruponeso. Ane chokwadi nokururama kwake kwakakwana kusina mubvunzo. Uye achashingairira mabasa ake okutonga nokusatya. Hapana mubvunzo kuti zvakarurama zvichabudirira.

15. (a) VaKristu vechokwadi vachazvibata sei apo Jehovha anotonga? (b) Chii chingagona kutaurwa nezvokutonga kwaJehovha?

15 Nhasi mune dzimwe nyika, vavengi vechokwadi vanoedza kudzivisa basa revashumiri vaJehovha nokuparadzira nhema uye mashoko okunyomba. VaKristu vechokwadi havazezi kumiririra chokwadi, asi havambotsvaki kuzvitsivira voga. (VaRoma 12:19) Kunyange apo Jehovha anogadzirisa chiKristudhomu chakaramba kutenda, vanamati vake vari pasi pano havazombobatsiri pakuparadzwa kwacho. Vanoziva kuti Jehovha akamirira kutsiva oga uye kuti achaita chiito chakakodzera nguva yacho painosvika. Uprofita hwacho hunotipikira kuti: “Sezvavakaita, uchavaripira saizvozvo, kutsamwa kuvadzivisi vake, nokutsiva kuvavengi vake, zviwi uchazviripira mubayiro wokutsiva.” (Isaya 59:18) Somuzuva raIsaya kutonga kwaJehovha hakuzongovi kwakarurama chete asi kuchavawo kwakakwana. Kuchatosvikawo ku“zviwi,” kure kure. Hakuna achazova ari kure zvikuru zvokusagona kusvikwa nokutonga kwaJehovha.

16. Ndivanaani vachapona pakutonga kwaJehovha, uye vachadzidzei pakupona kwavo?

16 Avo vanoshanda nesimba kuti vaite zvakarurama vanotongwa zvakarurama naJehovha. Isaya anofanotaura kuti kubva kumugumo wenyika kunosvika kune mumwe mugumo—pasi pose—vakadaro vachapona. Uye kuona kwavo kudzivirira kwaJehovha kuchasimbisa kwazvo kumutya kwavo nokumuremekedza. (Maraki 1:11) Tinoverenga kuti: “Naizvozvo vachatya zita raJehovha kubva kumavirazuva, noumambo hwake kubva kumabvazuva; nokuti uchauya sorwizi runodira, runotinhwa nomweya waJehovha.” (Isaya 59:19) Kufanana nechamupupuri chakasimba chinosunda mvura inoparadza chichiparadza zvose zviri munzira macho, mudzimu waJehovha uchatsvaira zvose zvinomisa kuzadzika kwokuda kwake. Mudzimu wake une simba zvikuru kupfuura chero simba ripi iro munhu anaro. Paanorishandisa kutonga vanhu nemarudzi, achatova nechokwadi chokubudirira zvakakwana.

Tariro Nechikomborero Nokuda Kwevanopfidza

17. Mudzikinuri weZiyoni ndiani uye anodzikinura Ziyoni rini?

17 Mumutemo waMosesi, muIsraeri aizvitengesa muuranda aigona kubudiswa muuranda nomudzikinuri. Shure mubhuku rouprofita raIsaya, Jehovha akarondedzerwa soMudzikinuri wevanhu vanopfidza. (Isaya 48:17) Zvino anorondedzerwa zvekare soMudzikinuri wevanopfidza. Isaya anonyora chipikirwa chaJehovha achiti: “Zvino mudzikinuri uchasvika paZiyoni, nokuna vanodzoka pakudarika pakati paJakobho—ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Isaya 59:20) Chipikirwa chinonyaradza ichi chinozadzika muna 537 B.C.E. Asi chine kumwe kuzadzika. Muapostora Pauro akatora mashoko aya mushanduro yeSeptuagint ndokuashandisira kuvaKristu. Akanyora kuti: “Uye Israeri wose achaponeswa saizvozvi. Sokunyorwa kwazvakaitwa kuti: ‘Mununuri achabva muZiyoni ozobvisa tsika dzokusada Mwari kuna Jakobho. Uye iyi ndiyo sungano yangu navo, pandinobvisa zvivi zvavo.’” (VaRoma 11:26, 27) Zvechokwadi, uprofita hwaIsaya hunoshanda pakawanda—hunosvika kunguva yedu uye kupfuura. Sei?

