Chitsauko 19
Unyengeri Hunofumurwa!
1. Jesu naJehovha vanoona sei unyengeri, uye hunova hwakadini muzuva raIsaya?
“ZVECHOKWADI nechokunze, munooneka semakarurama kuvanhu,” Jesu akadaro kuvatungamiriri vechitendero vomuzuva rake, “asi mukati makazara nounyengeri nokusateerera mutemo.” (Mateu 23:28) Kushora kwaJesu unyengeri kunoratidza maonere aBaba vake vokudenga. Chitsauko 58 chouprofita hwaIsaya chinonyatsotaura pamusoro pounyengeri hwakazara munyika yeJudha. Kurwa, udzvinyiriri, uye chisimba ndiwo mugariro, uye kuchengeta Sabata kwaderera kusvika pakungova tsika isina zvainoreva. Vanhu vanoitira Jehovha basa rechipameso uye vanoita utsvene hwokuda kuonekwa nokuzvinyima zvokudya asi zvisingabvi pamwoyo. Ndicho chikonzero nei Jehovha achifumura zvavari!
‘Udza Vanhu Zvivi Zvavo’
2. Isaya anoratidza chido chei sezvaanozivisa shoko raJehovha, uye ndivanaani nhasi vakaita saiye?
2 Kunyange zvazvo Jehovha achisemeswa nomufambiro wenyika yeJudha, mashoko Ake anosanganisira kuteterera kunobva pamwoyo kwokuti rudzi rwacho rupfidze. Kunyange zvakadaro, Jehovha anoda kuti kutsiura kwake kuve kwakajeka. Nokudaro, anorayira Isaya kuti: “Danidzira kwazvo, usarega, danidzira nenzwi rako sehwamanda, uparidzire vanhu vangu kudarika kwavo, neimba yaJakobho zvivi zvavo.” (Isaya 58:1) Kuzivisa mashoko aJehovha noushingi kungavengesa Isaya nevanhu, asi haadzokeri shure. Achine chido chokuzvipira sechaakaratidza paya paakati: “Ndiri pano, nditumei.” (Isaya 6:8) Isaya muenzaniso wakanaka zvakadini wokutsungirira kuZvapupu zvaJehovha zvomuzuva razvino, izvo zvakapiwawo basa rokuparidza Shoko raMwari nokufumura unyengeri hwechitendero!—Pisarema 118:6; 2 Timoti 4:1-5.
3, 4. (a) Vanhu vomuzuva raIsaya vanoedzesera kuva vakadini? (b) Ndeapi ari mamiriro ezvinhu chaiwo munyika yeJudha?
3 Vanhu vomuzuva raIsaya vanotsvaka Jehovha nokuratidza kufarira kutonga kwake kwakarurama zvokubata kumeso chete. Tinoverenga mashoko aJehovha okuti: “Kunyange zvakadaro, vanonditsvaka zuva rimwe nerimwe, vachifarira kuziva nzira dzangu; vanokumbira kwandiri mirayiro yakarurama, sorudzi runoita zvakarurama, rusingasiyi zvakarayirwa naMwari wavo; vanofarira kuswedera kuna Mwari.” (Isaya 58:2) Uku kunoratidzika sokufarira nzira dzaJehovha ndokwechokwadi here? Kwete. Vakaita “sorudzi runoita zvakarurama,” asi kuratidzika kwacho ndokwechipameso. Kutaura chokwadi, rudzi urwu rwaka“siy[a] zvakarayirwa naMwari wavo.”
4 Mamiriro acho ezvinhu akafanana zvikuru neakazoratidzwa muprofita Ezekieri. Jehovha akaudza Ezekieri kuti vaJudha vaiudzana kuti: “Douya hako, unzwe shoko rinobva kuna Jehovha.” Asi Mwari akanyevera Ezekieri nezvokusava kwavo vemwoyo wose achiti: “Vanouya kwauri . . . , vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti; nokuti vanotaura zvorudo nemiromo yavo, asi mwoyo yavo inotevera pfuma yavo. Zvino tarira, iwe wakaita kwavari sorwiyo rworudo runoimbwa nounenzwi rinofadza, unogona kuridza mbira kwazvo, nokuti vanonzwa mashoko ako, asi havaaiti.” (Ezekieri 33:30-32) Vanhu vomuzuva raIsaya vanotiwo vari kugara vachitsvaka Jehovha, asi havateereri mashoko ake.
Kuzvinyima Zvokudya Kwounyengeri
5. VaJudha vanoedza sei kuwana nyasha dzaMwari, uye Jehovha anoti chii nazvo?
5 Mukuedza kuwana nyasha dzaMwari, vaJudha vanoita zvinodiwa pakuzvinyima zvokudya, asi kuedzesera kuva vatsvene kwavo kunongovaparadzanisa naJehovha. Vachiratidza kushamisika vanobvunza kuti: “Takazvinyimireiko zvokudya, imi mukasazviona? Takatambudzireiko mweya yedu, imi mukasazviziva?” Jehovha anopindura zvakajeka, achiti: “Tarirai, pazuva rokuzvinyima zvokudya munotsvaka kuzvifadza henyu, nokubata mabasa enyu ose. Tarirai, munozvinyima zvokudya, kuti murwe nokukakavara, nokurova netsiva yezvakaipa; hamuzvinyimi zvokudya nhasi, kuti inzwi renyu rinzwike kumusoro. Ndikoko kuzvinyima zvokudya kwandakasanangura here? Ndirero zuva munhu raanotambudza mweya wake naro here? Ndiko kukotamisa musoro wake senhokwe, nokuwarira makudza namadota pasi pake here? Izvezvo ungazviti ndiko kuzvinyima zvokudya, nezuva rinodikanwa naJehovha here?”—Isaya 58:3-5.
6. Zviitoi zvevaJudha zvinoratidza kuti kuzvinyima zvokudya kwavo ndekwounyengeri?
6 Pavanenge vachizvinyima zvokudya, vachiedzesera kuva vakarurama, uye vachitokumbira kutonga kwakarurama kwaJehovha, vanhu vacho vanotevedza mafaro oudyire nemabasa ebhizimisi. Vanopinda mukurwa, kudzvinyirira, uye chisimba. Vachiedza kuvhara mufambiro wavo, vanoita zvokuchema kwokuti vaonekwe—vachirembedza misoro yavo senhokwe vakagara mumasaga nemadota—kunoratidzika sokupfidza zvivi zvavo. Izvi zvose zvinoshandei kana vachiramba vachimukira? Havaratidzi kusiririswa kana kupfidza kwokuda Mwari kunofanira kufambirana nokuzvinyima zvokudya kwomwoyo wose. Kuchema kwavo—kunyange zvazvo kune ruzha—hakunzwikwi kudenga.
7. VaJudha vomunguva yaJesu vakaita nounyengeri sei, uye vazhinji vanodarowo sei nhasi?
7 VaJudha vomuzuva raJesu vaiitawo zvokuzvinyima zvokudya kwetsika, vamwe vachidaro kaviri pavhiki! (Mateu 6:16-18; Ruka 18:11, 12) Vatungamiriri vechitendero vazhinji vakatevedzerawo chizvarwa chomuzuva raIsaya nokuva nehasha nokudzvinyirira. Saka Jesu akafumura noushingi vatungamiriri vechitendero ivavo, achivaudza kuti manamatiro avo akanga asina maturo. (Mateu 15:7-9) Nanhasiwo, vanhu mamiriyoni “vanozivisa pachena kuti vanoziva Mwari, asi vanomuramba nemabasa avo, nokuti vanosemesa uye havateereri uye havatenderwi nokuda kwebasa rakanaka rorudzi rupi norupi.” (Tito 1:16) Vakadaro vangatarisira tsitsi dzaMwari, asi mufambiro wavo unoratidza kuva kwavo vasiri vemwoyo wose. Kusiyana neizvi, Zvapupu zvaJehovha zvinoratidza kuzvipira kuna Mwari kwechokwadi uye kuda hama kwechokwadi.—Johani 13:35.
Zvinobatanidzwa Mukupfidza Kwechokwadi
8, 9. Zviitoi zvakanaka zvinofanira kubatana norupfidzo rwomwoyo wose?
8 Jehovha anoda kuti vanhu vake vasangozvinyima zvokudya nokuda kwezvivi zvavo chete; anoda kuti vapfidze. Zvadaro vachawana nyasha dzake. (Ezekieri 18:23, 32) Anotsanangura kuti kuitira kuti kuzvinyima zvokudya kuve nezvakunoreva, kunofanira kubatana nokururamiswa kwezvivi zvakapfuura. Funga nezvemibvunzo inosvika pamwoyo iyo Jehovha anobvunza: “Ko kuzvinyima zvokudya kwandakasanangura hakuzakadai here, kuti musunungure zvisungo zvezvakaipa, nokubvisa makashu ejoko, kuti wakamanikidzwa aende hake, uye kuti muvhune majoko ose here?”—Isaya 58:6.
9 Zvisungo nejoko zviratidzo zvakakodzera zvousungwa hwehasha. Naizvozvo pane kuzvinyima zvokudya uyewo vachidzvinyirira vamwe vavanotenda navo, vanhu vanofanira kuteerera murayiro wokuti: “Unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe.” (Revhitiko 19:18) Vanofanira kusunungura vose vavakadzvinyirira nokuita varanda zvisina kururamisira.a Zviito zvechitendero zvokushamisira, zvakadai sokuzvinyima zvokudya, hazvitsivi kuzvipira kuna Mwari kwechokwadi nemabasa anoratidza kuda hama. Mumwe akararama nguva imwe naIsaya, muprofita Mika, anonyora kuti: “Chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?”—Mika 6:8.
10, 11. (a) Chii chaizova nani kuvaJudha pane kuzvinyima zvokudya? (b) VaKristu vangashandisa sei zano raJehovha kuvaJudha?
10 Kururamisira, mutsa, uye kuzvininipisa zvinoda kuitira vamwe zvakanaka, iri iyo pfungwa huru yoMutemo waJehovha. (Mateu 7:12) Chiri nani zvikuru pane kuzvinyima zvokudya kwaizova kugovana zvizhinji zvavo nevanotambura. Jehovha anobvunza kuti: “[Kuzvinyima zvokudya kwandinosanangura] hakuzi kuti ugovane zvokudya zvako noune nzara, uye kuti udane varombo vakadzingwa vapinde mumba mako here? Kuti kana uchiona munhu wakashama umufukidze, uye kuti urege kuvanda venyama yako here?” (Isaya 58:7) Hungu, pane kuzvinyima zvokudya kwokuda kuonekwa, avo vanazvo vanofanira kupa zvokudya, zvokupfeka, kana kuti pokugara kuvanoshayiwa vavanogara navo venyika yeJudha—venyama yavo.
11 Nheyo dzakanaka idzi dzokuda hama uye dzetsitsi dzinoratidzwa naJehovha hadzingoshandi kuvaJudha vomunguva yaIsaya bedzi. Dzinotungamirirawo vaKristu. Nokudaro, muapostora Pauro akanyora kuti: “Saka, chero bedzi tine nguva yakafanira nokuda kwazvo, ngatiitirei vose zvakanaka, asi zvikurukuru vaya vane ukama nesu mukutenda.” (VaGaratiya 6:10) Ungano yechiKristu inofanira kuva ugaro hworudo, kuda hama, kunyanya nemhaka yenguva dzakaoma dziri kuwedzera dzatiri kurarama.—2 Timoti 3:1; Jakobho 1:27.
Kuteerera Kunounza Zvikomborero Zvakapfuma
12. Jehovha achaitei kana vanhu vake vakamuteerera?
12 Kudai vanhu vaJehovha vaizongova havo nenzwisiso kuti vateerere kutsiura kwake kworudo! Jehovha anoti: “Ipapo chiedza chako chichabuda sechamambakwedza, kuporeswa kwako kuchabukira nokukurumidza, kururama kwako kuchakutungamirira, nokubwinya kwaJehovha kuchakurindira mumashure. Ipapo uchadana, Jehovha uchakupindura; uchadanidzira iwe, iye uchati: Ndiri pano.” (Isaya 58:8, 9a) Mashoko oushamwari, anofadza zvakadini! Jehovha anokomborera nokudzivirira vanofarira mutsa worudo nokururama. Kana vanhu vaJehovha vakapfidza pahasha dzavo nounyengeri ndokumuteerera, vachava netariro zvikuru. Jehovha achavapa “kuporeswa,” kupora kworudzi rwacho paukama naMwari uye mumuviri. Achavarindawo, sezvaakaita madzitateguru avo paakanga achibuda muIjipiti. Uye achapindura nokukurumidza kukumbira kubatsirwa kwavo.—Eksodho 14:19, 20, 31.
13. Zvikomborero zvei zvakamirira vaJudha kana vakateerera kurayira kwaJehovha?
13 Jehovha zvino anowedzera pane zvaamborayira, achiti: “Kana uchibvisa pakati pako joko [rouranda hwehasha hwokusaruramisira], nokutendeka nomunwe [pamwe kuri kuseka kana kuti kupomera nhema], nokutaura zvakaipa; kana mweya wako ukava nehanya navane nzara, nokugutisa mweya wounotambudzika; ipapo chiedza chako chichabuda murima, kusvibirwa kwako kuchaita samasikati.” (Isaya 58:9b, 10) Udyire nokuva nehasha kuzviparadzisa uye zvinounza hasha dzaJehovha. Zvisinei, mutsa norupo kunyanya kana zvikaitirwa vane nzara nevanotambura, zvinounza chikomborero chaMwari chakapfuma. Kudai vaJudha vakangoisa havo chokwadi ichi mumwoyo! Ipapo kupenya kwavo nokubudirira pakunamata Mwari kwaizovaita kuti vapenye sezuva remasikati makuru, vachibvisa kusvibirwa kwose. Kupfuura zvose, vachaunza rukudzo nerumbidzo kuna Jehovha, Tsime rembiri yavo nezvikomborero.—1 Madzimambo 8:41-43.
Rudzi Runodzorerwa
14. (a) Vanhu vanorarama panguva yaIsaya vanoita sei nemashoko ake? (b) Jehovha anoramba achipa chii?
14 Zvinosiririsa kuti rudzi rwacho runoisa zvimiti munzeve Jehovha achiteterera uye runotowedzera kunyura muuipi. Pakupedzisira, vanosiya Jehovha asina zvaangaita kunze kwokuvaita kuti vatapwe, sezvaakanyevera. (Dheuteronomio 28:15, 36, 37, 64, 65) Kunyange zvakadaro, mashoko aJehovha anotevera achishandisa Isaya anoramba achipa tariro. Mwari anofanotaura kuti vakarangwa, vakabva vakapfidza ndivo vachasara vodzokera kunyika yeJudha nomufaro, kunyange zvazvo iri dongo.
15. Kudzorerwa kwechii kunofadza uko Jehovha anofanotaura nezvakwo?
15 Achitaura nezvenguva yemberi yokudzorerwa kwevanhu vake muna 537 B.C.E., Jehovha achishandisa Isaya, anoti: “Jehovha uchakufambisa nguva dzose, uchagutisa mweya wako panzvimbo dzakaoma, nokusimbisa mapfupa ako; uchava somunda wakadiridzwa, uye setsime remvura, risingapwi mvura yaro.” (Isaya 58:11) Jehovha achaita kuti nyika yokumusha kwavaIsraeri yakaoma ive yakaorera uye inoita zvibereko kwazvo. Zvinotofadza zvikuru ndezvokuti achakomborera vanhu vake vanopfidza, achisimbisa “mapfupa” avo kubva pakuva asina upenyu mumudzimu kusvika pakuva ane simba rakazara. (Ezekieri 37:1-14) Vanhu vacho vachava “somunda wakadiridzwa” uzere nezvibereko zvomudzimu.
16. Nyika ichadzorerwa sei?
16 Kudzorera kuchasanganisira kuvakazve maguta akaparadzwa nevaBhabhironi vakapinda nechisimba muna 607 B.C.E. “Vachaberekwa newe vachavakazve matongo akare; uchamutsa nheyo dzamarudzi mazhinji, uye uchatumidzwa: Mugadziri wopakakoromoka, muvandudzi wenzira, kuti vanhu vagone kugarapo.” (Isaya 58:12) Mashoko anoenderana okuti “matongo akare” nookuti “nheyo dzamarudzi mazhinji” (kana kuti, nheyo dzave dziri matongo kwezvizvarwa) anoratidza kuti vakasara vakadzoka vachavakazve maguta akaparadzwa enyika yeJudha, kunyanya Jerusarema. (Nehemia 2:5; 12:27; Isaya 44:28) Vachagadzira “pakakoromoka”—shoko rezvizhinji rinoreva mikaha iri mumasvingo acho eJerusarema uye pasina mubvunzo neemamwe magutawo.—Jeremia 31:38-40; Amosi 9:14.
Zvikomborero Zvokuchengeta Sabata Nokutendeka
17. Jehovha anoteterera sei vanhu vake kuti vateerere mitemo yeSabata?
17 Sabata raiva nzira yokuratidza nayo kuva nehanya kwaMwari kwakakomba nezvokugara zvakanaka kwevanhu vake munyama uye pakumushumira. Jesu akati: “Sabata rakavapo nokuda kwomunhu.” (Mako 2:27) Zuva rakatsveneswa naJehovha iri rakapa vaIsraeri mukana chaiwo wokuratidza kuda kwavo Mwari. Zvinosuruvarisa kuti kuzosvika panguva yaIsaya rashayiswa simba kusvika pakuva zuva rokuchengeta tsika dzisina zvadzinoreva uye kuita zvido zvoudyire. Naizvozvo Jehovha ane chikonzero chokuranga vanhu vake zvakare. Uye, anoedzazve kusvika pamwoyo yavo. Anoti: “Kana uchidzora gumbo rako pazuva resabata, kuti urege kuita zvaunoda pazuva rangu dzvene, uchiti, sabata izuva rinofadza, nezuva dzvene raJehovha rinofanira kukudzwa, uchirikudza, usingaiti zvaunoda, kana kutsvaka zvinokufadza, kana kutaura mashoko ako; ipapo uchafarira Jehovha kwazvo; neni ndichakufambisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika, ndichakugutisa nenhaka yababa vako Jakobho, nokuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.”—Isaya 58:13, 14.
18. Chii chichaitika nemhaka yokutadza kuremekedza Sabata kwenyika yeJudha?
18 Sabata izuva rokufungisisa zvinhu zvokunamata Mwari, kunyengetera, uye kunamata kwemhuri. Rinofanira kubatsira vaJudha kufungisisa pamusoro pemabasa anoshamisa aJehovha aakavaitira uye ruramisiro norudo runoratidzwa muMutemo wake. Nokudaro, kuchengeta nokutendeka zuva dzvene iri kunofanira kubatsira vanhu kuswedera pedyo naMwari wavo. Asi vari kutosvibisa Sabata saka vari mungozi yokubviswa pachikomborero chaJehovha.—Revhitiko 26:34; 2 Makoronike 36:21.
19. Zvikomboreroi zvakapfuma zvakamirira vanhu vaMwari kana vakatanga kuchengeta Sabata?
19 Kunyange zvakadaro, kana vaJudha vakadzidza pachirango votanga kukudza zvinodiwa zveSabata, zvikomborero zvakapfuma zvakavamirira. Migumisiro yakanaka yokunamata kwechokwadi nokuremekedza Sabata ichapfachukira ichipinda muupenyu hwavo hwose. (Dheuteronomio 28:1-13; Pisarema 19:7-11) Somuenzaniso, Jehovha achaita kuti vanhu vake va“fambis[we] panzvimbo dzakakwirira dzenyika.” Mashoko aya anoratidza kuchengeteka uye kukurirwa kwevavengi vavo. Iye anodzora nzvimbo dzakakwirira—zvikomo nemakomo—ndiye anodzorawo nyika. (Dheuteronomio 32:13; 33:29) Pane imwe nguva vaIsraeri vaiteerera Jehovha, uye rudzi rwacho rwakafara nokuchengetwa naye uye rwairemekedzwa, ruchitotyiwa nemamwe marudzi. (Joshua 2:9-11; 1 Madzimambo 4:20, 21) Kana vakaenda kuna Jehovha zvakare vachimuteerera, imwe yembiri yavaimbova nayo iyoyo ichadzorerwa. Jehovha achapa vanhu vake mugove wakazara mu“nhaka yababa va[v]o Jakobho”—zvikomborero zvaakapikira nokusungano Yake namadzibaba avo, zvikurukuru chikomborero cheNyika Yakapikirwa yakachengeteka.—Pisarema 105:8-11.
20. I“zororo resabata” ripi richiripo kuvaKristu?
20 Pane chidzidzo here kuvaKristu apa? Nokufa kwaJesu Kristu, Mutemo waMosesi wakabviswa, kusanganisira Sabata rawaida. (VaKorose 2:16, 17) Zvisinei, chido chingadai chakakurudzirwa nokuchengeta Sabata munyika yeJudha—pfungwa yokuisa zvinhu zvaMwari pakutanga nokuswedera pedyo naJehovha chichiri kukosha kuvanamati vaJehovha. (Mateu 6:33; Jakobho 4:8) Uyezve, Pauro mutsamba yake kuvaHebheru anoti: “Kuchine zororo resabata nokuda kwevanhu vaMwari.” VaKristu vanopinda mu“zororo resabata” iri nokuteerera Jehovha nokutevedza zvakarurama kunobva pakutenda muropa rakadeurwa raJesu Kristu. (VaHebheru 3:12, 18, 19; 4:6, 9-11, 14-16) KuvaKristu, rudzi urwu rwokuchengeta sabata runoitwa, kwete zuva rimwe chete pavhiki bedzi, asi mazuva ose.—VaKorose 3:23, 24.
Israeri Womudzimu ‘Anofamba Panzvimbo Dzakakwirira Dzenyika’
21, 22. Munzirai umo Jehovha aka“fambisa” nayo Israeri waMwari “panzvimbo dzakakwirira dzenyika”?
21 Kubva pakusunungurwa kwavo pakuva nhapwa muBhabhironi muna 1919, vaKristu vakazodzwa vakachengeta nokutendeka chaifananidzirwa neSabata. Somugumisiro Jehovha akava“fambisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika.” Mupfungwai? Kare muna 1513 B.C.E., Jehovha akaita sungano nevazukuru vaAbrahamu yokuti dai vaizoteerera, vaizova umambo hwevapristi uye rudzi rutsvene. (Eksodho 19:5, 6) Kwemakore 40 ose vari murenje, Jehovha akavatakura vakachengeteka, segondo rinotakura manyana aro, uye akavakomborera nezvizhinji zvaakavapa. (Dheuteronomio 32:10-12) Zvisinei, rudzi rwacho rwakanga rusina kutenda, uye pakupedzisira rwakarasikirwa neropafadzo dzose dzarwaigona kudai rwakawana. Pasinei naizvozvo, Jehovha ane umambo hwevapristi nhasi. NdiIsraeri waMwari womudzimu.—VaGaratiya 6:16; 1 Petro 2:9.
22 Mu“nguva yokupedzisira,” rudzi rwomudzimu urwu rwakaita izvo Israeri wekare akakundikana kuita. Vakachengeta kutenda muna Jehovha. (Dhanieri 8:17) Nhengo dzacho sezvadzinonyatsoteerera mitemo yaJehovha yakakwirira nenzira dzepamusoro, mupfungwa yomudzimu Jehovha anovakwidza pakakwirira. (Zvirevo 4:4, 5, 8; Zvakazarurwa 11:12) Vakadzivirirwa pakusachena kwakavapoteredza, vane mararamire akakwirira, uye pane kuramba vachida kutevera nzira dzavo, vano‘farira Jehovha kwazvo’ neShoko rake. (Pisarema 37:4) Jehovha akavachengetedza mumudzimu mukutarisana nokushorwa kwakasimba munyika yose. Kubva muna 1919 “nyika” yavo yomudzimu haina kuparadzwa. (Isaya 66:8) Vanongoramba vari vanhu vezita rake rapamusoro, iro vanozivisa nomufaro munyika yose. (Dheuteronomio 32:3; Mabasa 15:14) Uyezve nhamba iri kuramba ichiwedzera yevanyoro vanobva mumarudzi ose zvino vanowanawo ropafadzo huru yokudzidziswa nzira dzaJehovha nokubatsirwa kufamba munzira dzake pamwe chete navo.
23. Jehovha akaita kuti vashumiri vake vakazodzwa ‘vagutiswe nenhaka yaJakobho’ sei?
23 Jehovha akaita kuti vashumiri vake vakazodzwa ‘vagutiswe nenhaka yaJakobho.’ Apo Isaka akakomborera Jakobho panzvimbo paIsau, mashoko atateguru uyu akafanotaura nezvezvikomborero nokuda kwevose vaizoratidza kutenda muMbeu yaAbrahamu yakapikirwa. (Genesi 27:27-29; VaGaratiya 3:16, 17) SaJakobho—kwete Isau—vaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo ‘vanoonga zvinhu zvitsvene,’ kunyanya zvokudya zvomudzimu izvo Mwari anogovera zvakawanda. (VaHebheru 12:16, 17; Mateu 4:4) Zvokudya zvomudzimu izvi—zvinosanganisira kuziva izvo Jehovha ari kuita achishandisa Mbeu yakapikirwa uye shamwari dzeMbeu iyoyo—zviri kusimbisa, kumutsiridza, kupa simba, uye zvinokosha nokuda kwoupenyu hwavo hwomudzimu. Saka zvinokosha kuti vagare vachidya zvokudya zvomudzimu nokuverenga pamwe nokufungisisa Shoko raMwari. (Pisarema 1:1-3) Zvinokosha kuti vasongane nevamwe vavanotenda navo pamisangano yechiKristu. Uye zvinokosha kuti vatsigire zvinodiwa mukunamata kwakachena zvakakwirira sezvavanofara nokugovana zvokudya izvi nevamwe.
24. VaKristu vechokwadi vanozvibata sei nhasi?
24 Vachimirira nechido kuzadzika kwezvipikirwa zvaJehovha, vaKristu vechokwadi ngavarambe vachidzivisa unyengeri hwemarudzi ose. Vachigutswa ne‘nhaka yaJakobho,’ ngavarambe vachiwana kuchengeteka kwomudzimu pa“nzvimbo dzakakwirira dzenyika.”
[Mashoko Omuzasi]
a Jehovha akaita urongwa hwokuti vamwe vevanhu vake vaipinda muchikwereti vazvitengese vachiva varanda—chaizvoizvo vachiva vashandi vakahayiwa—kuti vabhadhare chikwereti chavo. (Revhitiko 25:39-43) Zvisinei, Mutemo wairayira kuti varanda vabatwe nomutsa. Vaya vaibatwa noutsinye vaifanira kusunungurwa.—Eksodho 21:2, 3, 26, 27; Dheuteronomio 15:12-15.
[Mufananidzo uri papeji 278]
VaJudha vakazvinyima zvokudya nokukotamisa misoro yavo vachiratidza kupfidza zvokunyepera—asi havana kuchinja nzira dzavo
[Mufananidzo uri papeji 283]
Avo vanazvo vanopa pokugara, zvokupfeka, kana kuti zvimwe zvinhu kune vanotambura
[Mufananidzo uri papeji 286]
Kana nyika yeJudha ikapfidza, ichavakazve maguta ayo akaparara