18. Jehovha akaita kuti “Israeri waMwari” avepo rini uye sei?

18 Muzana remakore rokutanga, vakanga vasara vorudzi rwaIsraeri vakagamuchira Jesu saMesiya. (VaRoma 9:27; 11:5) Musi wePendekosti ya33 C.E., Jehovha akadurura mudzimu wake mutsvene pavatendi vanenge 120 ndokuvaunza musungano yake itsva inorevererwa naJesu Kristu. (Jeremia 31:31-33; VaHebheru 9:15) Pazuva iroro “Israeri waMwari” akavapo, rudzi rutsva uyo nhengo dzake dzinoratidzwa kwete nokuva vedzinza raAbrahamu, asi nokuberekwa nomudzimu waMwari. (VaGaratiya 6:16) Kutangira pana Koneriyasi, rudzi rutsva rwakabatanidza Vemamwe Marudzi vasina kudzingiswa. (Mabasa 10:24-48; Zvakazarurwa 5:9, 10) Nokudaro vakagamuchirwa naJehovha Mwari ndokuva vana vake vomudzimu, vadyi venhaka pamwe naJesu.—VaRoma 8:16, 17.

19. Jehovha anoita sungano yechii naIsraeri waMwari?

19 Jehovha zvino anoita sungano naIsraeri waMwari. Tinoverenga kuti: “Zvino kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu navo—ndizvo zvinotaura Jehovha: Mweya wangu uri pamusoro pako, namashoko angu andakaisa mumuromo mako, hazvingabvi mumuromo mako, kana mumiromo yavana vako, kana mumiromo yavana vavana vako, kubva zvino kusvikira nokusingaperi—ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Isaya 59:21) Mashoko aya angave akashanda pana Isaya pachake kana kuti kwete, asi zvechokwadi akazadzika pana Jesu, uyo akapikirwa kuti ‘aizoona vana vake.’ (Isaya 53:10) Jesu akataura mashoko aakanga adzidza kuna Jehovha, uye mudzimu waJehovha wakagara pamusoro pake. (Johani 1:18; 7:16) Nenzira yakakodzera, hama dzake uye vaanodya nhaka navo, nhengo dzaIsraeri waMwari, vanogamuchirawo mudzimu mutsvene waJehovha uye vanoparidza shoko ravakadzidza kubva kuna Baba vavo vokudenga. Vose “vachadzidziswa naJehovha.” (Isaya 54:13; Ruka 12:12; Mabasa 2:38) Zvimwe nokuna Isaya kana kuti Jesu, uyo Isaya anomiririra nenzira youprofita, Jehovha zvino anoita sungano yokusazovatsiva asi yokuvashandisa sezvapupu zvake kusvika kunguva isingazivikanwi. (Isaya 43:10) Zvisinei, “vana” vavo ndivanaani vanobatsirwawo nesungano iyi?

20. Chipikirwa chaJehovha kuna Abrahamu chakazadziswa sei muzana remakore rokutanga?

20 Munguva dzekare Jehovha akapikira Abrahamu kuti: “Ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako.” (Genesi 22:18) Maererano neizvi, vaIsraeri chaivo vakanga vasara vashoma vakagamuchira Mesiya vakabuda vakapinda mumarudzi mazhinji, vachiparidza mashoko akanaka pamusoro paKristu. Kutanga naKoneriyasi veMamwe Marudzi vasina kudzingiswa vakawanda ‘vakazviropafadza’ naJesu, Mbeu yaAbrahamu. Vakava rutivi rwaIsraeri waMwari uye rutivi rwechipiri rwembeu yaAbrahamu. Rutivi rwo“rudzi rutsvene” rwaJehovha, rune basa roku‘zivisa kwose kwose kunaka kweakavadana kuti vabve murima vapinde muchiedza chake chinoshamisa.’—1 Petro 2:9; VaGaratiya 3:7-9, 14, 26-29.

21. (a) “Vana” vapi avo Israeri waMwari akabereka munguva dzazvino? (b) “Vana” vacho vanonyaradzwa sei nesungano, kana kuti chibvumirano, icho Jehovha akaita naIsraeri waMwari?

21 Nhasi zvinoita sokuti nhamba yakakwana yaIsraeri waMwari yakaunganidzwa. Kunyange zvakadaro marudzi anongoramba achikomborerwa—pamwero mukuru. Sei? Pakuti Israeri waMwari akava ne“vana,” vadzidzi vaJesu vane tariro youpenyu husingaperi muparadhiso yepasi. (Pisarema 37:11, 29) “Vana” ava vanodzidziswawo naJehovha uye vanodzidziswa munzira dzake. (Isaya 2:2-4) Kunyange zvazvo vasingabhabhatidzwi nomudzimu mutsvene kana kuti vasingaonekwi sevari kurimwe remativi maviri esungano itsva, vanosimbiswa nomudzimu mutsvene waJehovha kukurira zvipingamupinyi zvose izvo Satani anoisa munzira yebasa ravo rokuparidza. (Isaya 40:28-31) Nhamba yavo zvino inosvika kumamiriyoni uye inoramba ichiwedzera sezvavanobereka vana vavowo. Sungano yaJehovha, kana kuti chibvumirano, nevakazodzwa inopa “vana” ava chivimbo chokuti Jehovha acharamba achivashandisawo sevamiririri vake kusvikira kunguva isingazivikanwi.—Zvakazarurwa 21:3, 4, 7.

22. Chivimbo chei chatinogona kuva nacho muna Jehovha, uye izvi zvinofanira kuita kuti tinzwe sei?

22 Saka tose ngatirambe tine kutenda kwedu muna Jehovha. Anoda uye anokwanisa kuponesa! Ruoko rwake haruzombovi rupfupi; nguva dzose achanunura vanhu vake vakatendeka. Vose vanovimba naye vacharamba vachitaura mashoko ake akanaka “kubva zvino kusvikira nokusingaperi.”

[Bhokisi riri papeji 294]

Jerusarema Rakaramba Kutenda—Rakafanana nechiKristudhomu

Jerusarema, guta guru rorudzi rwakasanangurwa naMwari, rinomirira sangano raMwari rokudenga rezvisikwa zvomudzimu uyewo boka revaKristu vakazodzwa vanomutsirwa kudenga somwenga waKristu. (VaGaratiya 4:25, 26; Zvakazarurwa 21:2) Zvisinei, kazhinji vagari veJerusarema vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, uye guta racho rakarondedzerwa sehure kana kuti semhombwekadzi. (Ezekieri 16:3, 15, 30-42) Riri muchimiro ichocho, Jerusarema rakapa mufananidzo wakakodzera wechiKristudhomu chakaramba kutenda.

Jesu akadana Jerusarema kuti “muurayi wevaprofita neanotaka nematombo avo vakatumwa kwaari.” (Ruka 13:34; Mateu 16:21) Kufanana neJerusarema risina kutendeka, chiKristudhomu chinoti chinoshumira Mwari wechokwadi asi chinotsauka nokure panzira dzake dzakarurama. Tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achatonga chiKristudhomu nemitemo mimwe chete iyoyo yakarurama yaakatonga nayo Jerusarema rakaramba kutenda.

[Mufananidzo uri papeji 296]

Mutongi anofanira kutonga zvakarurama, achitsvaka kururamisira, uye asingagamuchiri chioko muhomwe

[Mufananidzo uri papeji 298]

Kufanana norwizi rwakazara, kutonga kwaJehovha kuchatsvaira zvipingamupinyi zvose zvinodzivisa kuitwa kwokuda kwake

[Mufananidzo uri papeji 302]

Jehovha anoita sungano yokuti vanhu vake havazomborasikirwi neropafadzo yokuva zvapupu zvake

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe